Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanyira Musika Wehove Mukuru Munyika Yose

Shanyira Musika Wehove Mukuru Munyika Yose

Shanyira Musika Wehove Mukuru Munyika Yose

NOMUNYORI WEMUKAI! MUJAPAN

UNONAKIDZWA nechipatapata chepamusika here? Musika ungangokunakidza uye unotokwezva vashanyi vanobva munyika yose ndoweTsukiji, musika wehove unongova chinhambwe chipfupi kubva pakati peTokyo. Unozviti ndiwo musika wehove mukuru munyika yose.

Mangwanani-ngwanani ndiyo nguva yakanaka yokuendako. Vanhu vazhinji vomuTokyo pavanenge vachakarara, pamusika wacho panenge patova nemvengemvenge. Marori anounza matani ehove anosvika zviuru zviviri pazuva, uye dzose idzi dzinofanira kuburutswa nokukurumidza nokuti panozosvika 3 mangwanani, vatengi vanenge vototanga kuuya. Vatengesi vanoronga mabhokisi avo ehove nokukurumidza, vachinamira pepa pabhokisi rimwe nerimwe rine nhamba, uremu hwehove dzacho, uye kwadzakabatwa. Zviri nyore kuziva vatengi vacho. Vanopfeka magambutsu nekepesi dzine nhamba dzavo dzerezinesi. Kusiyana nevashanyi vanenge vachifamba zvavo vakadzikama, vatengi vanomhanya-mhanya kwose kwose vachiongorora kunaka kwehove dzacho uye vachisarudza kuti vangatenga dzakawanda sei. Vaya vanenge vaine hochekeso, tochi, uye tauro ndivo vanoda kutenga tuna. Zvinhu zvavo zvinokosha pakuongorora kunaka kwetuna dzacho dzinenge dziri mirabaraba uye tauro nderokupukutisa maoko avo pashure pokubata hove.

Mheremhere yacho inotanga na5:30 mangwanani. Mabhero anotanga kurira kwose kwose sezvo vatengesi vanodana vatengi kuti vachitanga kuratidza zvavanoda kutenga. Kunenge kuti vatengesi vanenge vari kwose kwose. Chaizvoizvo, pane makambani manomwe anohodhesa, ayo anotengesa panguva imwe chete iyi, asi mamwe acho anenge ane vatengesi vaviri kana kupfuura vanotengesa zvinhu zvakasiyana-siyana panguva imwe chete. Vatengesi vose ava vanoshevedzera nhamba dzemabhokisi dziya nemashevedzero avowo okutengesa, uye vatengi vanobvumirwa vanoratidza kuti vanoda kutenga nokushandisa minwe yavo nenzira yavanonzwisisana nayo. Chiratidzo chokuda kutenga chinoitwa nokukurumidza zvokuti mutengo wehove dzacho unosarudzwa mumasekondi mashomanana. Vamwe vatengi vanoratidza kuti vanoda kutenga kune vatengesi vaviri panguva imwe chete. Muchitoro chimwe nechimwe munobvumidzwa mutengi mumwe bedzi, saka vatengi vacho vanofanira kumhanya kumativi ose kuti vawane hove dzavanoda. Vaya vanotenga dzakawanda uye hove dzakawanda dzakasiyana-siyana kuti vazonotengesazve kuzvitoro zvakawanda, pamwe ndivo vanenge vachimhanya-mhanya zvakanyanya kupfuura vamwe vose.

Mutengo wacho wachajwa, vatengi vacho vanoda kusvitsa hove dzacho kunzvimbo yadzinodiwa nokukurumidza sezvinobvira. Vane zvingoro zvokudhonza nemaoko uye vane motokari duku dzinotakura zvinhu vanomhanyidzana mumigwagwa yakamanikana vachienda nehove. Kwose kwose chinongova chipatapata, kumhanya-mhanya, uye mheremhere. Kumunhu anenge achionawo zvake, zvinongoita sebvonyongera. Asi zvose zvakanyatsorongeka uye zviri kunyatsodzorwa. Mumaawa mashomanana, matani anopfuura chiuru ehove anotengeswa uye anotakurwa. Dzimwe hove dzinoendeswa kuzvitoro zviduku zvinenge zviri mumusika iwoyo uye dzichatengeswa mumaawa amangwanani kuzviuru zvevanenge vachida kwazvo kutenga.

