Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Zita!

Mwari Ane Zita!

Mwari Ane Zita!

Mwari anonzi ani? Vanhu vose vane mazita. Vanhu vakawanda vanototumidza kunyange katsi nembwa dzavo mazita! Saka hatingatarisiri kuti Mwari avewo nezita here? Zviri pachena kuti kuva nemazita nokuashandisa zvinokosha muukama hwevanhu uye mukukurukurirana. Handizvo zvazvakaitawo here noukama hwedu naMwari? Zvinoshamisa kuti mamiriyoni anoti anotenda muna Mwari weBhaibheri haashandisi zita rake chairo. Asi, zita raMwari rave richizivikanwa kwemazana emakore. Paunoverenga nyaya dzino dzinotevedzana, uchaziva nezvenguva yaishandiswa zita raMwari kwazvo. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti uchaziva zvinotaura Bhaibheri pamusoro pokuziva Mwari nezita.

PAKAZOSVIKA zana remakore rechi17, nyika dzakawanda dzokuEurope dzakanga dzava kugadzira mari yesimbi yaiva nezita raMwari. Mari yesimbi yokuGermany yakagadzirwa muna 1634 yainyatsoratidza zita rokuti Jehovha. Mari dzakadaro dzakasvika pakukurumbira zvikuru dzichinzi mari dzaJehovha dzesimbi, uye dzakashandiswa kwemakumi emakore.

Jehovha * kushandurwa kwezita raMwari kwave kuchizivikanwa kwemazana emakore. MuchiHebheru, mutauro unoverengwa uchibva kurudyi kuenda kuruboshwe, zita racho rinonyorwa ari mabhii mana, יהוה. Mabhii mana aya echiHebheru—anomiririra YHWH—anozivikanwa seTetragrammaton. Zita raMwari rakanyorwawo nenzira iyi rakaoneka pamari dzesimbi dzokuEurope kwemakumi emakore.

Zita raMwari rinogona kuonekwawo pazvivako, pamatombo akavezwa okuyeuchidza, pamifananidzo, zvinhu zvakavezwa uyewo munziyo dzechechi dzakawanda. Maererano neenisaikoropidhiya yokuGermany inonzi Brockhaus, pane imwe nguva machinda echiPurotesitendi aiva netsika yokupfeka bheji rakaiswa chitaera chezuva neTetragrammaton. Chiratidzo chacho chaishandiswawo pamireza nemari dzesimbi, chaizivikanwa sechiratidzo chaJehovha neZuva. Sezviri pachena, vanhu vokuEurope vomuzana remakore rechi17 nerechi18 vaiva vakanyura mune zvokunamata vaiziva kuti Mwari Wamasimba ose aiva nezita. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti vakanga vasingatyi kurishandisa.

America payakanga ichitongwa nedzimwe nyika, zita raMwari rakanga richizivikanwa. Ngatitore somuenzaniso Ethan Allen uyo akarwira Rusununguko rweAmerica. Maererano netsamba dzake, muna 1775 akarayira vavengi vake zvakasimba kuti vakande zvombo pasi “muzita raJehovha Mukuru.” Gare gare, Abraham Lincoln paaiva purezidhendi, vaimupa mazano vakawanda vaitaura nezvaJehovha kazhinji mutsamba dzavainyorera Lincoln. Mamwe magwaro ekare okuAmerica ane zita raMwari anowanikwa mumaraibhurari akawanda maanogona kuonekwa nevanhu. Iyi ingori mienzaniso mishomanana yokuti zita raMwari rave richiratidzwa sei zvakajeka kwemazana emakore.

Ko nhasi? Zita raMwari rakanganwiwa here? Kana. Shanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana dzine zita raMwari chairo mundima zhinji. Kungoenda kuraibhurari kana kungotsvaka-tsvaka kwemaminitsi mashomanana mumaduramazwi ako kungangoratidza kuti zita rokuti Jehovha rinoshandiswa nevanhu vakawanda vanotaura mutauro wako richiwirirana neTetragrammaton. Somuenzaniso, Encyclopedia International inotsanangura zvakajeka zita rokuti Jehovha se“madanirwo amazuva ano ezita raMwari rinoyera rechiHebheru.” The New Encyclopædia Britannica yakabudiswa mazuva achangopfuura inotsanangura kuti Jehovha i“zita raMwari wevaKristu nevaJudha.”

Pamwe ungabvunza kuti, ‘Asi zita raMwari rinokosheswa nevanhu here nhasi?’ Zita raMwari richiri kuratidzwa munzira dzakasiyana-siyana munzvimbo dzoruzhinji dzakawanda. Somuenzaniso, zita rokuti Jehovha rakanyorwa pakona pechimwe chivako chiri muGuta reNew York. Muguta rimwe chete iri, zita racho rakawanikwawo riri muchiHebheru pamufananidzo une mavara akajeka uri pane chimwe chiteshi chikuru chomugwagwa wepasi pevhu. Zvisinei, zvingangodaro kuti pazviuru zvevanhu vakafamba nepanzvimbo idzi, havasi vanhu vazhinji vakakoshesa mashoko iwayo.

Zita raMwari rinokosha kuvanhu vokwaunogara here? Kana kuti vanhu vazhinji vanotaura nezvoMusiki sa“Mwari,” sokunge zita rokuremekedza iri ndiro zita rake chairo here? Pamwe wakacherechedza kuti vanhu vakawanda havafungi kuti Mwari anotombova nezita. Ko iwe? Unonzwa wakasununguka kudana Mwari nezita rake chairo rokuti Jehovha here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nyaya dzino dzinotevedzana dzinoratidza manyorerwo anosvika 39 ezita rokuti Jehovha mumitauro inopfuura 95.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

Mambo Akazivisa Zita raJehovha

Muna 1852 boka remamishinari rakabva kuHawaii richienda kuzvitsuwa zveMicronesia. Rakanga riine tsamba yokuzivisa kuti vaiva vanaani yaiva nechidhindo chaMambo Kamehameha III, mambo weHawaiian Islands aitonga panguva iyoyo. Tsamba iyi, yakatanga kunyorwa nomutauro wokuHawaii uye yakanyorerwa kuvatongi vakasiyana-siyana, vePacific Islands, yaivawo nemashoko aiti: “Kune vadzidzisi vaMwari Wokumusorosoro, Jehovha, vave kuda kuuya ikoko kuzvitsuwa zvenyu kuti vazokuzivisai Shoko Rake kuti muwane ruponeso rusingaperi. . . . Ndinoti vadzidzisi vakanaka ava vakafanira kuti muvaremekedze uye muvabate noushamwari uye ndinokukurudzirai kuti muteerere zvavanokurayirai. . . . Ndinokukurudzirai kuti murase zvidhori zvenyu, mubvume Ishe Jehovha saMwari wenyu, mumunamate uye mumude uye Iye achakukomborerai nokukuponesai.”

[Mufananidzo]

Mambo Kamehameha III

[Kwazvakatorwa]

Hawaii State Archives

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Tetragrammaton,” zvinoreva “mabhii mana,” anoperetera zita raMwari chairo muchiHebheru