Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuongorora Mapopoma Anoshamisa

Kuongorora Mapopoma Anoshamisa

Kuongorora Mapopoma Anoshamisa

NOMUNYORI WEMUKAI! MUZAMBIA

PAKASVIKA 1855, mumwe mumishinari wokuScotland aiongorora nyika ainzi David Livingstone akanga atopedza makore achifamba rwendo rurefu rwakaoma nomuAfrica—nyika yakanga isingazivikanwi nedzimwe nyika panguva iyoyo. Sezvaaifamba akananga kumabvazuva achitevedza Rwizi rwaZambezi rukuru, vanhu vemo vaitaura nezvemapopoma makuru anoshamisa aiva mberi. Nemhaka yoruzha rukuru nemhute yaaiita, vanhu veko vaiadana kuti Mosi-oa-Tunya, zvichireva kuti “Utsi Hunotinhira.”

Livingstone akaronga kuti anoonera mapopoma acho ari pedyo, ayo zvino ava kunzi Victoria Falls. Achirondedzera zvaakatanga kuona, akanyora kuti: “Ndichinyahwaira nokushamiswa ndichienda mujengachenga megomba, ndakadongorera mugoronga guru rakanga raitwa kubva kumahombekombe kusvika kumahombekombe aZambezi rwakafara, ndokuona kuti rwizi rwakanga rwakafara mamita anosvika chiuru rwaiita mapopoma ruchidzika mamita anenge 30 rwozongoguma rwava ruduku zvokungova mamita gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri.”

Kana rwizi rwakazara Victoria Falls, iyo iri pakati peZambia neZimbabwe, nhasi inoonekwa semvura inopopoma yakawanda kupfuura dzose pasi pose yakaita seketeni! Panguva dzakadaro dzvotsvotsvo remarita 545 000 000 paminiti rinodzika mamita 108 richipinda mugomba guru. Mvura yose yaZambezi inozomhanya nomugoronga rinomonereka-monereka risingasviki mamita 65. Mamiriro akaita Victoria Falls akasiyana aya anoita kuti ive chishamiso chikuru zvechokwadi.

Nzvimbo yakapoteredza mapopoma acho yakanaka zvinoyevedza. Sezvo iri paka yenyika, ine miti yemarudzi akasiyana-siyana, kunze kwemhuka dzinoshamisa—dzinosanganisira mvuu, nzou, mafuriramudenga, mvumba, mbizi, uye kunyange shumba. Shiri dzakanaka dzakadai semakondo neshiri dzinonzi taita falcons dzisingachaoneki dzinogara mumawere.

Maererano nemashoko aLivingstone, “hapana munhu anogona kufungidzira runako rwenzvimbo yacho achienzanisa nechinhu chipi nechipi chaakaona muEngland. Hapana munhu wokuEurope akanga ati ambozviona, asi ngirozi dzinofanira kuve dzaiona nyika yakanaka kudai padzaibhururuka.” Nhasi, anenge makore 150 pashure pokunge Livingstone atanga kuona nzvimbo iyi ndokuitumidza kuti Victoria Falls kubva pazita raMambokadzi Victoria wokuEngland, mazana ezviuru zvevanhu gore negore anobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika kuti vazozvionera mbiri yayo.

Victoria Falls yakanyatsokodzera kuva nomukurumbira wainawo sechimwe chezvishamiso zvenyika yose zvakasikwa zvakadaro.

Asi mapopoma mazhinji asinganyanyi kuzivikanwa ari munzizi huru zhinji dzomuZambia akanakawo zvinoyevedza. Tapota famba nesu timboona mamwe acho.

Ngonye Falls

Rimwe zuva kuchipisa muna November kusinganayi, anenge makore maviri Livingstone asati aona Victoria Falls kokutanga, akasvika paNgonye Falls, inonziwo Sioma Falls. Akanyora kuti: “Zvitsuwa zviri kumusoro kwemapopoma acho zvine miti yakanaka sezvinogona kuonekwa kune dzimwe nzvimbo. Ndichitarisa ndiri padombo rakatarisana nemapopoma acho, zvandakaona zvakanga zvakanaka kupfuura zvose zvandakanga ndati ndamboona.” Vanoshanyira Ngonye Falls nhasi vanobvumirana nemwoyo wose nezvakaonekwa naLivingstone.

Livingstone akarondedzera kuti: “Kwemakiromita akawanda nechezasi, rwizi rwacho runodzoka ruchiva rwakafara mamita asingapfuuri zana. Mvura inofashaira ichidzika, ichiita sokuti yakawanda yayo iri kutenderera ichikwira ichidzika iri panzvimbo imwe, zvokuti kunyange nyanzvi yokushambira haingambogoni kuramba iri pamusoro.”

