Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maziviro Aungaita Mwari Nezita

Maziviro Aungaita Mwari Nezita

Maziviro Aungaita Mwari Nezita

MUMWE munyori wepepanhau akatambira tsamba inotevera yaibva kune mumwe muverengi yaiti: “Ndave ndichifungisisa zvakadzama kwoupenyu hwangu hwose mubvunzo uyu, uye ndinofunga kuti munogona kundipa mhinduro. Mwari anonzi ani? VaJudha vanoti zita rake chairo rakatsakatika nokufamba kwenguva. VaKristu vanomuti Jesu. VaMuslim vanomuti Allah. . . . Saka anonzi ani?” Pepanhau rakabudisa mubvunzo wacho pamwe chete nemhinduro iyi, inoti: “Maererano nedzidziso dzekare dzechiHebheru, Mwari ndewamasimba ose, saka Haagoni kuva nezita rimwe chete. Zvisinei, ndinokuvimbisa kuti Iye (Murume kana kuti Mukadzi) achadavira kana ukamudana nezita ripi neripi rauchamudana naro nokuremekedza.”

Mafungiro okusakoshesa zita raMwari akadaro akakurumbira nhasi. Kunyange zvazvo vachida zvokunamata, vakawanda vanodavira Bhaibheri havambofungisisi nezvezita raMwari. Asi Mwari anonzwa sei? Anongozviona sezvisina basa here?

Haisi Nhau Isina Basa

Chimbofunga nezvokuti Bhaibheri rinotaura zita raMwari chairo, rokuti Jehovha, kakawanda. MuNew World Translation of the Holy Scriptures, zita raMwari rinooneka ka7 210! * NdiMwari pachake akafuridzira vanyori veBhaibheri kushandisa zita rake kakawanda kudaro. Asafi, mumwe wevanyori ava, uyo akanyora pisarema akati: “Imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Dhavhidhi akanyorawo mupisarema kuti: “Tichareva zita raJehovha Mwari wedu.”—Pisarema 20:7.

Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha Mwari anonzvera mwoyo yedu kuti aone kuti tinonzwa sei pamusoro pezita rake. Munyori wepisarema akati: “Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, . . . ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye unoziva zvakavanzika zvomwoyo.” (Pisarema 44:20, 21) Muprofita Isaya akanyora kuti: “Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.”—Isaya 12:4.

Mwari pachake akati: “Vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.” (Jeremia 16:21) Pane imwe nguva akazivisa kuti: “Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, . . . zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 36:23) Mamwe mashoko aya anotaura nezvenguva iyo Jehovha acharatidza hasha dzake kuvaya vasingaremekedzi zita rake. Nhau yezita rake chairo haisi chinhu chisina basa kuna Mwari.

Jehovha Mwari Haasi Kure Newe

Ungasvika sei pakuziva Mwari nezita? Zvinorevei kuziva Mwari nezita? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.” (Pisarema 9:10) Zvakajeka kuti kuziva Mwari nezita hakusi kungoziva zita rake chete. Unofanira kuvimba naye. Izvozvo zvinoreva kusvika pakuziva kuti ndiMwari worudzii uye kudzidza nezvounhu hwake uye mafungiro ake. Izvi zvichakukurudzira kuvimba naye.

Kuverenga nokudzidza Bhaibheri nokunyatsongwarira ndiko bedzi kunogona kukubatsira kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Anopikira kudzivirira vaya vanomuda uye vanoda zita rake. Nezvomunhu akadaro, Mwari anoti: “Zvaakandida, ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu. Iye uchadana kwandiri, ndichamupindura; ini ndichava naye pakutambudzika; ndichamurwira, nokumukudza. Ndichamugutsa noupenyu hurefu, nokumuratidza ruponeso rwangu.”—Pisarema 91:14-16.

Chokwadi Jehovha Mwari ane ukama hwakaisvonaka nevaya vanomuziva nezita! Newewo unogona kuva noukama hwakadaro naye. Muminyengetero yako yomwoyo wose, usambozeza kumudana nezita. Achapindura nokuti Bhaibheri rinoti, ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’—Mabasa 17:27.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 New World Translation of the Holy Scriptures, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, ishanduro inotsiva mutauro wekare weshanduro dzekare nomutauro wamazuva ano. Chinhu chikuru mushanduro iyi kudzorerwa kwezita raMwari munzvimbo yaro chaiyo muBhaibheri. Kusvika pari zvino, maBhaibheri akazara kana kuti asina anodarika mamiriyoni 122 akadhindwa mumitauro 45.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Mwari Anokuziva Nezita

Mwari akati kuna Mosesi: “Ndinokuziva nezita rako.” (Eksodho 33:12) Nhoroondo inozivikanwa zvikuru yegwenzi rinopfuta inopupurira izvi. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari “akadana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi!” (Eksodho 3:4) Uyu unongova muenzaniso mumwe wenguva dzakawanda apo Mwari akadana vanhu nemazita avo. Zvakajeka kuti Musiki wezvose anotifarira somunhu mumwe nomumwe.

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anoziva imwe neimwe yemabhiriyoni akawanda enyeredzi nezita. (Isaya 40:26) Zvechokwadi anotokoshesa zvikuru vanhu vanomunamata! Muapostora Pauro akanyora kuti “Jehovha anoziva avo vari vake.” (2 Timoti 2:19) Uku hakusi kungoziva mazita nomusoro chete. Mwari anonyatsoziva vanamati vake. Nesuwo tinofanira kuziva Mwari nezita uye kunyatsoziva unhu hwake.

Bhuku reBhaibheri rokupedzisira rinorondedzera bhuku rokufananidzira umo Mwari anonyora mazita evanhu vose vakamunamata kubva kare nakare. Bhuku iri rinonzi “mupumburu woupenyu” nokuti Jehovha Mwari achapa upenyu husingaperi kune vaya vane mazita akanyorwamo. (Zvakazarurwa 17:8) Iyi itariro inofadza kune avo vanoziva Mwari nezita.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12]

Vakazivisa Zita raMwari

Rwiyo rwaMosesi vaIsraeri vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa runoti: “Ndichaparidza zita raJehovha.”Dheuteronomio 32:3.

Dhavhidhi achitaura nehofori inonzi Goriati akati: “Ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo.”1 Samueri 17:45.

Pashure pokurasikirwa nezvinhu zvake zvose uye kufirwa nevana vake vose kamwe kamwe Jobho akati: “Zita raJehovha ngarikudzwe.”Jobho 1:21.

Muapostora Petro achitora mashoko muMagwaro echiHebheru muhurukuro yake akati: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”Mabasa 2:21.

Muprofita Isaya akati: “Ongai Jehovha, paridzai zita rake, . . . . muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.”Isaya 12:4.

Jesu Kristu achidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera akati: “Ipapo, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’”Mateu 6:9, 10.

Jesu Kristu achinyengetera kuna Mwari akati: “Ndakonesa zita renyu.”Johani 17:6.

Mwari achitaura kuvanhu vake akati: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe.”Isaya 42:8.