Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuedza Kushanda Norugare Pabasa

Kuedza Kushanda Norugare Pabasa

Kuedza Kushanda Norugare Pabasa

NEI vamwe vanhu vachinetsa vamwe kubasa? Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa nhau iyi. Rinotsanangura kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu uye kuti ndicho chikonzero nei tiri kusangana ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Vanhu vakawanda vava ku“zvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada.” (2 Timoti 3:1-5) Munguva dzino dzisina kugadzikana, mufambiro wakadaro wakapararira, uye zvinoguma nokudheerera vamwe chiri chinhu chisingafadzi. Saka, unogona sei kushanda nevamwe norugare pabasa?

Kugadzirisa Kusawirirana

Kunetswa kunowanzotanga nokumwe kusawirirana kunenge kusina kugadziriswa pakati pevashandi. Nokudaro, usingapindiri muzvinhu zvevamwe, gadzirisa nokukurumidza kusanzwisisana kwako nomumwe. Nyaradza vanenge vagumburwa nokungwarira noruremekedzo. Taura nevaunoshanda navo somunhu mumwe nomumwe, kwete vari boka. Kana mumwe munhu achiita seane daka newe, edza kugadzirisa zvinhu. Ramba uchifunga nezvezano raJesu rokuti: “Pedzerana nhau nokukurumidza neanokumhan’arira.”—Mateu 5:25.

Uyezve, munhu wose anobatsirwa nokugara achikurukurirana nevamwe. Saka edza kukurukurirana zvakanaka nomukuru wako webasa usingaratidzi kuti uri kungoedza kuti akude kupfuura vamwe. Yeukawo kuti kukurukurirana zvakanaka nevaunoshanda navo uye vari pasi pako kuchakubatsira kuderedza kufunganya. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Pasingaranganwi mano anokona; asi kuna varayiri vazhinji ndiko kwaanosimbiswa.”—Zvirevo 15:22.

Naizvozvo, edza nepaunogona napo kushanda zvakanaka nevaunoshanda navo. Izvi hazvirevi kuva munhu “anoda kufadza vanhu,” uchingobvuma usina kufunga zvose zvose zvaunokumbirwa uye kusiya tsika dzako kuti ungochengeta rugare. Asi kuita zvinhu noushamwari kunogona kuita kuti mamiriro ezvinhu asingafadzi ave nani. Ngwarirawo kwete zvaunotaura chete kuvamwe asi matauriro aunozviita. Zvakare, Bhaibheri rinopa zano rakanaka rokuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) “Rurimi runyoro muti woupenyu.” (Zvirevo 15:4) “Mubati unokundwa kana achiitirwa mwoyo murefu.” (Zvirevo 25:15) “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.”—VaKorose 4:6.

“Kunzwisisa Kwenyu Ngakuzivikanwe”

Muapostora Pauro akarayira vaKristu vaiva muFiripi kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Uchitevedzera nhungamiro iyi, ratidza kunzwisisa pane zvaunoita. Usanyanya kuzvivimba kana kunyara zvikuru. Kana vaunoshanda navo vakakuseka, usaedza kuvatevedzera nokuita zvimwe chetezvo. Hauna chaunowana nokuedza kuvanza musiyano womuitiro wakanaka nowakaipa. Remekedza vamwe uye vakudze, uye vangangokuitirawo zvakafanana.

Funga kwete nezvomufambiro wako chete asiwo mapfekero ako. Zvibvunze kuti: ‘Mbatya dzangu dzinoratidzei? Maratidzikire angu anogumbura here? Ndinoratidzika somunhu ane uyanga here? Zvingandibatsira here kutanga kuva nemapfekero akanaka kubasa?’

Munzvimbo dzakawanda, vashandi vanoshanda nesimba nemwoyo wose vanoremekedzwa uye vanokosheswa kwazvo. Saka, edza kuwana ruremekedzo nokuita basa rinobuda nomazvo. Vimbika uye vamwe ngavavimbe newe. Izvi hazvirevi kuedza kuita basa rose nenzira yakakwana. Mumwe mukadzi ainetswa akazobvuma kuti iyewo akanga akonzera kuti zvidaro. “Ndaida kuva akakwana,” anodaro. Mukadzi uyu akasvika pakuziva kuti hazviiti kuvavarira kuita zvinhu nenzira yakakwana: “Ndiri mushandi akanaka, asi handifaniri kuita zvinhu zvose nenzira yakakwana.”

Usakurumidza kugumbuka paunoudzwa mashoko ose anorwadza. Hakusi kutsoropodza kwose kunganzi kunetsa. MuBhaibheri, Mambo Soromoni akanyora kuti: “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa . . . Uyezve, usava nehanya nemashoko ose anotaurwa, . . . nokuti kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.”—Muparidzi 7:9, 21, 22.

