Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuka Dzinovaraidza—Dzione Zvakafanira

Mhuka Dzinovaraidza—Dzione Zvakafanira

Mhuka Dzinovaraidza—Dzione Zvakafanira

SEZVAMBOTAURWA, vanhu vakapiwa basa rokutarisira pasi nemhuka dzaro dzose. Bhaibheri rinoti: ‘Mwari akaisa zvose pasi petsoka dzake. Makwai ose nenzombe, nemhuka dzesango; neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa.’—Pisarema 8:6-8; 115:16.

Nzira iyo vanhu vanoita nayo basa ravo rokutarisira mhuka inokosha. Shoko raMwari rinoti: “Wakarurama une hanya noupenyu hwechipfuwo chake.” (Zvirevo 12:10) Zvechokwadi, mitemo yaMwari kuvaIsraeri yakasimbisa yasimbisazve kuti zvinokosha kubata mhuka nokunzwisisa. (Dheuteronomio 22:4, 10; 25:4) Vachitarisira mhuka dzavo, kazhinji vanhu vakatora mhuka dzinovavaraidza kubva pazvipfuwo zvavo, uye vakatopingudzawo mhuka dzomusango kuti dzivavaraidze.—Genesi 1:24.

Zvisinei, zvakanaka kuyeuka kuti Bhaibheri rinosimbisa kusiyana kwakaita vanhu nemhuka. Vanhu, kwete mhuka, vakaitwa ‘nomufananidzo waMwari.’ (Genesi 1:26) Kunyange zvazvo mhuka dzakasikwa dzine upenyu upfupi, vanhu vaitarisira kurarama panyika nokusingaperi. (Genesi 3:22, 23; Pisarema 37:29) Jesu Kristu akataura kuti, kuti tiwane “upenyu husingaperi,” tinofanira kuva nokutenda uye kudzidza kuti tiwane zivo yaMwari—zvinhu zvisingagoni kuitwa nemhuka. (Johani 3:36; 17:3) Uyezve, Bhaibheri rinofananidza vaya vasina kukodzera kumutswa ne“mhuka dzisingafungi dz[ino]ngozvarirwa kubatwa nokuparadzwa.”—2 Petro 2:9-12.

Dzakasikirwa Kubatsira Vanhu

Mwari akasika mhuka nokuda kwevanhu. Mhuka dzinogona kuvabatsira kuita basa ravo uye dzinogona kuva shamwari kana kuti kuvavaraidza. Dzinoratidzawo kukura kworudo rwaMwari nouchenjeri. Chokwadi zvinofadza kuona kunaka kwakaita mhuka uye kudzidza zvakawanda nezvoMusiki kubva mukudzidza uchenjeri hunoshamisa hwadzinoberekwa nahwo. (Pisarema 104:24; Zvirevo 30:24-28; VaRoma 1:20) Mumwe wemienzaniso mizhinji youchenjeri hwakadaro unoonekwa pazvipembenene. Chinhu chinoshamisa zvechokwadi inzira iyo nyuchi dzinokurukurirana nayo uye kutevedza kwadzinoita nzira yokuenda kunotsvaka chikafu—tisingatauri mavakiro adzinoita mazinga adzo euchi akaoma kunzwisisa.

Mhuka dzinogona kuva zvokudya zvevanhu. Pakutanga, Mwari akapa miriwo bedzi kuti ive zvokudya zvevanhu. Asi makore anodarika 1 600 gare gare—pashure peMafashamo ezuva raNoa—Mwari akati: “Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.” (Genesi 1:29; 9:3) Nokudaro, Mwari akabvumira vanhu kudya mhuka. Zviri pachena kuti kubvumira uku kwaizobatsira vanhu, kunyange zvazvo pakutanga Mwari asina kupa vanhu nyama kuti zvive zvokudya zvavo.

Zvinetso Zvemhuka Dzinovaraidza Nhasi

Zvinotaridzika sokuti kubvira kare, mhuka dzinovaraidza dzaisawanzobvumirwa kugara mumba, uye ndizvo zvazvichakaita munzvimbo zhinji dzenyika. Zvisinei, munguva ichangodarika vanhu sezvavakatamira mumaguta uye vachiva vapfumi, mhuka dzinovaraidza dzinogara mumba dzazova dzakakurumbira. Izvi zvakakonzera zvimwe zvinetso munyika dzakasimukira.

Pamhuka dzinovaraidza dzenyika dzinofungidzirwa kuva mamiriyoni 500 munyika yose, dzinenge 40 muzana dzose kana kupfuura dziri muUnited States. Kune imbwa dzokuvaraidza dzinenge mamiriyoni 59 uye katsi dzinovaraidza dzinenge mamiriyoni 75. Asi, vanhu vokuLondon neParis vane mhuka dzinovaraiza dzakawanda pamhuri kudarika vokuNew York City!

