Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Yevanorwara

Tariro Yevanorwara

Tariro Yevanorwara

KARE, vanhu vakanga vasinganyanyi kufarira kushamwaridzana nevanhu vane zvinyamusi. Izvi zvaiguma nokuita kuti vakawanda vaiva nedambudziko racho vashaye shamwari munzanga. Vamwe vaitadza kuwana mabasa. Vamwe vaisafarirwa nevomumhuri mavo chaimo. Kakawanda, izvi zvaingowedzera chinetso chacho uye zvaiita kuti vaya vairwara vasabatsirwe.

Zvisinei, mumakumi emakore achangodarika aya, basa guru rakaitwa kuedza kunzwisisa kuora mwoyo kunotoda kurapwa uye dambudziko rebipolar. Iye zvino zvinonyatsozivikanwa kuti dambudziko iri rinorapika. Asi kuwana rubatsiro hakusi nyore nguva dzose. Nei?

Kuziva Zviratidzo

Dambudziko rebipolar harizivikanwi nokungoongorora ropa kana nokutora X ray. Asi, maitiro omunhu, mafungiro ake, uye zvisarudzo zvake zvinoongororwa kwenguva yakati. Panofanira kuva nezviratidzo zvinoverengeka kuti zvinzi ndiro dambudziko racho. Chinetso chacho ndechokuti dzimwe nguva vomumhuri uye shamwari havazivi kuti zvavari kucherechedza ndizvo zvinoratidza kuti munhu ane dambudziko rebipolar. “Kunyange vanhu vakabvumirana kuti maitiro omunhu achinja kubva pane zvaanoita nguva dzose,” anonyora kudaro Dr. David J. Miklowitz, “vangave nepfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro pezvinoita kuti munhu aite nenzira iyoyo.”

Uyezve, kunyange apo vomumhuri vanofunga kuti mamiriro acho ezvinhu akakomba, zvingave zvakaoma kuti vaite kuti ane dambudziko racho abvume kurapwa. Kana kuti kana uriwe ari kurwara wacho, ungasangonzwa uchida kurapwa. Dr. Mark S. Gold anonyora kuti: “Zvichida unobvumirana nezvaunofunga paunenge wakaora mwoyo—kuti haubatsiri, saka zvinobatsirei kuenda kunorapwa ipo pasina munhu anokuda. Zvichida unoda kuona mumwe munhu pamusoro pedambudziko racho asi unofunga kuti kuora mwoyo chinhu chinonyadzisa, kuti imhaka yako. . . . Zvichida hauzivi kuti manzwiro auri kuita ndiko kuora mwoyo kwacho.” Kunyange zvakadaro, kune vaya vanorwara nokuora mwoyo kwakakomba, zvinokosha kuti varapwe.

Zvechokwadi, munhu wose anomboora mwoyo pane imwe nguva, uye izvi hazvirevi hazvo kuti ane dambudziko rezvinyamusi. Asi zvakadini kana manzwiro iwaya achiratidzika kuva akanyanyisa kudarika aya anomboitika apo neapo? Uye zvakadini kana akaramba aripo kwenguva refu—zvichida kwemavhiki maviri kana kudarika? Uyezve, ngatiti kuora mwoyo kwacho kuri kukutadzisa kuita zvinhu senguva dzose, kungave kubasa, kuchikoro, kana mumagariro ako nevanhu. Pakadaro, kungava kuchenjera kuonana nenyanzvi inoziva basa rokuongorora nokurapa zvirwere zvokuora mwoyo.

Kana zvichikonzerwa nemakemikari omuviri mashoma kana kuti akawandisa, kurapwa kungadiwa. Dzimwe nguva, murwere angakurudzirwa kuti aonane nevaya vanopa mazano kuti vamubatsire kuziva kurarama nedambudziko rake. Kushandisa nzira mbiri idzi pamwe chete pane dzimwe nguva kwakabatsira. * Chinhu chinokosha ndechokuti iwe utange kutsvaka kuti uwane rubatsiro. “Nguva zhinji vanorwara vanotya uye vanonyara nedambudziko ravo,” anodaro Lenore, ane dambudziko rebipolar ataurwa munyaya yatangira ino. “Zvisinei, chinotonyadzisa chaicho ndechokufungira kuti une chinetso worega kutsvaka rubatsiro rwaunenge uchifanira kupiwa.”

Lenore ari kutaura zvakaitika kwaari. Anoti, “Ndaingogara ndakarara kwerinenge gore rose.” “Zvadaro, rimwe zuva pandainzwa zviri nani, ndakasarudza kuridzira chiremba runhare uye kuronga nguva yokuonana naye.” Lenore akanzi aiva nedambudziko rebipolar, uye akapiwa mishonga. Upenyu hwake hwakabva hwatochinja kubva ipapo. “Ndinonzwa ndirini chaiye pandinonwa mushonga wangu,” anodaro Lenore, “kunyange zvazvo ndichifanira kuramba ndichizviyeuchidza kuti ndikarega kuushandisa, ndinorwarazve.”

