Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutaura Zvepabonde Parunhare Kwakaipirei?

Kutaura Zvepabonde Parunhare Kwakaipirei?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kutaura Zvepabonde Parunhare Kwakaipirei?

MAERERANO neimwe magazini inozivikanwa zvikuru yokuAmerica, “kutaura zvepabonde parunhare kwakatsiva tsamba dzorudo senzira inodiwa yokutaura zvorudo kunoitwa nevanodanana vanongoerekana vave kugara kwakaparadzana.”

Kutaura zvepabonde parunhare kudii? Kunosanganisira kutaura nezvepabonde kana kuti kuteerera nyaya dzinodonongodza zvose zvepabonde parunhare. * Avo vane tsika iyi vanowanzoita bonhora kuti vagutse chishuvo chavo chokurara nomumwe munhu. Kutaura zvinonyadzisa uku kungave kuchiitwa nevanhu vari kupfimbana kana kuti vasingazivani, kutaura zvepabonde parunhare kwakurumbira zvinoshamisa. Kutaura zvazviri, vamwe vari kutokutsigira pachena.

“Ndiyo nzira yokurara nayo nomumwe munhu isina ngozi pane dzose dzaungawana,” anodaro mumwe mukadzi. Sezviri pachena, vanhu vakawanda vanobvumirana naye. Somuenzaniso, muna October 2000, rimwe boka renyanzvi dzoutano dzokuRussia raona kuti utachiona hweHIV hwava kunyanya kupararira, rakatanga kushambadzira mumapepanhau richikurudzira kutaura zvepabonde parunhare.

Zvisinei, vamwe vanhu vari kukurudzira kutaura zvepabonde parunhare kungoitira kuti vawane mari. Mabasa okutaurira vanhu zvepabonde parunhare—apo vanhu vanobhadhara kuti vanzwe zvinhu zvinonyadzisa—azova bhizimisi rinobhadhara zvikuru muUnited States moga.

Asi nei muitiro uyu wazova wakakurumbira kwazvo? Bhuku rinonzi The Fantasy Factory rinozvitsanangura nenzira iyi: “Kuita zvokusangana pabonde chaiko nomumwe munhu waunoziva kune ngozi. Pane ngozi yokubatwa nezvirwere zvinopomeranwa pabonde, ngozi yokukanganisa mukurumbira wako kana ukabatwa, kutya kushorwa nevamwe, uye migumisiro isina kunaka yechishuwo chokurara nomumwe munhu nenzira ‘isiri yomuzvarirwo.’ Kutaura zvepabonde parunhare kunoderedza ngozi yacho.”

Zvechokwadi, kutaura zvepabonde parunhare hakusanganisiri kuita zvokusangana pabonde nomumwe munhu. Asi izvi zvinoreva kuti hakuna kuipa kana kuti hapana ngozi dziripo zvachose here?

Kutaura Zvepabonde Parunhare Hakuna Ngozi Here?

Chishuwo chokurara nomumwe munhu chinenge chakasimba zvikuru panguva youpwere. Bhaibheri rinodana nguva iyi apo chishuwo chokurara nomumwe munhu chinenge chakasimba zvikuru kuti ‘kuyaruka.’ (1 VaKorinde 7:36) Munguva iyi inokosha muupenyu, muKristu wechiduku anofanira kudzidza “kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa.” (1 VaTesaronika 4:4) Kureva kuti, unofanira kudzidza nzira yokuzvibata nayo uye kudzora manzwire ako okuda kurara nomumwe munhu. Izvi zvinokosha kuti uve nemaonero akanaka, akadzikama okusangana pabonde.

