Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Matambudziko Okurara Akakomba

Kuziva Matambudziko Okurara Akakomba

Kuziva Matambudziko Okurara Akakomba

PANE dzimwe nguva zvinoita munhu zvingaratidza kuti ane dambudziko rokurara rakakomba. Munhu ane dambudziko rokushaya hope risingaperi, raanonetseka naro kwenguva inopfuura mwedzi, anenge anewo zvinetso zvakakomba zvikuru, zvakadai sokuora mwoyo. Dambudziko rokushaya hope risingaperi ringavawo chiratidzo chechimwe chirwere chakakomba.

Kumbotadza Kufema Munhu Akarara

Mario aiva nedambudziko rokurara masikati zvakanyanya. Paaityaira motokari yavo, mudzimai wake aitofanira kunyatsomutarisa, nokuti aiva nomuitiro wokumbopota achingoti rabada, izvo kazhinji aisazomboyeuka. Aiita ngonono zvine ruzha uye panguva dzakasiyana-siyana usiku hwoga hwoga uye dzimwe nguva aingoti vhazu kumuka achifemereka. *

Mario ainyatsoratidza kuti aiva nechinetso chokumbotadza kufema kana akarara. Nguva yokumbotadza kufema kana munhu akarara ingabva pamasekonzi gumi kusvika kumaminitsi maviri kana matatu. Munhu wacho kazhinji anenge achishanyarika-shanyarika achifemereka ozobatwazve nehope, oramba achingozvidzokorodza kakawanda usiku hwose. Kune mhando nhatu dzokumbotadza kufema.

Kumbotadza kufema kunokonzerwa nouropi kunoitika apo chikamu chouropi chinodzora kufema chinorega kuudza muviri kuti urambe uchifema. Pakumbotadza kufema kunoitika munhu akarara achinzwa akadzipwa, panopinda nemhepo nechokumashure kwegurokuro panotovhara pachitadzisa mhepo kufamba. Kumbotadza kufema kwakavhengana mubatanidzwa wezviviri izvi uye ndiko kunowanzoitika. Munhu upi noupi ane dambudziko chero ripi zvaro rokumbotadza kufema anogona kupedzisira angoda kufanana nomunhu anenge asingarari usiku hwose!

Avo vanombotadza kufema kana vakarara vangararama upenyu hune ngozi, nokuti vanongokaruka varara vari pabasa kana kuti vachityaira. Vangava neBP yakakwiririsa, mwoyo wakakurisa, uye vanova mungozi yokurohwa nesitiroko, uye chirwere chomwoyo. Dr. William Dement weStanford University anofungidzira kuti vanhu vokuAmerica 38 000 vanofa gore negore nezvirwere zvomwoyo zvinokonzerwa nokumbotadza kufema munhu akarara.

Kumbotadza kufema munhu akarara kunogona kuitika pamazera ose, kunyange kuvana vaduku, kunyange zvazvo kuchinyanya kuvarume vakafutisa. Kune nzira dzakawanda dzokurapa—dzose dzinofanira kupiwa nachiremba anonyatsoziva nezvokurara. Kushandisa muchina unovhura nzira yokuti mhepo ipinde, ndiyo nzira yokurapa pasina kuvhiya inonyatsoshanda zvikuru kana munhu ane chinetso chokumbotadza kufema kana akarara uye achinzwa akadzipwa. Murwere wacho anopfeka masiki pamhuno yake usiku, uye chinodzora mhepo (chakagadzirirwa murwere wacho nachiremba) chinopinza mhepo inodiwa kuti munhu wacho asambomira kufema. Kana izvi zvikasagadzirisa chinetso chacho, kune dzimwe nzira dzakasiyana-siyana dzokuvhiya, dzinobvisa nyama yakawandisa inenge iri pagurokuro.

Kungorara-rara

Rimwe dambudziko rehope rinoda kurapwa nderokungorara-rara—chirwere chetsinga chinokonzera kurara zvakanyanyisa masikati. Somuenzaniso, Buck aingogara achitsimwaira. Aingokaruka arara, kunyange mukati memisangano inokosha. Akatanga kugara akabata makiyi muruoko rwake kuitira kuti izvi pazvaiitika, ruzha rwaiita makiyi acho achiwira pasi rwaizomumutsa. Zvino akabva atangawo chimwe chirwere chinonzi cataplexy—chirwere chaimuita kuti anzwe kupera simba mumabvi uye kungoti pose paaifara obva afenda. Akazotangawo zvokungokaruka ooma muviri paainge obatwa nehope uye paaimuka pamwe chete nokupota achiona nokunzwa zvisipo asati abatwa nehope.

