Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwana Wako Paanenge Achingochema Asinganyarari

Mwana Wako Paanenge Achingochema Asinganyarari

Mwana Wako Paanenge Achingochema Asinganyarari

NOMUNYORI WEMUKAI! MUCANADA

CHIREMBA wacho akangosimbisa zvakanga zvagara zvichitofungirwa naamai vacho. Mwana wavo akanga achiratidza kuti aiva nechirwere chomudumbu chinonzi colic. Chirwere ichi chinobata “mwana mumwe chete pavanenge vana voga voga,” rinodaro pepanhau rinonzi Globe and Mail rokuCanada. Zviratidzo zvechirwere chacho zvinosanganisira kuchema kwemaawa anoverengeka kwemazuva anenge matatu pavhiki. Chii chingaitwa nomubereki anenge achinetseka? Vanachiremba vevana vanotaura kuti muzviitiko zvakawanda vabereki—uye mwana—chavangaita kungomirira kusvika chaoneka. Asi kwenguva yakareba sei?

Kumwe kuongorora kutsva kwakaitwa vanaamai vokuCanada vane vana vanorwadziwa nomudumbu kunoratidza kuti 85 muzana yourwere hwacho yakadzikira vana vacho pavakanga vava nemwedzi mitatu. Kumwe kuongorora kwakaitwa naDr. Tammy Clifford, mutungamiriri wezvidzidzo zvokupararira kwezvirwere paChildren’s Hospital of Eastern Ontario Research Institute, akaratidzawo kuti kuva nomwana ane colic hakukanganisi pfungwa dzaamai vake zvechigarire. “Pashure pemwedzi mitanhatu mwana wacho aberekwa, vanenge vangofanana naVanamai vane vana vasina colic,” anodaro Dr. Clifford. “Vanoita sevanozvikanganwa paanenge asingachachemi.”

Kutsvakurudza kutsva uku kwakabudiswa naDr. Clifford nevamwe vake, rinodaro Globe, “kunowedzera mashoko anokosha paruzivo rwesayenzi nezvechirwere checolic nokuti kunoratidza kuti kune mapoka matatu akasiyana evana vane zvirwere zvecolic: vaya vanobatwa nechirwere ichi chopera mukati memwedzi mitatu; vaya vane colic inoramba iripo kwemwedzi inoverengeka isingaperi; uye boka revashomanana vanozova necolic pava paya, mwedzi mishomanana pashure pokunge vazvarwa.” Kumwezve kuongorora kuri kuitwa kuona matangiro anoita chirwere checolic pavana vaduku vanenge vachikura, uye iri ndiro boka rinoti netsei zvikuru.

Kuramba kwomwana achichema zvinonzi ndiko kunoita kuti anyararidzwe achizunguzirwa zvinokuvadza uropi. Sokutaura kwakaita pepanhau reGlobe, “kungochemawo zvako hakukanganisi mwana, asi kuzunguzira mwana nechisimba, kunyange kwenguva pfupi, kunogona kukuvadza uropi hwake, uye kunyange kutomuuraya.”

Kune rumwe rutivi, kuchema kwomucheche kune zvakwakanakira, kunyange asinganyarari. “Kuongorora kwakaratidza kuti vana vanochema zvikuru vanopiwa nguva yakawanda nevachengeti vavo,” rinodaro pepanhau reGlobe, “nokuwedzera kubatwa, kunyemwererwa zvikuru, kutaura uye kuvatakura kakawanda.”