Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!

Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!

Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!

MUSORO wenyaya uyu wakapiwa kumazana evadzidzi vakapinda mumakwikwi omunyika yose okunyora aitsigirwa neMissouri State Medical Association (MSMA) muUnited States. Vadzidzi vanenge 675 vakabva kuzvikoro 42 vakanyoresa. Breanna ane makore 12 ndiye akapiwa mubayiro, uye nhetembo yake yakahwina yakadhindwa mumagazini yeMSMA inonzi Missouri Medicine. Breanna akavawo nomukana wokuverengera nhume dzakapinda musangano wegore negore weMSMA nhetembo yake. Asati adaro, Breanna akataurira vateereri vake kuti:

“Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye pfungwa dzose dziri munhetembo ino dzakabva mumagazini yeMukai! Chokwadi ndechokuti mumwe wemitsara yandinofarira zvikuru munhetembo yacho wakabva pabutiro remagazini ino. Pamusoro pacho pane dehenya rine mudzanga wakarembera pamuromo waro uye pakanyorwa kuti: ‘Rufu Runotengeswa.’ Kwemakore akawanda magazini yeMukai! yakabudisa nyaya dzakawanda pamusoro pengozi dzokuputa.”

Zvapupu zvaJehovha hazvishandisi fodya. Zvinodavira kuti kushandisa nemaune chinhu chipi nechipi chinosvibisa muviri kunoratidza kusaremekedza chipo choupenyu pamwe chete noMusiki. (Mabasa 17:24, 25) Saka, vanoteerera zano romuMagwaro rinoti: “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose.”—2 VaKorinde 7:1.

Kufanana nedzimwe pwere Zvapupu, Breanna anoedza kurarama maererano nezvinotaura Bhaibheri. Zvechokwadi vechiduku vakadaro vose vanoita kuti mwoyo woMusiki wavo ufare.—Zvirevo 27:11.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Breanna (iye zvino ava nemakore 14) akabata nhetembo yake