Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu”

“Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu”

“Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu”

Uyu ndiwo waiva musoro wepepanhau reMexico City rinonzi Excelsior raSeptember 25, 2002, rakanga rine nyaya yomupepeti wenhau yaiva nomusoro wakafanana newenyaya ino. Yakanyorwa naCarlo Coccioli, nyanzvi uye munyori anozivikanwa muMexico. Nyaya yake yakatanga nemashoko anotevera.

“Ndichangobva kupedza kuverenga—kana kuti ndingati kuverengazve kana kuti, kutozvitaura nenzira iri nani, kuverenga ndaverengazve—rimwe bhuku duku dzvuku rinoshamisa—kwete rakanga rakakurumbira mumazuva aMao Tse-tung. Bhuku iri [Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu *] haringoshamisi chete asi, kusiyana ne‘Bhuku Duku Dzvuku’ raMao Tse-tung iro rakazorega kushandiswa nokufamba kwenguva, zvingangodaro kuti harizombotsakatiki. Kungotaura zvazviri, bhuku iri, chipo cheZvapupu zvaJehovha chazvakapa nyika. Kana richienzaniswa nemabhuku mazhinji, iduku zvikuru, asi rakakosha kwazvo. Rinokwana muhomwe, asi dai raiwanika muraibhurari ine mabhuku 90 000 akasiyana-siyana, zvichida ndiro raizova bhuku rinokosha kupfuura ose.”

VaCoccioli vakaenderera mberi vachitaura nezvenguva youduku hwavo apo vakasarudza kuti vaizoda kuita basa rei. Vakatsanangura kuti, “Zvidzidzo zvandakasarudza kuita payunivhesiti zvaiva zvandaigona zvikuru uye zvandaifarira chaizvo: zvitendero, zvikurukuru zvoKumabvazuva.” Vakataura kuti vainakidzwa nokudzidza nezvezvitendero uye kuti muHondo Yenyika II, vakawana dhigirii rezvidzidzo izvi.

Vanotsanangura kuti, “Saka ndinonzwa ndakakodzera zvikuru kutaura kuti bhuku duku dzvuku randakawana ibasa guru rakadzama uye rinokosha panyaya dzinofadza dzechitendero. . . [Bhuku racho] rinofanira kuchengetwa mumusha mumwe nomumwe kuti rivhurwe, riverengwe, uye riverengwezve nguva nenguva. Harina chero chitendero charinoshambadzira asi, ibasa guru revanhu, avo vanonzwa vachida kuongorora chakavanzika chaMwari chisinganzwisisiki.”

Vachipedzisa nyaya yavo, VaCoccioli vakanyora nhamba dzorunhare dzeChapupu chakanga chavapa bhuku racho. Kubvira ipapo hanzvadzi yacho yave ichiridzirwa runhare nevakawanda vairida, saka hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMexico yakava nechokwadi chokuti vose vakaratidza kufarira bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu vakariwana. Mumwe munhu akakumbira mabhuku 20 kuti ape mhuri yake neshamwari dzake ari kufambira mberi zvakanaka pakudzidza kwake Bhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mazuvano bhuku iri riri kudhindwa rine butiro rakapfava uye harina butiro dzvuku.