Kungorara-rara kunowanzotanga kubva pazera remakore 10 kusvika ku30. Dzimwe nguva vanhu vacho vanotanga kungoita zvimwe zvinhu vasingazivi, apo vanenge vachiratidzika sevarikungoita senguva dzose asi havaoni kuti nguva yafamba sei. Chinetso chechirwere ichi ndechokuti kazhinji hachionekwi kwemakore, nepo munhu wacho anenge achionekwa sesimbe, anonoka kufunga, uye akangosiyana nevamwe. Panguva ino chinonzi hachirapiki, asi zviratidzo zvinogona kurapwa nemishonga nokugadzirisa zvimwe zvinhu mumararamiro—zvichingobudirirawo zvakasiyana-siyana. *

Mamwe Matambudziko Okurara

Mamwe matambudziko maviri, dzimwe nguva anooneka akabatana, anokanganisa zvakananga maoko nemakumbo, zvichiguma nechinetso chokushaya hope chisingaperi. Chimwe chacho ndechokutadza kufambisa maoko nemakumbo, apo makumbo uye dzimwe nguva maoko, anogwinha-gwinha munhu akarara. Funga nezvaMichael. Paakaongororwa zvakaonekwa kuti aigara achimutswa nokugwinha kwaipota kuchiita makumbo ake kanenge ka350 usiku hwoga hwoga!

Rimwewo dambudziko rakasiyana nderemakumbo anenge achingofamba-famba, * apo kunzwa kunenge kuri mukati metsandanyama dzegumbo nemabvi kunokonzera kufamba zvine simba nokudaro zvichitadzisa munhu kubatwa nehope. Kunyange chinetso ichi chichiwanzofungidzirwa kuti chinokonzerwa nokusarovedza muviri kana kuti kusafamba zvakanaka kweropa, dzimwe nguva zvinoita sezvinokonzerwa nokunwa zvinhu zvakadai setii nekofi. Kunwa doro kunonziwo kunowedzera chinetso chacho dzimwe nguva.

Kuzviruma mukanwa, idambudziko rinoonekwa nokurumanisa mazino wakarara. Kana zvichigara zvichiitika, zvinogona kukonzera kupera kwemazino kusiri kwenguva dzose kurwadza kweshaya kwakakomba, zvichiguma nokushaya hope kwakakomba. Zvichiendererana noukuru hwechinetso chacho, kune nzira dzakasiyana-siyana dzokurapa pamwe kungava kuvhiyiwa mukanwa kana kuti kupfeka chokudzivirira mukanwa usiku.

Kuongorora kupfupi uku matambudziko mashomanana pamatambudziko mazhinji anoitika munhu akarara kunoratidza kuti zvinogona kuva zvine ngozi kana kukasarapwa. Kurapa kwacho kungava kuri nyore kana kuti kwakaoma, asi kazhinji kunokosha. Kana iwe kana kuti mudikanwi wako ane chinetso chokushayiwa hope chisingaperi kana kuti achiratidza kuti ane chinetso chokurara chakakomba, kungava kuchenjera kutsvaka rubatsiro rwavanachiremba nokukurumidza. Kunyange kana kurapa kukasapedza chinetso chacho zvachose, kungaderedza ngozi dzingavapo nokuita kuti zvive nyore kuvamwe vose kutsungirira. Zvadaro, munguva yemberi, panozadzika zvipikirwa zveBhaibheri, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Kurwara kwose kuchabviswa zvachose sezvo Mwari anoita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3-5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ngonono dzinokonzerwa nokumbotadza kufema hadzifaniri kuvhiringidzwa nengonono dzisina kunyanya dzinoitwa apo neapo nevanhu vose pavanenge vakarara—chinhu chikuru chadzakangoipira ndechokuti dzinomutsa vamwe vanenge vakarara mukamuri rimwe chete iroro.

^ ndima 11 Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro pokungorara-rara, ona Mukai! yeChirungu yaApril 8, 1991, papeji 19-21.

^ ndima 14 Ona magazini yeMukai! yeChirungu, yaNovember 22, 2000 nokuda kwemamwe mashoko pamusoro pedambudziko iri.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kurapwa kwematambudziko okurara kunofanira kuitwa nachiremba

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ngonono dzingava chiratidzo chokumbotadza kufema kana munhu akarara

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kungorara-rara kunowanzoonekwa sousimbe

[Mufananidzo uri papeji 30]

Zvinopinza mhepo zvinogona kubatsira pakumbotadza kufema kunoitika munhu akarara