Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unhu Hwako Hunodzorwa Norudzi Rweropa Here?

Unhu Hwako Hunodzorwa Norudzi Rweropa Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Unhu Hwako Hunodzorwa Norudzi Rweropa Here?

KUZIVA unhu hwomunhu nokungoshandisa rudzi rweropa kwakakurumbira mune dzimwe nyika. Somuenzaniso, muJapan hazvishamisi kunzwa vamwe vachibvunza kuti, “Ropa rako nderorudzii?” senzira yokutanga nayo nyaya. Vatsigiri vepfungwa iyi vanoti vanhu vane rudzi rweropa runonzi A vanyoro, vanogona kutarisira zvinhu, uye vanofungira; avo vane rudzi rweropa runonzi B vanonzi vanopa nomwoyo wose, vanogara vakafundumwara, vanonyengedzwa zviri nyore, zvichingodaro. Zvinonziwo munhu ane ropa rorumwe rudzi angawana zvakaoma—kana kuti zviri nyore—kunzwanana nomumwe munhu weropa rorumwewo rudzi.

Vachishandisa pfungwa iyi, vamwe vanofunga kuti rudzi rweropa runokosha pakuisa vana mumapoka avo muzvikoro, kusarudza vatungamiriri pamakambani, kana kuti kunyange kusarudza wokuroorana naye. Pane uchapupu here hwokuti unhu hwedu hunodzorwa norudzi rweropa redu zvechokwadi? Pane dzidziso dzeBhaibheri dzinombotaura nezvenhau iyi here?

Rudzi Rweropa Chii?

The World Book Multimedia Encyclopedia inotsanangura kuti: “Zvinoputira masero matsvuku eropa zvine mapurotini anonzi maantigen. Zvava kuzivikanwa kuti kune maantigen emasero matsvuku anodarika 300.” Nyange zvazvo vamwe vanhu vane mamwe maantigen, vamwe havana, uye mamwe maantigen haagoni kugarisana. Naizvozvo, sokuwedzera kunoita enisaikoropidhiya iyi, “zvichienderana nokuvapo kana kusavapo kwemamwe maantigen, masayendisiti akaisa ropa revanhu mumapoka akasiyana-siyana.”

Nzira yokuisa nayo ropa mumapoka inonyanyozivikanwa inonzi ABO, iyo inoisa ropa revanhu mumarudzi mana—A, B, AB, uye O. Uyewo, nzira inonzi Rh inowanzoshandiswa. Chaizvoizvo, kune dzimwe nzira dzokuisa nadzo ropa mumapoka dzinenge 20 dzinozivikanwa. Saka sezviri pachena, ropa rakaoma kunzwisisa zvikuru. Encyclopædia Britannica inoti: “Nhamba huru yemaantigen akasiyana-siyana emasero matsvuku inoita kuti pave nomukana muduku zvikuru wokuti vanhu vave neropa rine zvinhu zvakafanana zvinonzi zvinoratidza boka reropa kunze kwemapatya akafanana.”

Kutaura zvazviri, izvi zvinoratidza kuti munhu mumwe nomumwe ane “rudzi rweropa” rake oga. Kutaura kuti vanhu vane mamwe marudzi eropa vane unhu hwakafanana, naizvozvo kunoratidza kuti hakuna uchapupu. Sezviri pachena pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tizoguma tave nounhu hwatinahwo.

Chii Chinoita Kuti Tive Nounhu Hwatinahwo?

“Unhu, maitiro aya okutodza vabereki uye anodzidzwa nomunhu, anomusiyanisa nevamwe,” inotsanangura kudaro Encyclopædia Britannica. Hungu, kunze kwokutodza vabereki vedu, pane zvimwewo—zvakadai semhuri, dzidzo, shamwari, uye zvinhu zvakanaka nezvakaipa—izvo zvinoita kuti tikure tichizoguma tava nounhu hwatinahwo. Naizvozvo, kutodza kwatinoita vabereki handiko kwoga kunoita kuti tive nounhu hwatinahwo. Kunyange mapatya akafanana, akatodza vabereki vawo pazvinhu zvose, kazhinji anenge ane unhu hwakasiyana.

Chimwe chinhu chinokosha ndechokuti unhu hwomunhu hunogona kuchinja kana kuti kuchinjwa. Muapostora Pauro akasimbisa kuti dzidziso dzechiKristu dzine simba rokuchinja vanhu. Akanyora kuti: “Pfekenurai unhu hwekare netsika dzahwo, uye pfekai unhu hutsva, uhwo nezivo yakarurama hunoitwa hutsva maererano nomufananidzo weUyo akahusika.” (VaKorose 3:9, 10) VaKristu vanoziva kuti vanotadza uye kuti vakangoberekwa vachitadza. Kuti vagamuchirwe naMwari, vaitofanira kuchinja unhu hwavo.

Chii chinoita kuti kuchinja kwakadaro kubvire? Isimba reshoko raMwari. Achitaura nezvesimba guru reshoko raMwari, iro rava kuwanikwa muBhaibheri, Pauro akanyora kuti: “Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) Munhu paanobvuma simba romudzimu waMwari uye oedza kuwirirana nemitemo yetsika yakanyorwa muBhaibheri, unhu hwake hunogona kuchinja zvishoma nezvishoma. Unhu hwechiKristu hunovapo nenzira iyi hunosanganisira “rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.

Kunzwisisa kwomuKristu

Sezviri pachena, muBhaibheri hapana panorambidza kudzidza nezvemarudzi eropa. Asi kuti zvinochinja sei maitiro omunhu ndeimwewo nyaya. Sezvinongoita zvinhu zvose muupenyu, tinofanira kubvumira Shoko raMwari kutungamirira nhano dzedu. (Pisarema 119:105) Kunzwisisa kunokoshawo.—VaFiripi 4:5.

Zvechokwadi, kungava kusanzwisisa kuona rudzi rweropa sepembedzo yokurega kuedza kugadzirisa unhu hwakaipa. Kunyange zvazvo vachitodza vabereki vavo, vaKristu vanofanira kuramba vachifambira mberi mukugadziridza unhu hwavo kuti hufanane nehwaJehovha naJesu zvikuru sezvinobvira.—VaEfeso 5:1.

Uyezve, vaKristu vanoedza kuona vamwe semaonero avanoitwa naJehovha. “Mwari haasaruri.” (Mabasa 10:34, 35) Jehovha anogamuchira vanhu vemarudzi ose nomufaro. Naizvozvo kungava kusanzwisisa uye hachisi chiKristu kusada kufambidzana nevamwe vanhu nemhaka bedzi yorudzi rweropa ravo. Zvaizongofanana kana munhu aizofambidzana nevane rudzi rweropa “rinowirirana” nerake bedzi. Bhaibheri rinorayira kuti: “Kana muchiramba muchisarurana, muri kuita chivi.”—Jakobho 2:9.

Sayenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu sezvazvinofambira mberi, kune zvinhu zvitsva zvizhinji zvakawanikwa uye zvinodzidziswa pamusoro pomuviri womunhu. Sevanhu tinonakidzwa nezvinhu izvi. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanofanira kurega Bhaibheri—richidzora upenyu hwavo—kwete zvinodzidziswa nevanhu. Muzvinhu zvose zvoupenyu, vaKristu vanofanira kuva “nechokwadi nezvinhu zvose” uye ‘kubatisisa zvinhu zvakanaka kwazvo.’—1 VaTesaronika 5:21.