Lumangwe Falls

Mamwe mapopoma mazhinji eZambia ari kwawo oga uye haana kumbokanganiswa nevanhu. Akasiyana-siyana ukuru hwavo. Lumangwe Falls inoita sekaVictoria Falls kadiki. Asi mapopoma acho haasi madiki zvachose. Mamwe mapopoma acho ikoko anodzika mamita anenge 30 uye akafara mamita anopfuura 100. Mhute inobva mumapopoma acho inotoita kuti kamwe kasango kagare kachinaya mvura.

Kalambo Falls

Kalambo Falls, ndiwo mapopoma akakwirira kupfuura ose muZambia, anoyerera achibva nechokumusoro achidzika muGreat Rift Valley yomuAfrica. Anodzika mamita anopfuura 200 achidzika pamawere, apo shuramurove dzinoberekera mumwaka wechirimo.

“Nokudaro Kalambo ndiwo mapopoma akakwirira echipiri asina kukanganiswa nevanhu muAfrica [achitevera Tugela Falls iri muSouth Africa] uye ndiwo echigumi nemaviri pakukwirira munyika yose—akakwirira zvinopfuura kupeta kaviri Victoria Falls,” rinodaro bhuku rinonzi National Monuments of Zambia.

Kunyange zvazvo zvakaoma kusvika pamapopoma aya, mumwe munyori weko C. A. Quarmby anorondedzera Kalambo se“imwe yenzvimbo dzokuona dzisingakanganwiki muAfrica.” Anofungidzira kuti: “Zvichatora nguva refu kuti izova nzvimbo inoshanyirwa nevakawanda. . . . Vashomanana bedzi ndivo vangasvika kuKalambo.”

Zvechokwadi, mapopoma mazhinji eZambia nezvimwe zviwanikwa zvinokwezva vanhu zviri kusango kusingasvikiki nyore. Bhuku rinonzi National Monuments of Zambia rinotaura kuti dzimwe “dzinongosvikwa neLand-rover chete munyika yakaoma, dzimwe netsoka bedzi.” Asi, izvi ndizvo zvimwe zvinoita kuti nzvimbo idzi dzive dzinokosha. Zvisinei, vashanyi vanogamuchirwa. VaKagosi Mwamulowe, vanoona nezvokuchengetedzwa kwezviwanikwa paNational Heritage Conservation Commission yeZambia, vanotsanangura kuti chinangwa chavo ndechokuita kuti vanhu vagone kunakidzwa nenzvimbo dzakanaka kwazvo asi panguva imwe chete vachichengetedza runako rwadzo rwadzagara dzinarwo.

Pfuma Inokosha Kupfuura Yose yeZambia

Mubhuku rake rinonzi Zambia, mumwe munyori anonzi Richard Vaughan anoti: “Zambia inongoramba iri nyika ine runako rwayo rukuru, rukuru rwacho rusingatombozivikanwi nevashanyi uye kunyange nevagari vomuZambia. . . . Nyika yacho ine madhamu makuru, nzizi, makomo nemasango akasiyana-siyana.” Asi upfumi ukuru hwenyika yacho huri kumwe.

“Vanhu vayo vane mukurumbira woushamwari uye kufara pamwe nokushivirira,” anodaro Vaughan. Sokunyora kunoita mumwe munyori David Bristow “mwoyo weZambia vanhu vayo, vanodziya sezuva romuAfrica.” Kana ukazombosvika kunyika iyi yakanaka kwazvo, tine chokwadi chokuti uchabvumirana nazvo.

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 26]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

TANZANIA

DEMOCRATIC REPUBLIC OF CONGO

ANGOLA

ZAMBIA

KALAMBO FALLS

LUMANGWE FALLS

Lusaka

NGONYE FALLS

VICTORIA FALLS

ZIMBABWE

MOZAMBIQUE

INDIAN OCEAN

[Mifananidzo]

Lumangwe Falls—yakaita seVictoria Falls duku

Kalambo Falls—yakakwirira kupfuura Victoria Falls zvakapetwa kaviri

Ngonye Falls—“kazhinji inenge isina vanhu vakawanda”

[Kwazvakatorwa]

Lumangwe neNgonye Falls: Marek Patzer/www.zambiatourism.com; mepu: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Victoria Falls—“Utsi Hunotinhira”

[Kwazvakatorwa]

Marek Patzer/www.zambiatourism.com