MuParis makore mashomanana apfuura, zvimudhudhudhu zvinenge 70 zvinonzi caninettes zvakarendeswa kuchenesa tsvina yembwa mumigwagwa. Zvakafungidzirwa kuti imbwa dzinenge 250 000 muParis dzaiita matani 25 etsvina zuva roga roga, isingasviki hafu yacho ndiyo yaitakurwa nezvimudhudhudhu. Mazana evanhu pagore zvakanzi akakuvadzwa uye kuiswa muchipatara pashure pokunge atsvedza nokutsika tsvina yembwa.

Uyezve pane chinetso choruzha. Vamwe vane imbwa vanoshivirira zvadzinoita zvavasingambofi vakashivirira zvikaitwa nevanhu. Maererano neThe Pet Care Forum, “vanhu vane imbwa dzinogara dzichingohukura vanoita sevanopedzisira vasisanzwi ruzha rwacho.” Somuenzaniso, vamwe havana zvavanoita kuti imbwa dzavo dzisahukure, kunyange zvazvo ruzha rwacho ruchivhiringidza kukurukurirana kunokosha.

Ukuwo, imbwa ingava yakapfava uye ingafara kana ine muridzi wayo asi inogona kutyisa vavakidzani muridzi wayo paanenge asipo. Chokwadi, vanhu kana vane mhuka dzavo dzinovavaraidza vanogona kuramba vachingodzida chero dzakadaro, asi muvakidzani angadaro achishanda usiku dzimwe nguva kana amai vakavakidzana vanenge vachiedza kurarisa mucheche wavo vangasarerutsa izvozvo. Uyezve, mhuka kana dzisiri kufara dzinogona kukuvadza, dzichiva nepfungwa dzakavhiringidzika uye kunyange hasha.

Kukurumidza kubereka kunoita dzimwe mhuka dzinovaraidza vanhu chinetso chinooneka zvikurukuru mumaguta. Zvinofungidzirwa kuti imbwa dzinosvika mamiriyoni 17 uye katsi mamiriyoni 30 zvinoberekwa muUnited States pagore. Mamiriyoni emhuka idzi anopedzisira ava munzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakarasika, uko gore rimwe nerimwe munyika iyoyo yoga mamiriyoni anofungidzirwa kuva mana kusvika kumatanhatu anourayiwa kuti azorore.

Nei mhuka dzakawanda kudaro dzichiendeswa kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka? Kazhinji imhaka yokuti kuda mhuka inovaraidza kunogona kuva kwenguva pfupi. Kakatsi kakanaka kana kuti mbwanana inoyevedza inokura yoita hombe yozoda kutarisirwa. Asi pamba panogona kunge pasina munhu ane nguva kana anoshivirira kutamba kana kudzidzisa mhuka yacho. Mumwe munyori uye nyanzvi yemhuka Dr. Jonica Newby anoti: “Kusiyana nemafungiro evakawanda, zvakaongororwa munyika yose zvinoratidza kuti nguva dzose hafu yembwa dzinoendeswa kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzinenge dzisina kuraswa, asi dzinoendeswa ikoko nevaridzi vadzo vanenge vasingachakwanisi kushivirira kuhukura kwadzo, kukuvadza kwadzo, kana kumhanya-mhanya kwemhuka dzavo dzinovavaraidza.”

Pepa rine mashoko pamusoro pokuwandisa kwemhuka dzinovaraidza rinopedzisa nhau yacho richiti: “Zvisikwa zvipenyu zvazova zvinhu zvinoraswa zvinochengetwa kana zvakanaka uye zvinosiyiwa kana zvava kuvhiringidza. Kusaremekedza upenyu hwemhuka kwakadaro kwakazara uye kunokanganisa tsika dzedu.”

Zvinhu Zvinokosha Zvokufunga Nezvazvo

Kuva nemhuka inokuvaraidza zvikurukuru muguta, kunoda kunyatsofunga zvakanaka. Mhuka dzokuvaraidza dzakasimba dzinoda kurovedza muviri zuva nezuva kuti dzive noutano hwakanaka. Rimwe gwaro rinonzi “National People and Pets Survey” romuAustralia rakati: “Kufamba nokurovedza muviri zvose zvinodiwa mumuviri wembwa uye kushanda zvakanaka kwouropi hwayo. Imbwa dzisingarovedzi muviri zvakakwana dzinogona kuzova dzakaoma kudzidzora.” Asi, vanhu vakawanda vanadzo vanenge vaneta kwazvo vashanda zvakaoma zuva rose zvokuti vanotadza kufamba nembwa yavo kuti imboshandisa simba rayo rainoita yakangogara.

