Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muti Unorarama Zvinoshamisa

Muti Unorarama Zvinoshamisa

Muti Unorarama Zvinoshamisa

NOMUNYORI WEMUKAI! MUNAMIBIA

KUNO kuNamib Desert riri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica, mhepo yacho iri kunyevenutsa uye kuri kufefetera. Izuva risina kana kakore zvako. Tembiricha iri kuwedzera nokukwira kuri kuita zuva. Ino inzvimbo ine matutu ejecha nemapani akatsvairwa ivhu nemhepo. Tinotarisa-tarisa mativi ose tichishamisika. Murwi uyo uri chinhambwe wemashizha egirini chii? Tichitarisa tava pedyo, tinoona kuti taita mahwekwe nomumwe muti unoshamisa kwazvo pane iri munyika yose—Welwitschia mirabilis. Shoko rechipiri rezita rinoshandiswa nemasayendisiti nderechiLatini rinoreva “zvinoshamisa.”

Musango, miti yewelwitschias inowanika munzvimbo dzegwenga chete dziri kuAngola neNamibia. Yakasiyana chaizvo nemimwe miti zvokuti masayendisiti anoiisa muboka rakasiyana uye mhando inobva mumhando imwe chete bedzi. “Pamhando dzemiti inenge 375 000 inozivikanwa nevanhu, muti womuWelwitschia wakaita kuti vanhu vafarire kudzidza nezvawo kupfuura mimwe miti yose; uye ndiwo muti wakaomera vanhu kuuisa mumapoka,” anonyora kudaro Chris Bornman mubhuku rake rinonzi Welwitschia—Paradox of a Parched Paradise.

Muti womuWelwitschias ungaratidzika somurwi wemashizha akakomberedza chigutsa, asi chaizvoizvo muti wacho une mashizha maviri chete. Iwaya anobvarurwa-bvarurwa nemhepo yomugwenga. MuchiAfrikaans unonzi tweeblaarkanniedood, chaizvoizvo kureva kuti “mashizha maviri haagoni kufa.” Uye zita iroro rakakodzera zvechokwadi! Kuno tembiricha dzimwe nguva inosvika madhigirii 40 masikati, uye usiku kunogona kutonhora zvikuru sezvo pasina miti inoderedza mhepo inovhuvhuta zvinotyisa. Kunyange zvazvo miti yakawanda ichiwana mvura yomuvhu nemidzi yayo chete, muti womuwelwitschia haudaro. Avharenji yemvura kuNamib iri pasi pemamirimita 25 pagore, uye dzimwe nguva mvura hainayi kwemakore akawanda! Mumamiriro ezvinhu akadaro, muti womuwelwitschia unoramba uchikura uye mashizha awo anoramba akasvibira. Masayendisiti ave achishamisika kwemakore akawanda kuti nei izvi zvakadaro. Zvinoita sokuti mashizha omuwelwitschia anotora mhute yemangwanani inounzwa mugwenga racho nemhepo inobva munyanza inogara iriko.

Muti womuwelwitschia haudonhedzi mashizha kuti utungezve matsva. Mashizha awo maviri okutanga anoramba achikura kwoupenyu hwose hwomuti wacho. Parakabhedhenurwa, rimwe shizha rakawanika kuti raiva rakareba mamita anodarika 8,8! Chimbofungidzira kuti chii chaizoitika dai micheto yeshizha romuwelwitschia wacho yaisaoma yofa! Magazini yesayenzi inonzi Veld & Flora, inotsanangura kuti, “munduramo yemakore 1 500 muWelwitschia unogona kuva neshizha rakareba [mamita 225].” Asi muti wacho unogona kurarama nguva yakareba kudaro here? “Miti yomuwelwitschia inokura zvishoma nezvishoma uye inowanzorarama makore 1 000 kusvika ku2 000,” inopupurira kudaro The World Book Multimedia Encyclopedia.

Zvechokwadi muti womuwelwitschia unorarama nenzira inoshamisa. Chii chinoita kuti muti uyu wakasiyana nemimwe urarame kwenguva yakareba kudaro mugwenga rine mamiriro okunze akaoma kudaro? Chokwadi, tinofanira kutenda Mugadziri akachenjera kupfuura vose, Musiki, Jehovha Mwari, uyo anomeresa “miriwo, inobatsira vanhu.”—Pisarema 104:14.