Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuka—Chipo chaMwari

Mhuka—Chipo chaMwari

Mhuka—Chipo chaMwari

WAKAMBOSHANYIRA nzvimbo inochengeterwa mhuka here? Wakanzwa uchida kubata kana kuti kupuruzira imwe yemhuka dzacho dzinoyevedza—zvimwe shumba hombe kana kuti tiger yokuSiberia yakaita sembada? Pamwe ungave wakanakidzwa nokuona mumwe munhu anodzidzisa mhuka kana kuti anodzichengeta achizviita. Zvechokwadi, anenge makore 2 000 apfuura mumwe munyori weBhaibheri akati: “Nokuti marudzi ose emhuka neeshiri neezvinhu zvinokambaira nezvisikwa zvomugungwa achafanira kupingudzwa uye akapingudzwa nevanhu.”—Jakobho 3:7.

Mhuka dzemarudzi ose dzinofarira kutarisirwa nokudiwa. Zvinogona kufadza zvechokwadi kudziona dzichiwirirana nevanhu vanodzichengeta vanoratidza kuti vane hanya nadzo. Munyori weRoma anonzi Pliny uyo akanyora panenge panguva imwe chete nomunyori weBhaibheri Jakobho, akataura nezvokupingudzwa kwenzou, shumba, ingwe, makondo, makarwe, nyoka, uye kunyange hove.

Kutaura zvazviri, kupingudza mhuka kuti dzive dzokuvaraidza kwakatanga kare. Kare Jakobho naPliny vasati vanyora nezvazvo, vaIjipiti vaipingudza mhuka dzomusango vodzichengeta dzichivavaraidza. Nhasi mhuka dzakawanda dzaunowana munzvimbo inochengeterwa mhuka dzinogona kuwanikwawo mumisha mune dzimwe nzvimbo.

Kutanga Kwadzakaita Kuwirirana Nevanhu

Bhaibheri, bhuku rekaresa renhoroondo yevanhu, rinotaura kuti munhu wokutanga, Adhamu, akatumidza mhuka mazita. Rinoti: “Zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo. Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango.” (Genesi 2:19, 20) Sezviri pachena, Adhamu akasvika pakujairana zvikuru nemhuka kuitira kuti adzitumidze zvinoenderana nadzo. Asi pakanga pasina chikonzero chokuti azvidzivirire—kunyange pazvikara. Dzaiwirirana naye, uye anofanira kuve ainakidzwa nokugarisana nadzo zvikuru!

Mwari akapa Adhamu naEvha mudzimai wake basa rokutarisira mhuka. Maererano nechinangwa chaMwari sezvinoziviswa muBhaibheri, vanhu vaizo“va nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Genesi 1:26.

Ukama Hwepedyo Hunogara Kwenguva Refu

Vanhu pavanotarisira mhuka zvakakodzera, zvinogona kuguma nomufaro. Mhuka inodiwa inogona kuonekwa seshamwari inodiwa, kunyange senhengo yemhuri. Chinoratidza kuti izvi zvaiitika zviuru zvemakore zvakapfuura zvinoonekwa munyaya iri muBhaibheri pamusoro pe“gwayana rimwe duku” romumwe murume murombo. Muprofita Natani akaudza Mambo Dhavhidhi nezvegwayana racho, achiti nezvomurume wacho murombo: “Rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rakafanana nomukunda wake.”2 Samueri 12:1-3.

Nhasi vazhinji vanogona kunzwisisa kuti mhuka inogona sei kuva shamwari inodiwa, senhengo yemhuri. Funga nezveimwe mhuri inogara pedyo neHarare, guta guru reZimbabwe. Vabereki vacho vakatengera mwana mumwe nomumwe imbwa yokutamba nayo. Apo mumwe wevakomana vacho, akanga ane makore anenge masere panguva iyoyo, akanga achifamba neimbwa yake, mhungu hombe ine uturu yakangoerekana yadonha mumuti pamberi pake. Mhungu yacho yakada kumuruma, asi nokukurumidza zvikuru imbwa yake yakapindira, ichiponesa upenyu hwomwana uyu. Unogona kufungidzira here kuti imbwa iyoyo yaikosha zvakadini kumhuri yacho?

Matsi dzinonyanya kukoshesa zvikuru imbwa dziya dzakadzidziswa kudzibatsira. Mumwe mukadzi anoti: “Twinkie inonzwa bhero, uye inouya yoguma gumbo rangu yonditungamirira kumusuo. Twinkie painonzwawo bhero reovheni richirira, inomhanyira kwandiri, uye ndinoitevera. Kana pakaita utsi kana kuti aramu yomoto ikarira, Twinkie yakadzidziswa kundizivisa uye inobva yarara pasi kuratidza kuti panenge pava kuda kuitika ngozi.”

Chinokoshawo kucherechedza ukama hunobatsira hwemapofu nembwa dzawo dzinoatungamirira. Michael Tucker uyo anodzidzisa imbwa dzinotungamirira mapofu, munyori webhuku rinonzi The Eyes That Lead, anofunga kuti imbwa inotungamirira inogona kuita kuti bofu rigone kunakidzwa noupenyu hwaraisambogona, ichiita kuti riwane “rusununguko, kuzvimiririra, rigone kufamba-famba uye kuva neshamwari.” Chokwadi, ushamwari huri pakati pembwa dzakadaro nevaridzi vadzo kazhinji hunofadza kuona!

