Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunwisa Kwakaipa Chaizvoizvo Here?

Kunwisa Kwakaipa Chaizvoizvo Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Kunwisa Kwakaipa Chaizvoizvo Here?

MITAMBO ine vanhu vanoedzesera sezvidhakwa, yave ichiratidzwa mumitambo nomumaterevhizheni kwemakore akawanda. Kunyange zvazvo vatambi vacho vangave vachingoedzesera, kusetsa kwavo vanhu kunoratidza maonero akapesana anoita vanhu vakawanda kunwisa, vachikuona soutera, hungu, asi husingakuvadzi hahwo.

Zvechokwadi, zvazviri chaizvo hazvisekesi. World Health Organization inoti kunwa doro zvisina kufanira injodzi huru kuutano munyika yose. Zvinonzi kunze kwokujaira kushandisa fodya, kudhakwa kunokonzera nzufu dzakawanda nezvirwere kudarika zvimwe zvinhu zvinojairika, uye kunodyira America chete mari inodarika mabhiriyoni $184 (Z$151 616 000 000 000) pagore.

Pasinei nechokwadi ichi, vakawanda vanongoramba vachiona kunwisa sechinhu chisina kuipa. Kunyange zvazvo vangabvuma kuti kunwisa doro kwenguva refu kunokuvadza, havaoni chakaipa nokumbopota vachinwira kudhakwa. Pakati pevechiduku vari mune dzimwe nzvimbo dzenyika, kudhakwa kunoonekwa sechiratidzo chokuti munhu ayaruka. Uye pasinei nenyevero dzakakomba dzinobva kumasangano outano, kunwira kudhakwa, kunorondedzerwa sokunwa mabhodhoro anenge mashanu kana kupfuura panguva imwe chete, kuri kuwedzera nokukurumidza pavanhu vemazera ose. Saka zvinonzwisisika kuti vakawanda havana chokwadi kana kunwisa kwakaipa chaizvoizvo. Bhaibheri rinotii?

Waini Nechinwiwa Chinoraradzisa—Zvipo Zvinobva Kuna Mwari

Bhaibheri rinotaura nezvewaini uye chinwiwa chinoraradzisa kakawanda. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomwoyo wakafara; nokuti Mwari watofadzwa nemabasa ako.” (Muparidzi 9:7) Munyori wepisarema akabvuma kuti Jehovha Mwari ndiye Mugoveri we“waini inofadza mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:14, 15) Zviri pachena kuti waini chimwe chezvipo izvo Jehovha akakomborera nazvo vanhu.

Sezviri pachena, mumazuva aJesu kunwa waini kwakanga kusina kuipa. Zvakaitika chaizvo ndezvokuti, chishamiso chake chokutanga chaiva chokuchinja mvura kuiita waini yakaisvonaka pamuchato. (Johani 2:3-10) Akashandisawo waini sechiratidzo chakakodzera cheropa rake paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru. (Mateu 26:27-29) Bhaibheri rinototaura kuti waini mushonga unorapa, nokuti muapostora Pauro akakurudzira Timoti ku“shandisa waini shoma nokuda kwomudumbu” make.—1 Timoti 5:23; Ruka 10:34.

Kunwa Zvine Mwero Ndiko Kunokosha

Cherechedza kuti Pauro akakurudzira kungonwa “waini shoma” bedzi. Bhaibheri rinoshora zvakajeka kunwa doro zvisina mwero kwose. Vapristi vechiJudha vaigona havo kunwa zvine mwero pavainge vasiri pabasa. Zvisinei, vairambidzwa kunwa zvinwiwa zvose zvinodhaka vachiita mabasa avo oupristi. (Revhitiko 10:8-11) Makore akawanda gare gare, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanyeverwa kuti vanodhakwa “havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10.

Uyezve, achirayira Timoti, Pauro anoti vaya vanotungamirira muungano havafaniri kuva ‘zvidhakwa zvinokakavara’ kana kuti ku“nyanyonwisa waini.” * (1 Timoti 3:3, 8) Zvechokwadi, Bhaibheri rinorayira kuti zvidhakwa zvisingapfidzi zvinofanira kudzingwa muungano yechiKristu. (1 VaKorinde 5:11-13) Sokutaura zvakakodzera kunoita Magwaro, “waini mudadi.” (Zvirevo 20:1) Kunwisa doro kunogona kuita kuti munhu anonwa atadze kuzvidzora uye avhiringidzike pakuita zvisarudzo.

Chinoita Kuti Shoko raMwari Rishore Kunwisa

Jehovha, ‘Uyo anotidzidzisa zvinotibatsira,’ anoziva kuti patinoshandisa chimwe chinhu zvisina kufanira, tinoguma tazvikuvadza isu nevamwe. (Isaya 48:17, 18) Izvi ndizvo zvinoitika pakunwa zvinwiwa zvinodhaka. Shoko raMwari rinobvunza kuti: “Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakavara? Ndiani unokuchema? Ndiani une mavanga pasina mhaka? Ndiani une meso akatsvuka?” Rinopindura kuti: “Ndivo vanogarisa pawaini; ivo vanondotsvaka waini yakavhenganiswa.”—Zvirevo 23:29, 30.

Vakadhakwa, vanhu vakaita zvinhu zvakawanda zvisina musoro uye zvine ngozi: kutyaira vakadhakwa uye vachiisa upenyu hwavo nehwevamwe mungozi, kuda murume kana mukadzi womumwe munhu zvokudarikidza uye zvichikuvadza ukama, kutaura nokuita zvoupenzi kana kuti zvakatoipisisa. (Zvirevo 23:33) Kunwa doro zvisina kufanira kwakataurwa zvakakodzera kuti ndechimwe chinhu chinokuvadza zvikuru chatambudza nzanga yevanhu nhasi. Ndosaka Mwari achirayira kuti: “Usava pakati pevanokarira waini”!—Zvirevo 23:20.

Pana VaGaratiya 5:19-21, Pauro anotaura nezvenguva dzokunwira kudhakwa nemitambo yokuzvifadza se“mabasa enyama” anopesana nechibereko chomudzimu waMwari. Kunwisa doro kuchakanganisa ukama hwomunhu naMwari. Saka zvakajeka kuti vaKristu havafaniri kunwa doro zvisina mwero.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Sezvo vatariri nevashumiri vanoshumira vachifanira kuva mienzaniso kuboka pakuita zvisarudzo nepazviito zvavo, vachiita nepose pavanogona napo zvinodiwa naJehovha zvakakwirira, zvinonzwisisika kuti zvinodiwa naJehovha izvi zvinoshandawo kune vamwe vaKristu.