Zvisinei, kutaura zvepabonde parunhare kunodzidzisa munhu kugutsa, pane kudzora manzwire ake okuda kurara nomumwe munhu. Kunze kwaizvozvo, zvinokurudzira maonero anoderedza, asina kunaka evarume kana vakadzi. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kusangana pabonde kunofanira kuitwa nevanhu vakaroorana bedzi. (VaHebheru 13:4) Asi kutaura zvepabonde parunhare kunoita kuti vechiduku vanakidzwe nezvepabonde vasati varoorana. Bhaibheri rinodzidzisa kuti mufaro chaiwo unobva mukupa—kwete mukugamuchira. (Mabasa 20:35) Asi kutaura zvepabonde parunhare kunodzidzisa munhu kushandisa vamwe kuti azvigutse nenzira youdyire. Bhaibheri rinodzidzisa vakaroorana kuti vave noukama chaihwo hwepabonde nokuwedzera kudanana nokuvimbana. (VaEfeso 5:22, 33) Zvisinei, kutaura zvepabonde parunhare kunoita kuti pasava noushamwari uye kusazivana.

Tsika Ine Ngozi Kuijairira

Korinde yekare yaizivikanwa seguta raiva nomukurumbira wounzenza. Saka muapostora Pauro aiva nechikonzero chakanaka chokunyorera vaKristu veko kuti: “Asi ndinotya kuti nenzira yakati, sokunyengetedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa dzenyu dzingaodzwa dzibve pauchokwadi nokuchena zvakafanira Kristu.” (2 VaKorinde 11:3) Kutaura zvepabonde parunhare ndiyo imwe nzira iri kushandiswa naSatani Dhiyabhorosi kukanganisa vechiduku nhasi.

Kune dzimwe pwere, kuridzira runhare vanotaura zvepabonde chatova chinhu chavajaira chavasingachagoni kudzora. Mumwe murume wechiduku watichati Jim anoratidza kuti vamwe vanogona “kujairira” zvakadini. Jim akaona nhamba yorunhare rwevanotaura zvepabonde pachikwangwani chokushambadzira. Akabata nhamba yacho nomusoro ndokuzoiridza gare gare achida kungoziva. Akanga ava kungogara achiridza runhare irworwo. Pasina nguva refu, akanga ava nebhiri rorunhare rinosvika $494 400!

Kumutsa chishuwo chokuda kurara nomumwe munhu iwe usati waroora kana kuroorwa kunopesana nezano reShoko raMwari. Rinokurudzira kuti: “Urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba.”—VaKorose 3:5.

Ngozi Munguva Yokupfimbana

Zvakadini nevechiduku vakura vari kupfimbana nechinangwa chokuroorana? Chokwadi, vanodanana sevanhuwo vanongoberekwa vachinzwa vachida kuratidzana rudo. Kare munguva inotaurwa muBhaibheri, imwe mhandara yaitya Mwari yakataura pamusoro pejaya rayo kuti: “Ndini womudiwa wangu; kuda kwake kunondivinga.” (Rwiyo rwaSoromoni 7:10) Zuva romuchato sezvarinoswedera, zvakarurama uye zvakafanira kuti vari kuda kuroorana vataurirane dzimwe nhau dzoukama hwavo hwepedyo. Zvisinei, kutaura zvepabonde parunhare inzira isina ngozi yokubudisa nayo manzwire okuda kurara nomumwe munhu here?

Aiwa. Kunyange vanhu vari kuda kuroorana vanofanira kutevera zano romuapostora Pauro rokuti: “Ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa, zvinhu zvisina kufanira, asi panzvimbo paizvozvo kuonga. Nokuti munoziva izvi, muchizviziva, kuti hapana chifeve kana munhu asina kuchena kana munhu anokara—zvinoreva kuti kuva anonamata zvidhori—ane nhaka ipi neipi muumambo hwaKristu nehwaMwari.”—VaEfeso 5:3-5; VaKorose 3:8.

Kutaura zvepabonde kunomutsa pfungwa dzounzenza kana kuti kunokonzera kuita bonhora sezviri pachena hakuna kuchena mumeso aJehovha. Zvinogona kutungamirira kukuputswa kwemitemo yaMwari kwakatokomba. Somuenzaniso, pane vamwe vaipfimbana vachigara kure nokure. Pakutanga, vaigara vachitaurirana parunhare senzira yokuti vasvike pakuzivana zviri nani. Zvisinei, nguva pfupi yakatevera, vakatanga kutaura nhau dzounzenza. Zvavaitaura zvakaramba zvichiwedzera kunyadzisa. Saka hazvishamisi kuti apo mamiriro avo ezvinhu akavabvumira kuva pamwe chete vakabva vangopinda mumufambiro usina kuchena.