Zvechokwadi, kutevedzera nhungamiro dzakanaka dzakadaro hakuvimbisi kuti hauzombonetswi. Pasinei nezvakanaka zvaunoita, vamwe vashandi vangaramba vachikunetsa. Saka unofanira kuitei?

Tsvaka Kutsigirwa

“Pandaisafarirwa kwemwedzi inoverengeka, ndaishushikana mupfungwa,” anobvuma kudaro Gregory. Zvakaitika kwaari mumwe wemienzaniso yevanhu, vanotsungirira marwadzo akasiyana-siyana epfungwa—kutsamwa, kunzwa mhaka, kunyara, kuvhiringidzika, pamwe chete nokunzwa usingabatsiri. Simba rokunetswa rinogona kuita kuti munhu kunyange uya akagadzikana aore mwoyo. Zvechokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti “kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.” (Muparidzi 7:7) Saka chii chinogona kuitwa?

Ongororo dzinoratidza kuti zvakanaka kusaedza kugadzirisa kunetswa uri woga. Anonetswa angawanepi rutsigiro? Mamwe makambani makuru akava nenzira yokubatsira vashandi vawo vanofunga kuti vari kunetswa. Makambani akadaro anoziva kuti zvinoanakira kubvisa vanhu vanonetsa vamwe pabasa. Maererano nokumwe kufungidzira, vashandi vanonetsa mumwe mushandi zvinovhiringidza basa ravo kusvika ku10 muzana yenguva yavo yokushanda. Chero kupi kune urongwa hwakadaro, anonetswa anogona kutsvaka rubatsiro. Munhu anorayira vamwe asina kwaakarerekera—angave womukambani yacho kana kwete—angavhura nzira yokuti vose vanobatanidzwa vakurukure mamiriro acho ezvinhu uye kudzika mitemo inofanira kutevedzwa pabasa.

Hapana Nzira Inogadzirisa Zvakakwana Chinetso Chacho

Zvechokwadi, zvinofanira kubvumwa kuti hapana nzira inogadzirisa zvakakwana kunetswa pabasa. Kunyange vaya vanoshandisa nhungamiro dzeBhaibheri dzataurwa munyaya ino vangawana kusabatwa zvakanaka kuchiramba kuchipfuurira. Vakadaro vanogona kuva nechokwadi chokuti kutsungirira kwavo uye kuedza kuratidza unhu hwaMwari mukati menguva yakaoma kunenge kuchionekwa naJehovha Mwari.—2 Makoronike 16:9; Jeremia 17:10.

Zvichienderana nokuti kunetswa kwacho kwakakura zvakadini uye kuti kunoitwa kakawanda sei, vamwe vari mumamiriro ezvinhu aya vanosarudza kutsvaka rimwe basa. Vamwe hapana zvavanogona kuita, sezvo mabasa angave ari mashoma uye vanhu vanogona kubatsira vangave vari vashoma. Monika, ataurwa munyaya yapfuura, akaona kuti, nokufamba kwenguva, chinetso chacho chakagadziriswa apo mumwe ainetsa zvikuru akasiya basa. Somugumisiro, kubasa kwakambova norugare, uye akakwanisa kupedza zvaaidzidzira asati asarudza kutsvaka basa kune imwe nzvimbo.

Kana ari Peter, ataurwa munyaya yokutanga, akazozorora paakarega basa. Zvisinei, kunyange paaitsungirira kunetswa kwacho, Peter akabatsirwa nokutsigirwa nomudzimai wake. Anoti: “Aiziva zvandaisangana nazvo, uye aiva rusvingo rwaindisimbisa.” Pavaitsungirira miedzo yavo, Monika naPeter vakanyaradzwa chaizvo nezvavaidavira sevamwe veZvapupu zvaJehovha. Kubuda muushumiri hwepachena kwakasimbisa manzwiro avo okuzviremekedza, ukuwo kuwadzana nevamwe vavo vavanonamta navo kwakaita kuti vave neshamwari dzakanaka.

Chero mamiriro ako ezvinhu, ita nepaunogona napo kuva noukama hwakanaka kubasa. Kana ukanetswa, edza kutevedzera zano romuapostora Pauro rokuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. . . . Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Kuita zvinhu noushamwari kunogona kuita kuti mamiriro ezvinhu asingafadzi ave nani

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VAROMA 12:18

[Mufananidzo uri papeji 9]

Gadzirisa nokukurumidza kusanzwisisana kwaungave uchiita nomumwe