Ndizvo zvinoitawo Brandon, uyo ane dambudziko rokuora mwoyo. Anoti “Ndichiri kuyaruka, ndaiwanzofunga zvokuzviuraya pamusana pokunzwa ndisingakoshi. Ndakatozoenda kwachiremba ndava nemakore okuma30.” Sezvinongoitawo Lenore, Brandon anonwa mushonga kuti ararame nedambudziko rake, asi handizvo zvoga zvinodiwa. “Kuti nditarisire utano,” anodaro, “ndinotarisira pfungwa dzangu nomuviri. Ndinozorora uye kungwarira zvandinodya. Ndinozadzawo pfungwa dzangu uye mwoyo wangu nepfungwa dzakanaka dzinobva muBhaibheri.”

Zvisinei, Brandon anotaura kuti kuora mwoyo kunotoda kurapwa kunofanira kurapwa uye hakusi chinetso chomudzimu. Kuziva izvi kunokosha kuti munhu apore. Brandon anoti: “Pane imwe nguva ndakamboudzwa nomumwe muKristu aida kubatsira kuti sezvo VaGaratiya 5:22, 23 ichitaura kuti mufaro chibereko chomudzimu mutsvene, ndainge ndakaora mwoyo nokuti ndakanga ndichiita chimwe chinhu chaivharidzira mudzimu iwoyo. Izvozvo zvakatoita kuti ndinzwe ndiine mhaka zvikuru uye kuora mwoyo. Asi pandakangotanga kubatsirwa, kuora mwoyo kuya kwakatanga kuderera. Ndakanzwa nani chaizvo! Ndakatokungura kuti dai ndakanga ndawana rubatsiro nokukurumidza.”

Kukunda Hondo Yacho

Kunyange pashure pokunge dambudziko racho razivikanwa uye ratanga kurapwa, zvingangoita kuti dambudziko rezvinyamusi rirambe richinetsa murwere. Kelly, uyo ari kutambura nokuora mwoyo kwakakomba, anotenda kubatsira kwenyanzvi dzakamurapa. Zvisinei, akawanazve kuti kutsigira kwevamwe kunokosha. Pakutanga, Kelly akanga asingadi kubatsirwa nevamwe nokuti akanga asingadi kuonekwa somutoro. Anoti, “Ndakadzidza kusangotsvaka kubatsirwa asiwo kubvuma kubatsirwa. Zvakaramba zvakadaro kutozosvikira ndataura pachena manzwiro angu zviri izvo zvakaita kuti ndikwanise kumisa dambudziko iri.”

Somumwe weZvapupu zvaJehovha, Kelly anopinda misangano nehama dzake dzechiKristu paImba yoUmambo. Zvisinei, dzimwe nguva, kunyange misangano iyi inofadza inomunetsa. “Kazhinji kacho chiedza, kufamba famba kwevanhu, uye ruzha zvinogona kuvhiringidza. Ipapo ndinobva ndatanga kunzwa ndiine mhaka, uye kuora mwoyo kwacho kunowedzera nokuti ndinenge ndichifunga kuti dambudziko rangu chiratidzo chokuti handina kusimba mumudzimu.” Kelly anorarama sei nechinetso ichi? Anoti: “Ndakadzidza kuti kuora mwoyo idambudziko rinoda kungorarama naro uchitsungirira. Hachisi chiratidzo chokuti ndinoda Mwari zvakadini kana hama dzangu dzechiKristu. Handizvo zvinoratidza kuti kunamata kwangu kwakasimba zvakadini.”

Lucia, ambotaurwa munyaya yapfuura, anotenda kuti akarapwa zvakanaka kwazvo. “Kuona nyanzvi youtano hwepfungwa kwaikosha kwazvo kuti ndizive zvokuita kuti ndikurire zvinyamusi zvaiitika pamwe chete nedambudziko iri,” anodaro. Lucia anosimbisawo kuti kuzorora kunokosha. Anoti, “Kurara chinhu chinokosha pakurarama nedambudziko rokufara zvokudarikidza. Pandairara zvishoma, zvaibva zvakwidza. Kunyange pandinoshaya hope, pane kumuka, ndakazvidzidzisa kuramba ndakazvambarara kuti ndizorore.”

Sheila, ambotaurwawo munyaya yapfuura, akawana zvichibatsira kuva nebhuku raanonyora zuva nezuva zviitiko zvose zvemanzwiro ake. Anocherechedza kuti anova nemaonero ari nani eramangwana. Kunyange zvakadaro, pane zvinetso. “Handizivi kuti nei, kuneta kunoita kuti pfungwa dzisina kunaka dzipinde muuropi hwangu,” anodaro Sheila. “Asi ndakadzidza kudzivharidzira kana kuti kusanyanyofunga nezvadzo.”

Kunyaradza kweShoko raMwari

Bhaibheri rinobatsira kusimbisa vakawanda vaya vanorwara ne“ndangariro . . . zhinji.” (Pisarema 94:17-19, 22) Somuenzaniso Cherie, akawana Pisarema 72:12, 13 richikurudzira zvikuru. Apa, munyori wepisarema anotaura nezvaMambo akagadzwa waMwari, Jesu Kristu kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yevashayiwi.” Cherie akakurudzirwawo nemashoko omuapostora Pauro akanyorwa pana VaRoma 8:38, 39 anoti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari.”

