Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?

Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?

“Ndaiva ndaenda ndine chinangwa—ndaida kunonyatsofara.”—Shawn.

“Ndinoda kutaura chokwadi, kwainakidza—aiva mafaro chete! Kwaidhanziwa, kudhanza usiku hwose.”—Ernest.

MAKIRABHU okudhanza epwere azokurumbira kwazvo makore ano. Pwere zhinji dzinotevedza mafaro dzinogaroenda kumakirabhu akadaro.

Chokwadi, tose tinoda kufara. Uye Bhaibheri rinotaura kuti kune “nguva yokufara” uye kunyange “nguva yokudhanza.” (Muparidzi 3:4, Today’s English Version) Zvisinei, kirabhu dzokudhanza dzepwere dzine nhandaro yakanaka here? Kana kuti pane chikonzero chakanaka chokufunga ruviri munhu asati aendako?

“Mitambo Yokuzvifadza”

Kunyange zvazvo Bhaibheri risingashori kuungana kwokutandara kune mwero, rinonyevera nezve“mitambo yokuzvifadza.” (VaGaratiya 5:19-21) Munguva inotaurwa muBhaibheri mitambo yokuzvifadza yaiwanzotungamirira kumiitiro isingadzoreki. Muprofita Isaya akanyora kuti: “Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa nemaoko ake.”—Isaya 5:11, 12.

Pakuungana kwakadai paiva ne“doro” nenziyo dzoupengo. Vaitanga mangwanani-ngwanani vosvika manheru chaiwo. Cherechedzawo mafungiro evanhu vacho pamitambo yokuzvifadza iyi—vaiita sokuti hakuna Mwari! Saka hazvishamisi kuti Mwari akashora kuungana kwakadaro. Zvisinei, Mwari anonzwa sei pamusoro pezvinoitika mumakirabhu okudhanza epwere nhasi?

Funga pamusoro peizvi. Chokutanga, mamwe makirabhu anogara achiita kudhanza kwokupengereka. Rimwe bhuku rinoti “kwakatanga pakati pema1980 mumakirabhu pashure pemazuva epangi muUnited States. Kwakakura . . . kubva pa‘bhambujaivhi’ apo vatambi vaitamba vachidhumana.” Matambire aya anowanzosanganisira kusvetuka-svetuka, kuzunguza musoro kwoupengo, kutungana musoro kwokunyepera, pamwe nokudhumana nevamwe vatambi. Mavanga nokutyoka makumbo nemaoko zvinowanzoitika, uye kukuvara musana nomusoro kunoitikawo. Vamwe vakatofa. Uyezve mune mamwe makirabhu munhu anosimudzwa mudenga neboka revanhu ofamba pamusoro pemaoko avo akasimudzwa. Vazhinji vanosimudzwa vakadonhedzwa, vakakuvara. Zvinowanzoitika kuti vasikana vanobatwa-batwa nenzira dzisina kufanira.

Hapana mubvunzo kuti Mwari haafariri muitiro wakadaro. Pamusoro pazvo, Shoko rake rinorayira vaKristu “kuramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye kurarama nokunaka kwepfungwa.”—Tito 2:12.

Mimhanzi Nezvinodhaka

Fungawo nezvemimhanzi inowanzoridzwa mumakirabhu okudhanza akawanda. Mamwe anongoridza marudzi ehard rock neheavy metal, mimhanzi inozivikanwa noruzha rukuru nemashoko anonyadzisa. Asi mumakirabhu akawanda mimhanzi yerap ndiyo inodiwa nevanhu. Mimhanzi inoimbawo nezvepabonde, zvechisimba, uye kupandukira. Kuteerera mimhanzi yakadaro munzvimbo ine vanhu vakaipa kungakukanganisa here? David Hollingworth, mumwe anoona nezvemakirabhu ousiku, akati: “Mimhanzi ine simba guru pamafungiro evanhu. Kana ukavaunganidza vakawanda, inogona kukurudzira mafungiro echisimba.” Hazvishamisi kuti vanhu vave vachirwa pano nepapo mumakirabhu okudhanza mumaguta anoverengeka okuUnited States. Vanhu vakawanda vanofunga kuti mimhanzi ndiyo inosimudzira muitiro unonyadzisa uye zviito zvoutsinye. *

Mumakore ano zvinodhaka zvave zvichishandiswawo mumakirabhu okudhanza. Mumwe mutsvakurudzi akataura kuti “kuvapo kwezvinodhaka zvemarudzi akasiyana-siyana zvinoshandiswa zvisiri pamutemo . . . zvinonzi ndiko kunoita kuti makirabhu okudhanza afarirwe zvikuru.” Zvechokwadi, kune zvinodhaka zvinoshandiswa nevanhu vanodhanza. Vamwe vanowanzoenda kumakirabhu okudhanza vanotoshandisa zvinodhaka zvinosanganiswa. Pakati pezvimwe zvinodhaka zvinowanzosanganiswa pane ketamine, inogona kuvhiringidza pfungwa, kunetseka pakufema, uye kukuvadza tsinga. Methamphetamine inogona kuita kuti munhu ave nehanganwa, hasha, chisimba, uye inogona kukuvadza mwoyo netsinga. Chimwe chinodhaka chakanyanya kukurumbira chemhando yeamphetamine chinozivikanwa seecstasy. Chinogona kukonzera kuvhiringidzika, kufunganya, kuwedzera kurova kwehana, kukwira kweBP, uye kupisa muviri. Vamwe vanoshandisa ecstasy vakatofa.

