Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mosesi Ari Kuitiranwa Nharo

Mosesi Ari Kuitiranwa Nharo

Mosesi Ari Kuitiranwa Nharo

VAJUDHA, vaKristu, uye vaMuslim vakapokana kazhinji pazvinhu zvakawanda. Asi, pasinei zvapo nokusabvumirana kwavo, zvitendero izvi zvine chinhu chimwe chete chakafanana: zvose zvinoremekedza zvikuru murume anonzi Mosesi. VaJudha vanomuona so“mudzidzisi mukuru kupfuura vose pavadzidzisi vechiJudha”—muvambi worudzi rwechiJudha. VaKristu vanomuona seaifananidzira Jesu Kristu. VaMuslim vanoona Mosesi somumwe wevaprofita vavo vakuru vokutanga.

Naizvozvo Mosesi ndomumwe wevarume vane simba zvikuru munhoroondo yevanhu. Kunyange zvakadaro, kwemakore anopfuura zana, Mosesi akatanga kuitiranwa nharo zvikuru nenyanzvi nevafundisi. Vazhinji havangorambi kutenda kuti Mosesi akaita zvishamiso chete ndokutungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti asi vanotoramba kunyange kuti akambovapo. Bhuku rinonzi Moses—A Life, rakanyorwa naJonathan Kirsch, rinogumisa kuti: “Zvatinongoziva chete nezveanonzi Mosesi ndezvokuti mumwe munhu akaita somurume anorondedzerwa muBhaibheri angangodaro akararama kare kare pane imwe nguva nenzvimbo zvisingagoni kuzivikanwa, uye zvaakaita zvingangodaro zviine chokwadi chishomanana kwazvo icho chakawedzeredzwa kakawanda zvishoma nezvishoma nengano uye zivo yechinyakare zvakavapo mumazana emakore kusvikira azova munhu ane mukurumbira uye anoitiranwa nharo watinoverenga muBhaibheri.”

Kana usina kunyatsotarisisa, mashoko aya angaratidzika seechokwadi. Somuenzaniso, vatsoropodzi vanotaura kuti uchapupu hwokuchera matongo hwakawanikwa hunopupurira kuti vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakadai saMambo Jehu wechiIsraeri vaivapo, asi hapana uchapupu hwokuchera matongo hwakawanikwa hunoratidza kuti Mosesi aivapo. Zvisinei, uhwu hausi uchapupu hwokuti Mosesi angori munhu wengano. Vanhu vasina chokwadi nezvake vaimboti vamwe vanotaurwa muBhaibheri, vakadai saMambo Bhershazari weBhabhironi naMambo Sargoni weAsiriya, vainziwo ndevengano—kutozosvikira zvicherwa zvematongo zvazopupurira kuti vaivapo zvechokwadi.

Mumwe munyori anonzi Jonathan Kirsch anotiyeuchidza kuti: “Zvicherwa zvakasara zvematongo zveIsraeri yomunguva inotaurwa muBhaibheri zvishomanana kwazvo zvokuti kusambotaurwa kwaMosesi mune dzimwe nzvimbo kunze kwomuBhaibheri pacharo hakushamisi uyewo hakubatsiri kuti tibva tati haana kumborarama.” Maererano naKirsch, saka vamwe vanoti zvingasabvira kuti Mosesi aingova munhuwo zvake wokufungidzira, sezvo “nyaya youpenyu yacho iine mashoko nekurukurirano zvakajeka kudaro, iine mashoko akazara . . . , haingagoni kuve yakangoita zvokurongwa.”

Ungave uri mutendi kana kuti kwete, pamwe unotovawo nechimwe chinhu chaunoziva pamusoro pezviitiko zvikuru zvomuupenyu hwaMosesi: kutaura kwake naMwari pagwenzi raipfuta moto, Kubuda kwevaIsraeri muuranda muIjipiti, kukamurwa kweGungwa Dzvuku. Asi pane chikonzero here chokudavira kuti chero chimwe chezvinhu izvi chakaitika zvechokwadi? Kana kuti Mosesi anongovawo munhu wengano here? Nyaya inotevera inopindura mibvunzo inonakidza iyi.