Elaine, mumwe ane dambudziko rebipolar, anosimbiswa noukama hwake naMwari. Anonyaradzwa chaizvo nemashoko omunyori wepisarema anoti: “Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” (Pisarema 51:17) “Zvave zvichinyaradza zvechokwadi kuziva kuti Baba vedu vane rudo vokudenga, Jehovha, vanonzwisisa,” anodaro. “Zvave zvichisimbisawo kuswedera pedyo navo mumunyengetero, zvikurukuru munguva dzokufunganya zvikuru uye dzokuora mwoyo.”

Sezvatinogona kuona, kurarama nezvinyamusi kune zvinetso zvakowo. Zvisinei, Cherie naElaine vakaona kuti kunyengetera vachivimba naMwari pamwe nokurapwa kwakafanira kwakaita kuti vakwanise kuvandudza upenyu hwavo. Asi vomumhuri neshamwari vangabatsira sei vaya vane dambudziko rebipolar kana kuti rokuora mwoyo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mukai! haina nzira ipi neipi yokurapa yainotsigira. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti nzira ipi neipi yokurapa yavanotsvaka haipesani nezvinotaurwa neBhaibheri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

“Pandakangotanga kubatsirwa, kuora mwoyo kuya kwakatanga kuderera. Ndakanzwa zviri nani chaizvo!”—BRANDON

[Bhokisi riri papeji 9]

Zvakacherechedzwa Nomurume

“Lucia asati arwara, akabatsira vanhu vakawanda nemano ake. Kunyange iye zvino vanhu pavanoshanyira mudzimai wangu paanenge achinzwa zvakanaka, vanoita sevanokwezvwa noushamwari hwake. Chisingazivi vakawanda ndechokuti Lucia anochinja-chinja, dzimwe nguva anomboora mwoyo kwazvo uye pamwe anofara zvokudarikidza. Izvi zvinokonzerwa nedambudziko rebipolar, chirwere chaave achitsungirira kwemakore mana adarika.

“Paanenge achifara zvokudarikidza, hazvishamisi kuti Lucia arambe akasvinura kusvikira na1, 2, kana kunyange na3 mangwanani, achingotaura pfungwa itsva dzinenge dzichingobuda mumusoro make. Anenge achingonzwa aine simba. Anogumburwa nezvinhu zvidukuduku uye anoshandisa mari asina kuzvironga. Anofamba munzvimbo dzine ngozi zvikuru, achifunga kuti hapana chingamuwana, kuti hapana chingamukuvadza, chingakanganisa tsika dzake kana imwe ngozi. Zvinoenderana nokuita zvinhu asina kufunga injodzi yokuti angada kuzviuraya. Nguva dzose chinotevera kufara zvokudarikidza, kuora mwoyo, uko kazhinji kunenge kuchienderana nokufara zvokudarikidza kunenge kwapfuura.

“Upenyu hwangu hwachinja zvikuru. Kunyange Lucia achirapwa, zvatinogona kuita nhasi zvingave zvakasiyana nezvatingadai takaita nezuro kana zvatichaita mangwana. Zvinochinja zvichienderana nemamiriro edu ezvinhu. Ndakangoona zvava kundimanikidza kuchinja kupfuura zvandaifunga kuti ndaigona.”—Mario.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Paunenge Wanyorerwa Mushonga Nachiremba

Vamwe vanofunga kuti kunwa mushonga chiratidzo chokuti hauna kusimba. Asi zvifunge nenzira iyi: Anorwara neshuga ane purogiramu yokurapwa yaanofanira kutevedzera, ingasanganisira kuzvibaya majekiseni. Izvi chiratidzo chokukundikana here? Kwete! Inongova nzira yokuwedzera zvinovaka muviri kuti murwere wacho arambe aine utano hwakanaka.

Zvakafanana chaizvo nokushandisa mushonga wezvirwere zvokuora mwoyo nebipolar. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vakabatsirwa nepurogiramu yevapi vemazano iyo yakaita kuti vakwanise kunzwisisa urwere hwavo, zvinoda kungwarira. Kana muviri uine makemikari akawandisa kana mashoma, dambudziko racho harigoni kupedzwa nokungogadzirisa mafungiro. Steven, ane dambudziko rebipolar anoti: “Mumwe chiremba akandirapa akandipa muenzaniso achiti: Unogona kudzidzisa munhu zvidzidzo zvose zvokutyaira munyika, asi ukapa munhu iyeye motokari isina chidhiraivho kana mabhureki, zvidzidzo izvozvo hazvibatsiri. Nenzira yakafanana, kupa munhu akaora mwoyo mazano omumusoro chete kungasapedza dambudziko racho. Kuita kuti pave nemakemikari ouropi ane mwero ndiro danho rokutanga rinokosha.”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Bhaibheri rinobatsira kusimbisa vakawanda vanotambura nepfungwa dzisina kunaka