Kushandisa zvinodhaka zviri kunze kwomutemo kunopesana nomurayiro weBhaibheri wokuti tizvichenese “pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu.” (2 VaKorinde 7:1) Kuchenjera here kuzviisa munzvimbo inoshandiswa zvinodhaka zvikuru?

Songaniro Dzakaipa

Yeuka yambiro inogarotaurwa yokuti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Kufanana nevaitsvaka mafaro munguva inotaurwa muBhaibheri, vechiduku vakawanda vanowanzoenda kumakirabhu okudhanza vanenge vasina basa nokufadza Mwari. Kutaura zvazviri, vakawanda vanogona kunzi “vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:4) Chokwadi, ungada kuita tsika nditsikewo neboka rakadaro here?

Vamwe vangafunga kuti kuenda kumakirabhu okudhanza nevamwe vaKristu vechiduku kunoderedza ngozi yacho. Zvisinei, vaKristu vechiduku vari zvechokwadi “muenzaniso kune vakatendeka . . . pamufambiro” pamwe havanganzwi vachida kuenda. (1 Timoti 4:12) Kunyange kana boka revaKristu vechiduku rikaenda kukirabhu yokudhanza ndokukwanisa kuramba riri pamwe chete, nziyo dzakashata nevanhu vakaipa zvinenge zvichingovapo. Vangangozoona zvavaomera kana vamwe vanhu vakavakumbira kuti vanoda kudhanza navo. Vamwe vechiduku vakatozoona vave kurwa nevanhu! Mashoko eBhaibheri ndeechokwadi anoti: “Fambidzana nevakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

Kudhanza Kunokwezva

Chimwe chinhu chinofanira kufungwawo nezvacho, kudhanza kwacho chaiko. Pane kumwe kudhanza kwoupenzi kwazova kwakakurumbira, zvikuru pavechiduku vomuUnited States. Kudhanza kwacho kunowanzoitwa vachitamba nziyo dzerap dzine mashoko anotaura zvinhu zvepabonde. Uyezve matambire acho pachawo anoita kuti munhu anzwe kuda kurara nomumwe munhu. Naizvozvo, matambire akadai akasvika pakurondedzerwa so‘kuita zvepabonde vanhu vakapfeka mbatya.’

Pwere yechiKristu ingada here kudhanza saizvozvi? Kwete kana ichida kufadza Mwari, uyo anotirayira kuti “tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Vamwe vangafunga kuti, ‘Kana munhu wose achizviita, zvinofanira kunge zvisina kunyanyoipa.’ Zvisinei, vanhu vakawanda vanogona kurasika. (Eksodho 23:2) Shinga kuramba kumanikidzwa nevezera rako kuti urambe une hana yakanaka naMwari!—1 Petro 4:3, 4.

Kuita Chisarudzo

Izvi hazvirevi kuti kudhanza kwose kwakaipa. Bhaibheri rinotiudza kuti Mambo Dhavhidhi akafara zvikuru paakadzokera kuJerusarema neareka inoyera yesungano zvokuti “akatamba . . . nesimba rake rose.” (2 Samueri 6:14) Mumuenzaniso waJesu womwanakomana anopambadza, kufarirwa kwakaitwa mwanakomana akanga adzoka kwaisanganisira “mimhanzi nokutamba.”—Ruka 15:25.

Naizvozvo, dzimwe nzira dzokudhanza dzingagamuchirwa pakati pevaKristu vokwaunogara. Kunyange pakadaro zvinokosha kuva akadzikama neanonzwisisa. Zviri nani chaizvo kunakidzwa nemimhanzi nokudhanza pakuungana kwechiKristu panenge paine vanodzora zvakafanira uye vanotarisira pane kuenda kumakirabhu epwere. Pakuungana kunotarisirwa zvakanaka kwevaKristu, vechiduku havazviparadzanisi asi vanonakidzwa nokushamwaridzana nevaKristu vemazera ose.

Zvechokwadi, kungava nemamwe maresitorendi omunharaunda yokwenyu ane madhanzi akanaka. Asi usati wabvuma kuenda kunzvimbo dzakadaro, kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadai seiyi: Nzvimbo yacho ine mukurumbira worudzii? Kunongoendwa nepwere chete here? Kana zvakadaro, pane mukana wakakura zvakadini wokuti ichava nzvimbo yakanaka? Inziyo dzorudzii dzicharidzwa? Kudhanza kworudzii kunoitwako? Vabereki vangu vanonzwa sei nezvokuenda kwangu ikoko? Kubvunza mibvunzo yakadai kunogona kukudzivirira pamatambudziko.

Shawn, ane mashoko ari kwokutanga, anopedzisa nhau yacho zvakanaka. Asati ava muKristu, aigara achienda kumakirabhu okudhanza. Anoyeuka kuti: “Kune unzenza hwakawanda kwazvo mumakirabhu ousiku. Nziyo dzacho kazhinji dzakaipa, kudhanza kwacho kazhinji ndekwounzenza, uye vanhu vazhinji vanoendako vane chinangwa—vanoda kuzobva pakirabhu pacho vave nomumwe munhu wokunorara naye.” Shawn akarega zvokuenda kumakirabhu pashure pokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anotaura mafungiro ake, kubva muzvinorwadza zvaakasangana nazvo achiti: “Makirabhu aya haisi nzvimbo ingaendwa nevaKristu.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Ona nyaya inoti “Zvinoita Kuti Titapurwe Nemimhanzi,” iri mumagazini yeMukai! yaOctober 8, 1999.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Dzimwe pwere dzakangozoona dzave panguva yakaoma kumakirabhu okudhanza