Nokudaro vanoda kuzova nemhuka dzinovaraidza, vanofanira kuzvibvunza mibvunzo iyi: ‘Ndichagona kuzotarisira shamwari yangu inondivaraidza zvakakodzera here? Mararamiro angu achaguma aita kuti mhuka yangu inondivaraidza isare iri yoga isina anotarisira zuva rose here? Ndichawana nguva yokufamba nemhuka yangu inondivaraidza kana kutamba nayo here? Kana imbwa yangu ichida kurovedzwa, ndakagadzirira kuirovedza kana kuiendesa kuchikoro chinoidzidzisa kuteerera here? Kuva nemhuka inovaraidza kuchatora nguva yangu yezvinhu zvinokosha kwazvo here?’

Chimwe chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti kuva nemhuka inovaraidza kunogona kudhura. Kumwe kuongorora kwakaitwa pavanhu vane mhuka dzinovavaraidza kwakaratidza kuti avhareji yemari gore negore yokuchengeta imbwa muUnited States yaiva US$196 (Z$161 504), uye yokuchengeta katsi, US$104 (Z$85 696). Mari iyoyo yakanga isingasanganisiri yezvokudya zvinodiwa uye zvimwe zvinhu zvinodiwa zuva nezuva. Uyezve, mune dzimwe nzvimbo kune mitero yembwa.

Kuva Nemaonero Akafanira Kwakaoma

Musiki wedu anofanira kuva anofara patinofarira mhuka dzaakasika uye patinodziratidza rudo. Saka haubvumi here kuti zvaizova zvisina kukodzera kubata mhuka noutsinye? Zvisinei, vanhu vanowanzorega mhuka dzakadai senzombe, imbwa, uye huku, dzichikuvadzana kana kuurayana pakurwa kungoti vanakidzwe zvavo. Zvinosuruvarisa kuti, nzira iyo vanhu vanobata nayo mhuka nguva dzose yave isiri yetsitsi sezvakanga zvichidiwa naMwari.

Ukuwo, vamwe vanhu vanoda mhuka dzinovaraidza kudarika zvimwe zvinhu zvinotokosha zvikuru. Kutaura zvazviri, kuda mhuka kukasadzorwa nokunzwisisa, upenyu hwemhuka dzinovaraidza hungatoita sohunokosha zvikuru kudarika hwevanhu. Somuenzaniso, pakabatira moto pane chimwe chipatara chemhuka, varidzi vadzo pavakaungana panze, zvinonzi vamwe “vakaedza kupfuura vadzimuri vemoto vachipinda mukati, vachichema vachiti vaida kufa nevadiwa vavo.”

Zvechokwadi, zvinogona kusuruvarisa kwazvo, kunyange kurwadza, kuona mhuka inokuvaraidza yaunoda ichifa. Asi kunyange panguva yakadaro, zvinoda kuva nemaonero akafanira. Sezvambotaurwa, mhuka hadzina kusikwa nomufananidzo waMwari, kana kunzi dzirarame nokusingaperi, sezvakaitwa vanhu. Pamusoro pemasikirwo akaitwa vanhu naMwari, Bhaibheri rinoti: “Wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo.” Asi, izvi hazvimbotaurwi pamusoro pemhuka.—Muparidzi 3:11.

Saka, Bhaibheri haritauri kuti kuuraya mhuka kwakaipa—zvechokwadi, iye zvino dzava zvokudya zvinowanzodyiwa nemamiriyoni evanhu. Asi zvakadii nokuuraya mhuka inovaraidza kuti izorore—somuenzaniso, iya inorwara uye iri kutambura? Chokwadi chingava chisarudzo chakaoma chinorwadza! Asi, munhu anoda mhuka yake inomuvaraidza angati kuita izvozvo nokukurumidza uye zvisingarwadzi kuri nani pane kurapisa zvinodhura mhuka yake yakavimbika kwaari izvo zvinongorebesa marwadzo acho—uye zvingatowedzera mutoro wemari wemhuri.

Mwari anoda kwazvo vanhu vake vaakasika; saka hatifaniriwo here kuratidza hanya uye kuda mhuka dzaakatipa kuti titarisire nokuchengeta? Vaya vanodzida zvakadaro vanowanzokwezvwa netarisiro inoshamisa yokuzorarama vachinakidzwa nemhuka seizvo Musiki wedu aida pakutanga. Nyaya yokupedzisira yenyaya dzino dzinotevedzana ichakurukura nyaya iyi pamusoro pemhuka dzinovaraidza.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nei mamiriyoni emhuka dzinovaraidza ari munzvimbo dzinochengeterwa mhuka achiurayiwa gore roga roga?

[Kwazvakatorwa]

© Hulton-Deutsch Collection/CORBIS

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Zvikurukuru kuvagari vomuguta, kuva nemhuka inovaraidza kungada zvakawanda kudarika zvinofunga vakawanda

[Mufananidzo uri papeji 17]

Musiki wedu anofara paanoona tichibata mhuka netsiye nyoro