Sezvaunogona kufungidzira, Musika weTsukiji wakakura. Makambani makuru manomwe anohodhesa anotarisira kutengesa kwacho uye vatengesi vaduku vanopfuura chiuru vakanyoresa zviri pamutemo kuti vaite basa ravo pano. Mugore rose, vanenge vakabatikana vachitengesera vatengi vanenge 40 000 vanoshanyira musika wacho zuva roga roga.

Vatengi vacho ndivanaani? Pakati pavo pane vanotenga dzakawanda vanobva kumahotera makuru, maresitorendi, zvitoro zvikuru, uye masupamaketi. Uyewo, pane vane zvitoro zviduku zvinotengesa zvokudya, misika yehove iri pedyo uyewo, tisingakanganwi varidzi vezvitoro zviduku zvekare asi zvinobudirira zvinotengesa mupunga usingapisi wakaiswa zvakawanda-wanda. Vatengi vose ava vanokwikwidzana kuti vatenge zvinhu zvakanaka. Zvinofungidzirwa kuti vose vanotenga matani anenge 600 000 ezvokudya zvomugungwa pagore, vachipedza mari inopfuura mabhiriyoni US$5 (Z$4 120 000 000 000).

Chaizvoizvo, Tsukiji hausi musika wehove chete. Musika unohodhesa michero uyewo miriwo. Mumwe wemisika 11 mikuru inohodhesa muTokyo inoshanda ichitarisirwa nekanzuru yemo. Misika inotengesa zvokudya zvisina kubikwa yakatanga kare kare kuma1603. Kuti itaridzike zvakanaka uye kuti ive noutsanana, muna 1877 misika iyi yakatanga kutarisirwa nehurumende. Kudengenyeka kwepasi kwakaitika muna 1923 muTokyo kwakaparadza misika yacho, zvichiguma nokuvapo kwewava kuzivikanwa nhasi soMusika weTsukiji, uyo wakatanga kushanda muna 1935.

Kubvira ipapo, musika wacho wakura zvikuru. Ndokupi munyika kwaungawana hove dzakawanda uye dzakasiyana-siyana seidzi dzinotengeswa zuva nezuva? Zvinofungidzirwa kuti hove dzakadai sesalmon, cod, sea bream, mackerel, sole, uye herring nesea urchin, sea cucumber, uye shellfish—mhando dzinosvika 450 dzinobva munyika yose—dzinotengeswa pano. Zvimwe zvitoro zviduku zviri mumusika wacho zvinongotengesa mhando imwe chete bedzi yezvokudya zvomugungwa, zvakadai seoctopus kana kuti shrimp.

Zvisinei, pane imwe hove iri pano, huru yadzo dzose. Iyoyi ituna yakakura, inouya nendege yejeti kubva munzvimbo dziri kure dzakadai seMediterranean Sea uye North America. Hapana imwe hove inoenzana nayo pauremu kana pamutengo. Tuna imwe chete yakakura inogona kutengwa nezviuru zvakawanda zvemadhora. Mazana ehove dzetuna nyoro nedzakaomeswa nechando dzinotengeswa pano zuva nezuva. Vatengi vanozocheka-cheka tuna iyi kuti iite nhindi dzinokodzera vatengesi vemo. Nhindi dzakanaka dzine mafuta dzinonzi toro, dzinobviswa pambabvu, zvichida ndidzo dzinozoiswa pamusoro kunakisa mupunga usingapisi wakaiswa zvakawanda-wanda.

Kuti musika mukuru wehove munyika yose unofanira kuva muJapan hazvishamisi. Nyika yacho yakapoteredzwa nenyanza uye nemakungwa matatu, uye vanhu vomuJapan vakadzidza kufarira zvinhu zvinobva mumvura kare kare. Hove ndiko kudya kunonyanyonaka pazvokudya zvevanhu vokuJapan. Gore roga roga, munhu wokuJapan mumwe chete anodya makirogiramu anenge 70 ehove nezvokudya zvomugungwa paavhareji, uye zvakawanda zvacho zvinobva kuMusika weTsukiji. Saka kana ukazomboshanyira Tokyo, unodii kuendawo nevashanyi vari kuwedzera vanoshanyira musika wehove mukuru munyika yose?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]

Mufananidzo wehove: Kubva mubhuku rinonzi L’Art Pour Tous, Encyclopedie de l’Art Industriel et Decoratif, Vol. 31, 1861-1906

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

James L. Stanfield/NGS Image Collection

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

© Jeff Rotman/www.JeffRotman.com

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]

Zvakabvumirwa neTokyo Metropolitan Central Wholesale Market