Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubasa Here Kana Kuti Kuhondo?

Kubasa Here Kana Kuti Kuhondo?

Kubasa Here Kana Kuti Kuhondo?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUGERMANY

“Ndakanga ndisingachazvigoni. Ndakanga ndashandira kambani yacho kwemakore 30. Ndakanga ndasvika pakuva supavhaiza. Ndokubva pazouya mukuru webasa mutsva. Akanga achiri wechiduku, akachangamuka, uye akanga akachenjera. Aifunga kuti ndaimuvhiringidza saka akatanga kungonditsoropodza. Pashure pemwedzi yakawanda achindituka, kundichera, uye kundinyadzisa, ndakatambura mupfungwa. Kambani yacho payakati yaigona kundipa mari yokusiya basa, ndakabvuma kuenda.”—Peter. *

PETER akanga achidheererwa nevanhu pabasa. MuGermany munogara Peter, vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 1, 2 vanotambudzwa nevanhu vanovadheerera pabasa. MuNetherlands, munhu mumwe chete pavanhu vana voga voga achasangana nazvo pane imwe nguva muupenyu hwake somushandi. Uye mumwe mushumo weInternational Labour Organization unotaura kuti kudheererwa chinetso chiri kuramba chichiwedzera muAustralia, Austria, Britain, Denmark, Sweden, uye United States. Asi kudheerera kumboita sei?

“Hondo Yomupfungwa”

Maererano neimwe magazini yokuGermany yenhau inonzi Focus, kudheerera “muitiro wokugara uchinetsa mumwe munhu nguva dzose.” Hakusi kungotsvinyirana pabasa—uko kungasanganisira kutaura mashoko okutsvinya, kutsoropodza, kusekwa, uye kutamba kwokuita musere—kudheerera kutoronga kuvhiringidza munhu mupfungwa nokumutyisidzira. Chinangwa chacho ndechokuita kuti munhu wacho anzwe asina kukodzera kuva mune rimwe boka. *

Nzira dzinoshandiswa pakudheerera dzinobvira pakuita zvinhu zvouhwana kusvika pakuita zvinhu zvoutsotsi. Munhu wacho anocherwa, kutukwa, kubatwa nechisimba uye kungovengwa. Vamwe vanorongerwa kuti vafondoke nebasa kana kuti vanongogara vachiitiswa mabasa asingafadzi ayo munhu wose asingafariri kuita. Vamwe vanogona kuvhiringidza zvinenge zvichiedza kuitwa nomumwe kuti ashande zvinobudirira, zvimwe nokumuvanzira mamwe mashoko. Pane dzimwe nguva, vanodheerera vamwe vakatocheka mavhiri emotokari yomumwe munhu kana kuti vakaita chitsotsi kuti vaone zviri mukombiyuta yomumwe munhu.

Vamwe vanhu vanongonetswa nomunhu mumwe. Asi kazhinji, munhu anotambudzwa nechikwata chevaanoshanda navo.

Zvimwe chinhu chinonyanya kushamisa ndechokuti kazhinji kutambudzwa kwacho kunoitwa kuchibvumirwa nomukuru webasa. Mune kumwe kuongorora kwakaitwa muEurope, zvakaonekwa kuti mukuru webasa aitobatsirawo chaizvo munyaya dzinopfuura hafu, uye kazhinji ndiye ainetsa ari oga. Zvose izvi zvinoita kuti kubasa kuite sezvakataurwa nerimwe pepanhau rokuGermany rinonzi Frankfurter Allgemeine Zeitung richiti “hondo refu inoedza yomupfungwa.”

Hazvingovhiringidzi Kubasa Chete

Kazhinji, hazvingovhiringidzi kubasa chete. Vazhinji vanonetswa vanozoguma vave nezvinetso zvoutano zvakakomba nemhaka yokubatwa noutsinye. Kuora mwoyo, matambudziko okurara, uye kuvhunduka ndezvimwe zvezvinhu zvinoguma zvaitika kana munhu achinetswa kubasa. Zvakadini naPeter, ataurwa kwokutanga? Zvakamubvisa chimiro. Mumwe mukadzi anonzi Margaret, wokuGermany zvakare, akaudzwa nachiremba wake kuti aende kunorapwa kuchipatara chepfungwa. Chikonzero chacho? Kunetswa pabasa. Kudheererwa kunogonawo kuvhiringidza zvakakomba upenyu hwemhuri yomumwe munhu.

MuGermany, kunetswa pabasa kwazova kwakakurumbira zvokuti imwe kambani yeinishuwarenzi youtano yakatoronga nhare dzokubatsira vanenge vachinetswa. Kambani yacho yakaona kuti inopfuura hafu yevaifona vakanga vakundikana kushanda kwedzinenge vhiki nhanhatu, uye mumwe pavatatu kweinenge mwedzi mitatu, uye anenge mumwe pagumi voga voga kweinopfuura mwedzi mitatu. Imwe magazini yezvoutano yokuGermany inofungidzira kuti “inenge 20 muzana yokuzviuraya kwose kunoitika kunokonzerwa nokudheererwa pabasa.”

Sezviri pachena, kunetswa pabasa kunogona kuita kuti kubasa kuve nzvimbo inotyisa. Pane imwe nzira here yazvingadziviswa nayo? Rugare rungachengetwa sei pabasa?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mazita ari munyaya dzino dzakatevedzana akachinjwa.

^ ndima 6 Mashoko akawanikwa anoratidza kuti vakadzi vakawanda kupfuura varume ndivo vanonetswa pabasa, kunyange zvazvo izvi pamwe zvichikonzerwa nokuti vakadzi ndivo vangangotaura nezvechinetso chacho nokukumbira kubatsirwa.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Kunetswa kunoita kuti pabasa pave nzvimbo yehondo yomupfungwa