Ndizvo zvinoitikawo kune vaya vane umwe urema uye vane imbwa yavanofamba nayo. Imbwa yomumwe mukadzi aingogara ari muwiricheya yakadzidziswa kusimudza runhare kana rukarira uye kunamira zvitambi patsamba! Imwe imbwa inoziva mitemo 120, kunyange kusimudza ichiunganidza magaba nemapakiti omumasherufu omusupamaketi. Muridzi wayo akaremara anoshandisa tochi kunongedza zvinhu zvaanenge asarudza, imbwa yake yomutorera.

Mhuka dzinovaraidza dzinobatsirawo vanhu vakwegura. Mumwe chiremba wemhuka akataura kuti mhuka dzinovaraidza, kusanganisira imbwa, “dzinoita kuti upenyu huve nechinangwa uye huve nezvahunoreva panguva apo vakwegura vanenge vachinzwa kusurukirwa.” The Toronto Star yakati: “Mhuka dzokushamwaridzana nadzo dzinonzi dzinoderedza kuzvidya mwoyo, kushanyira vanachiremba kunoita kushoma uye dzinowedzera mikana yokurarama kana ukaita chirwere chomwoyo.”

The New Encyclopædia Britannica inotaura mashoko aya anofadza: “Kuchengeta mhuka dzinovaraidza kunoita kuti pave nomukana wokudzidzisa vana kuti kuwana zvinhu zvakanaka kunodawo kushandirwa uyewo chimwe chinhu nezvokusangana kwevanhu pabonde. Vanoona nokukurumidza mukono nehadzi zvichidzingirirana, zvichiteverwa nenguva yokuva nezamu kwemhuka uye zvinetso zvakasiyana-siyana zvinovapo pakubereka nokutarisira vana vacho.”

Kuzvipira Kumhuka Dzinovaraidza

Kuvimbika kwemhuka kunoshamisa kunotoita kuti vamwe vanhu vade zvakasimba mhuka dzavo dzinovavaraidza kudarika vomumhuri mavo. Pakurambana, dzimwe nguva mhuka inovaraidza inotoverengwa sechimwe chezvinhu zvinogovanwa pakugadzirisa magakava okugovana pfuma. Uye vanhu vakanyora kuti kana vafa vanoda kuti mhuka dzavo dzinovaraidza dzipiwe pfuma yavo yakawanda.

Ndosaka basa rokutarisira nokutengesa mhuka dzinovaraidza zvichiita mari zvikuru nhasi! Kune mabhuku nemagazini anopa mazano panyaya dzose dzemhuka dzinovaraidza. Achiona kuti vamwe vanhu vane mhuka dzinovavaraidza vanoda kupa mhuka dzavo upenyu hune mutambarakede wakanyanyisa, mabhizimisi anovapa chero zvavanoda.

Somuenzaniso, munhu angaenda kuna vanamazvikokota vokurapa avo vanorapa zvirwere zvose zvemhuka dzinovaraidza. Kune vanachiremba vepfungwa dzemhuka dzinovaraidza avo vanonyorera mhuka idzi mishonga inoderedza kuora mwoyo. Uyezve, kune magweta emhuka dzinovaraidza nevemainishuwarenzi nevanodzigeza uyewo nzvimbo dzinodzidzidzisa. Mhuka dzinovaraidza dzinoitirwa mariro. Uye pane vanoti vanogona kugadzira imwe mhuka inovaraidza yakafanana vachishandisa masero einenge iripo—asi zvose zvinoda mari!

Zviri pachena kuti kuda mhuka dzinovaraidza kwakapararira. Mubhuku rake rinonzi The Animal Attraction, Dr. Jonica Newby anogumisa kuti: “Imbwa painouya ichitimhanyira, ichitambisa-tambisa muswe wayo uye ichitinanzva sokunge kuti kusvika kwedu pamba changa chiri chinhu chakanaka kudarika zvose zvaitika kwairi zuva rayo rose, zvinenge zvinokodzera kuruti ‘rudo.’” Zvechokwadi zvinonzwisisika kuti nei vanhu vakawanda vane mhuka dzinovaraidza vachinzwa kuda kudziratidzawo “rudo.”

Asi, kuedza kubata mhuka dzinovaraidza sevanhu kunogona kuva nezvakwakaipira. Pamusoro pazvo, mhuka inovaraidza haingagoni kuitira munhu zvaanogona kuitirwa nevamwe vanhu. Uyezve, kuchengeta mhuka dzinovaraidza mumaguta—kureva kuti kudzidzidzisa upenyu hwomuguta—kunokonzera zvinetso kune dzimwe nokuvaridzi vadzo. Tichaongorora nhau dzakadaro munyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kupingudza mhuka dzomusango kwakabvira kare

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo wakabva kuThe Great King of the Parthians Hunts With His Tame Panthers naGiovanni Stradanno: © Stapleton Collection/CORBIS

[Mufananidzo uri papeji 12]

Vafudzi veIsraeri vaibata makwayana nounyoro

[Mifananidzo iri papeji 13]

Mhuka dzinovaraidza dzinogona kubatsira vakaremara nevakwegura