Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chishamiso Chegore Negore cheNamaqualand

Chishamiso Chegore Negore cheNamaqualand

Chishamiso Chegore Negore cheNamaqualand

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

Maruva emavara akasiyana-siyana anozara pose pose mubani guru kusvika kwaunogona kuona. Kazhinji vashanyi vanoita sevachabhururuka nomufaro pavanotanga kuona chishamiso chegore negore cheNamaqualand. Mumwewo mufambi anotaura achishamisika kuti, “paunongoati ba, maruva acho anotaridzika sebota rinopisa riri kubuda mugomo raputika, richizadza pose pose noruvara runopenya rweorenji.”

Kunyange zvakadaro chii chinoita kuti kutumbuka kwemaruva kunoitika muchirimo uku kukange mate mukanwa zvakadaro? Namaqualand inzvimbo yakakura yakaoma iri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSouth Africa. Seri kwemakomo ari kuchamhembe, kune Rwizi rweOrange runoganhura nzvimbo iyi nechokuchamhembe. Namaqualand, inzvimbo yakakura kudarika Switzerland (ine masikweya kiromita anenge 50 000), yakareba anenge makiromita 200 ichidzika kumaodzanyemba, inongoti pfuurei zvishomanana pakati nepakati porwendo rwokuenda kuCape Town. Nguva zhinji yegore, tembiricha panyika iyi yakaoma, inokwira kusvika kumadhigirii 40 masikati yozodzika kusvika pakuita chando pamadhigirii -8. Sezvo isina mvura pamusoro uye mvura shomanana ine munyu iri pasi pevhu, Namaqualand ingaratidzika seisinganakidzi kuona—kutozosvikira chishamiso chegore negore chaitika!

Gore negore, mvura ichangopedza kunaya kubva mukutanga kwaAugust kusvika pakati paSeptember, mapani eNamaqualand anowanzogara akaoma anoshanduka kuva unjenjenje hwemaruva kamwe kamwe. Mapani ose anotumbuka kuva maruva eorenji, eyero, epingi, machena, matsvuku, ebhuruu, uye epepuru. Sezvo runako urwu ruchingogara kwemavhiki mashomanana gore roga roga, vashanyi vanobva mupasi rose vanotarisira zvikuru kugutsa meso sezvavanotarira unjenjenje hwemaruva aya.

Chinoita kuti pave norunako runoshamisa zvechokwadi uwandu hwakakodzera hwemvura pamwe chete nechiedza chezuva chakafanira. Kana zvadaro munhu wose anotarisira kuti mhepo yokumabvazuva inopisa zvikuru haiuyi, nokuti inobva yapisa zvose pakarepo zvokuti maruva anofa, runako rwemavara rwose rwotsakatika.

Nyika inoshamisa yeNamaqualand inokonzerwawo nokuvapo kwembeu dzakawanda. Zvisinei, maruva acho mazhinji haameri gore rimwe nerimwe—pane mamiriro okunze chaiwo aanoda kuti abudise runako rwawo. Kunyange zvazvo dzimwe mbeu dzichimera pashure pegore rimwe chete, dzimwe mbeu hadzimeri kwemwaka inoverengeka, dzichimirira mamiriro okunze akakodzera kuti dzimere. Mumwe mushanyi anotsanangura kuti, “Dzimwe mbeu, dzinochengetedzwa nezvinoita kuti mbeu dzisamera nguva isati yakwana. Pane kumera dzangonayiwa nemvura kamwe chete kuchipisa, mbeu dzacho dzinongomera kana kuchitonhorera uye kuine unyoro chete—izvo zvakakodzera kuti dzikure uye dzirarame munzvimbo iyi yakaoma.”

Zvichienderana nokuti mvura yanaya zvakanaka sei uye kuti hakuna mhepo inopisa, maruva acho anoratidzika zvakasiyana-siyana gore roga roga, mamwe makore achitunga maruva anoshamisa kudarika mamwe makore. “Nokuti rudzi rumwe norumwe rune tembiricha yarwo apo runomera,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Namaqualand—South African Wild Flower Guide, “uye guti rokutanga ringaitika muna April kusvika muna July (mwedzi ine tembiricha dzakasiyana-siyana), marudzi akasiyana-siyana anomera gore negore zvichienderana nokuti mvura yokutanga inonaya rini.

Pane maruva akasiyana-siyana zvikuru—marudzi anopfuura 4 000, rumwe norumwe rune chimiro charwo, ruvara uye nzira yokumera nayo! Mune dzimwe nzvimbo, marudzi akasiyana-siyana emaruva kubvira pa10 kusvika ku20 anogona kuonekwa munzvimbo inenge sikweya kiromita. Runako rwemaruva aya runoita kuti pendi inoshandiswa pakudhirowa mifananidzo iite sepasina zviripo. Kunyange mashoko akanakisisa anoita seasina kukwana kurondedzera runako runoyemurika rweNamaqualand.

Kunyange zvakadaro, vanodhirowa mifananidzo, vananyanduri, nevanyori vanokurudzirwa nemaruva iwayo anoratidzika zvinoshamisa. Mumwe mudetembi wokuSouth Africa anonzi D. J. Opperman afungisisa akataura kuti, “Raiva zuva guru rokudyara panyika, apo . . . homwe yaShe yakanakisisa yakadonhedza mbeu dzinokosha nepaburi.” Mumwe murume akayemura kwazvo akati: “Zvaitaridzika sokunge muraraungu wakanga wafamba musango regwenga racho, uchidonhedzera mavara akasiyana-siyana pose pose.” Mumwe mushanyi afunga zvakadzama akati: “Runako rwakadaro rusingaperi runoita kuti munhu aonge kupa kukuru uye uchenjeri zvine Musiki wedu, Jehovha.”

Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti runako rwechishamiso chegore negore cheNamaqualand runotivimbisa kuti Musiki anogona kushandisa zvinhu zvipenyu zvakadaro kuti adzorere Paradhiso munyika yose—kuti vanhu vake vakatendeka uye vanoonga vafare nokusingaperi. (Pisarema 37:10, 11, 29) Zvadaro munyika yose, “renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.”—Isaya 35:1.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Minda mikuru, yakakura anenge masikweya kiromita 50 000, ine maruva akatumbuka