Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfacha Munyika Isina Ushamwari!

Pfacha Munyika Isina Ushamwari!

Pfacha Munyika Isina Ushamwari!

MUCHECHE anozvarirwa munyika isina tsitsi, isina ushamwari, nyika izere nezvinoodza mwoyo. Kunyange zvazvo mucheche asingagoni kuita zvokutaura manzwiro ake, mamwe masayendisiti anodavira kuti asati atombozvarwa mwana achiri mudumbu anoziva zvinenge zvichiitika.

Bhuku rinonzi The Secret Life of the Unborn Child rinoti: “Iye zvino tava kuziva kuti mwana asati azvarwa anoziva, munhu ane zvaanoitawo uyo kubvira mumwedzi wechitanhatu zvichienda mberi (uye zvichida pakuvamba chaipo) anenge atovawo nemanzwiro ake.” Kunyange zvazvo mucheche angasayeuka, mamwe masayendisiti anofungidzira manzwiro aanoita pakuzvarwa kuti anova nemigumisiro paupenyu hwake hwenguva yemberi.

Pashure pokuzvarwa, kuora mwoyo kunoenderera mberi. Ava kunze kwedumbu raamai, mucheche anenge asingachadyi nenzira inongozviitikira yoga. Rukuvhute ruya rwaifambisa mhepo yokufema nezvokudya hapachisina. Kuti ararame, anofanira kutanga kufema uye kuzvidyira oga. Anoda mumwe munhu anomudyisa uye kumutarisira pane zvimwe zvaanenge achida.

Mwana achangoberekwa anofanirawo kukura mupfungwa, mumanzwiro, uye mune zvokunamata. Saka mumwe munhu anofanira kurera mucheche uyu. Ndiani akanyatsokodzera kuita izvi? Mucheche anodei kuvabereki vake? Zvaanoda zvingagutswa sei? Nyaya dzinotevera dzichabatsira kupindura mibvunzo iyi.