Zvechokwadi, isu vanoda kufadza Mwari tichaita zvose zvatinogona kuti tisabatwa nomusungo wokutaura zvepabonde parunhare. Tingabudirira sei kuita kudaro?

‘Rwadzisa Muviri Wako’

Kutaura zvepabonde parunhare kunogona kuguma kwajairika. Tinofanira ‘kurwadzisa muviri wedu toutungamirira somuranda’ kuti tigotenderwa naJehovha. (1 VaKorinde 9:27) Kana uri kutaura zvepabonde parunhare, unodii kutsvaka rubatsiro? Kutaurira vabereki vako vechiKristu kungava chinhu chakanaka. Chokwadi, zvinonzwisisika kana vakakugumbukira. Asi vangavawo vari ivo vanonyatsogona kubatsira kutarisa maitiro ako kuitira kuti usazozvidzokororazve. Vakuru vari muungano yako yeZvapupu zvaJehovha vachadawo uye vangakwanisa kubatsira.

Kana uri kupfimbana nomumwe munhu, iva akatsunga kuramba wakachena, kunyange paunenge uchitaura parunhare. Mumwe mukadzi wechiKristu anonzi Leticia akavimbiswa kuroorwa anoti: “Ini nomukomana wangu takaverenga nyaya dzinobva muBhaibheri pamusoro pokuramba takachena. Tinoonga nzira yadzakatibatsira nayo kuti tirambe tine hana yakanaka.” Iva noushingi hwokuchinja nyaya kana zvamunotaura zvikava zvisina kuchena. Tauriranai nezvokukosha kwazvakaita kuti kurukurirano yenyu irambe yakachena.

Mune dzimwe nyika, mashoko okushambadzira kutaura zvepabonde parunhare anobudiswa paterevhizheni pakati pousiku. Pamwe zvingava zvakanaka kuti ungorega kuona TV kusvika pakati pousiku. Sezvo kuita bonhora kuchizomutsawo chishuvo chokuda kurara nomumwe munhu pane kuuraya pfungwa dzounzenza, zvinokosha kuti usaita tsika iyi isina kuchena. * Unogona kubudisa pfungwa dzisina kuchena mundangariro dzako nokuramba uchifunga zvinhu zvakanaka. (VaFiripi 4:8) Fambidzana neshamwari dzinotaura zvinhu zvakachena, uye verenga Shoko raMwari nemabhuku echiKristu mazuva ose kuti usimbise kutsunga kwako. Nenzira iyi hauzopi mukana wokufungidzira zvounzenza wokanganisa kufunga kwako. Zvinokosha zvikuru, nyengetera kuna Mwari kuti akubatsire. Muapostora Petro akanyora kuti: “Kandira[i] kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.”—1 Petro 5:6, 7.

“Simba rinomanikidza vechiduku kuti vaite unzenza rakakura zvikuru,” anodaro mumwe musikana muduku wechiKristu wokuBrazil. Zvisinei, Jehovha anoziva zvinetso zvaunotarisana nazvo. Iva nechokwadi chokuti achakupa rubatsiro rwaunoda kuti urambe wakachena mumeso ake.—VaEfeso 6:14-18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Imwe tsika isina kuchena yakafanana, inoitwa nokutaura zvepabonde paIndaneti.

^ ndima 24 Nokuda kwemamwe mazano okuti ungakurira sei bonhora, ona bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, mapeji 198-211, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Kutaura zvepabonde parunhare nepaIndaneti kuri kuwedzera kukurumbira

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Vari kupfimbana vanofanira kungwarira kuti kutaura kwavo hakuzovi kusina kuchena

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kuverenga Shoko raMwari nemabhuku echiKristu kunogona kusimbisa kutsunga kwako kuti urambe wakachena