Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuka—Tichanakidzwa Nadzo Nokusingaperi

Mhuka—Tichanakidzwa Nadzo Nokusingaperi

Mhuka—Tichanakidzwa Nadzo Nokusingaperi

ZVECHOKWADI kune mhuka dzakawanda dzakasiyana-siyana, imwe neimwe inoratidza seine unhu hwakasiyana nohweimwe! Kudzida uye kudzinzwira tsitsi kunogona kuita kuti munhu ade Musiki wadzo. Izvi zvakaratidzwa nezvakaitika kuna Maria.

Anenge makore matatu akapfuura, Maria paaigara muLisbon, Portugal, imbwa yake yaaida zvikuru yakarasika, uye akapa chiziviso ichi muredhiyo. Mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo akanga aine chokwadi chokuti akanga aona imbwa yakanga yarondedzerwa, akaudza Maria. Vaviri vacho pavakaonana, vakawana imbwa yacho, uye Chapupu chakataura kuti sezvo Maria aida mhuka zvakadaro, aizonakidzwa nokurarama munyika itsva yakapikirwa naMwari. Chapupu chacho chakatsanangura kuti vanhu panguva iyoyo vachange vave kuwirirana nemhuka dzose.

Maria akabvuma kupinda musangano neZvapupu. Zvaakanzwa nezvaakaona ikoko zvakaita kuti awedzere kufarira kusvika pakuti ade kudzidziswa Bhaibheri. Chidzidzo chacho zvachakaenderera mberi, Maria akafadzwa zvikuru nezvaakadzidza pamusoro paJehovha Mwari uye chipikirwa chake choupenyu husingaperi pasi pano munyika itsva yakarurama. (Pisarema 37:29; Johani 17:3) Musi waFebruary 16, 2002, akazoratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.

Chinangwa chaMwari Chokutanga

Kufanana naMaria, vakawanda vakafadzwa nouchapupu hwokuti chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwevanhu chokuti vararame nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso uye kutarisira mhuka dzaro dzose pakupedzisira chichazadzika. (Genesi 1:28) Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ‘haana kusika nyika kuti ive dongo’ asi “wakaiumba kuti igarwe.” Sezviri pachena, vanhu vaifanira kufadzwa nepasi nemhuka dzaro nokusingaperi.—Isaya 45:18.

Bhaibheri rinosimbisazve kutsunga kwaMwari kuita chinangwa chake chokutanga chokuita kuti pasi rive paradhiso. “Zvirokwazvo, ndakataura,” anozivisa kudaro, achiwedzera kuti: “Ndichazviitawo.” Uyezve Jehovha anopikira kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 46:11; 55:11.

Zviri pachena kuti chinangwa chaMwari chokutanga chaiva chokuti vanhu vararame vachinakidzwa nepasi rinenge riri paradhiso nokusingaperi. Tinogona kuva nechokwadi chaizvo kuti nokufamba kwenguva chinangwa ichocho chichazadzika. Ngatimboongororai zvimwe zvatinoudzwa muBhaibheri maererano nezvichange zvakaita upenyu munyika itsva yaMwari. Zvechokwadi, tichaona kuti mhuka dzose, zvipfuwo nemhuka dzomusango, dzichange dzichigarisana norugare uye dzichiwirirana nevanhu.—Isaya 65:17, 21-25; 2 Petro 3:13.

Mhuka Dzinovaraidza Munyika Itsva yaMwari

Munyika itsva yaJehovha, vanhu vachakwanisa kubata zenze reshumba, kubata dehwe retiger rine mvere dzakaita mitsetse uye zvechokwadi, kurara musango vasingatyi kukuvadzwa nemhuka ipi neipi. Cherechedza chipikirwa chaMwari ichi chinoti: “Ndichapedza zvikara panyika yavo, [vanhu] vachagara zvakanaka murenje, nokuvata mumatondo.”—Ezekieri 34:25; Hosea 2:18.

Zvechokwadi, mhuka dzomusango ipapo dzichange dzava kuzviisa pasi, kunyange pevana vaduku! Bhaibheri rinoti: “[Mhumhi] ichagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira.”

Asi izvozvo handizvo zvoga! Rugwaro rwacho runoenderera mberi ruchiti: “Mhou neb[heya] zvichachera; vana vadzo vachavata pamwe chete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana unomwa, uchatamba pamwena wenyoka, uye mwana wakarumurwa uchapinza ruoko rwake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:6-9.

Munyika itsva yaJehovha, munenge musina zvinetso zvokutsvikinyidzana kwevanhu mumaguta makuru musina kunakira vanhu nemhuka dzavo dzinovavaraidza kugara. Chokwadi, kunyange nhasi vakawanda vanonakidzwa nemhuka dzavo, uye vakawanda vanoratidza mwero mumaonero uye kutarisira kwavanodziita. Asi chimbofunga nezvetariro yakaisvonaka yokurarama nemhuka dzinovaraidza nokusingaperi munyika itsva yakarurama! Kutarisirwa kwadzichaitwa norudo chokwadi kuchakudza Musiki Mukuru wezvipenyu zvose.

Kana usati wadzidza nezvezvinangwa zvinoshamisa zvaMwari—sezvakanga zvakaita Maria aifarira mhuka kusvikira nguva ichangopfuura iyi—tinokukurudzira noushamwari kutaura nevabudisi vemagazini ino kana nomumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo achafara kukubatsira kudzidza nezvazvo.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Munyika itsva yaMwari, vanhu vachanakidzwa nemhuka nokusingaperi