Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuona Kuroorana Sechinhu Chinokudzwa?

Nei Tichifanira Kuona Kuroorana Sechinhu Chinokudzwa?

Zvinotaura Bhaibheri

Nei Tichifanira Kuona Kuroorana Sechinhu Chinokudzwa?

VANHU vazhinji nhasi pamwe vangati vanodavira kuti kuroorana chinhu chinokudzwa. Saka zvino nei vakaroorana vakawanda kudaro vachiguma varambana? Kune vamwe vanhu, kuroorana kunongova vimbiso yokugara vachirara pamwe chete uye chibvumirano chepamutemo. Asi vimbiso dzinogona kuputswa. Vanhu vanoona kuroorana nenzira iyi hazvivanetsi kurambana kana zvinhu zvikasafamba zvakanaka.

Mwari anoona sei urongwa hwokuroorana? Mhinduro yacho iri muShoko rake Bhaibheri, pana VaHebheru 13:4, panoti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ngaikudzwe” rinopa pfungwa yechimwe chinhu chinokosha uye chinokudzwa zvikuru. Kana tichikoshesa chimwe chinhu, tinochichengeta nokungwarira kuti chisarasika, kunyange netsaona. Zvimwe chete izvi ndizvo zvinofanirawo kuitika nourongwa hwokuroorana. VaKristu vanofanira kuhuona sohunokudzwa—sechimwe chinhu chinokosha chavanoda kuchengetedza.

Sezviri pachena, Jehovha Mwari akaronga kuroorana sourongwa hunokudzwa huri pakati pomurume nomudzimai. Asi tingaratidza sei kuti tine maonero akafanana neake okuroorana?

Rudo uye Ruremekedzo

Kukudza urongwa hwokuroorana kunoda kuti vakaroorana varemekedzane. (VaRoma 12:10) Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuzana rokutanga remakore kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita; uyewo, mukadzi anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.”—VaEfeso 5:33.

Zvechokwadi, dzimwe nguva mumwe wevakaroorana angasaita zvinoratidza rudo kana kuti zvinoremekedzeka. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanofanira kuratidza rudo noruremekedzo. Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro.”—VaKorose 3:13.

Nguva uye Kuratidzana Rudo

Vanhu vakaroorana vanoona kuroorana kwavo sechinhu chinokudzwa vanowana nguva yokugutsana munyama uye mupfungwa. Izvi zvinosanganisira ukama hwepabonde. Bhaibheri rinoti: “Murume ngaape mukadzi wake chakafanira chake; asi mukadzi ngaaitire murume wake saizvozvowo.”—1 VaKorinde 7:3.

Zvisinei, vamwe vakaroorana vakafunga kuti murume anofanira kumboenda kune imwe nzvimbo kwenguva pfupi kuti awedzere mari. Dzimwe nguva, kuparadzana uku kwakazotora nguva refu kupfuura zvaitarisirwa. Kazhinji, kuparadzana kwakadaro kwakakanganisa mhuri, dzimwe nguva zvichitungamirira kuupombwe uye kurambana. (1 VaKorinde 7:2, 5) Nechikonzero ichocho, vaKristu vakawanda vakaroorana vakasarudza kurarama nezvishoma pane kuisa muchato wavo pangozi uyo wavanoona sechinhu chinokudzwa.

Panomuka Zvinetso

Zvinetso pazvinomuka, vaKristu vanokudza kuroorana kwavo havamhanyiri kuparadzana kana kurambana. (Maraki 2:16; 1 VaKorinde 7:10, 11) Jesu akati: “Munhu wose anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka youfeve, anomuita kuti zvimubvirire kuti aite upombwe, uye munhu wose anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.” (Mateu 5:32) Kusarudza kurambana kana kuti kuparadzana apo vakaroorana vacho vanenge vasina zvikonzero zvomuMagwaro kunozvidzisa urongwa hwokuroorana.

Maonero atinoita kuroorana anoratidzwawo nezano ratinopa vaya vanenge vachinetsana zvakakomba mumba mavo. Tinokurumidza kuvakurudzira kuparadzana kana kurambana here? Chokwadi, pangava nedzimwe nguva apo panenge pane zvikonzero zvinonzwika zvokuparadzana, zvakadai sokurohwa zvakakomba kana kuti kunyimwa zvokurarama nazvo. * Uyewo, sezvataurwa pamusoro apa, Bhaibheri rinobvumira kuti vanhu varambane bedzi apo mumwe wevakaroorana anenge aine mhaka youfeve. Kunyange zvakadaro, vaKristu havafaniri kunyengera vamwe pachisarudzo chavo mumamiriro ezvinhu akadaro. Pamusoro pazvo, ndiye munhu anenge achinetsana nomumwe wake mumba—kwete anopa zano—achararama nemigumisiro yechisarudzo chake.—VaGaratiya 6:5, 7.

Usava Nemaonero Okurerutsa

Mune dzimwe nzvimbo vanhu vave netsika yokuroorana nechinangwa chokuti vabvumirwe kugara mune imwe nyika zviri pamutemo. Kazhinji vanhu vakadaro vanoita chibvumirano chokubhadhara mumwe munhu wenyika iyoyo kuti varoorane naye. Kazhinji vakaroorana ava, kunyange zvazvo vakaroorana, vanenge vasingagari vose, zvimwe vasingamboshamwaridzani. Pavanenge vangobvumirwa kugara munyika zvepamutemo sezvavaida, vanorambana. Vanoona kuroorana kwavo sechibvumirano chebhizimisi chete.

Bhaibheri haritsigiri maonero akadaro okurerutsa. Pasinei nevavariro dzavo, vanhu vanoroorana vanopinda muurongwa hunokudzwa hunoonekwa naMwari sohwoupenyu hwose. Vanhu vanoita zvibvumirano zvakadaro vanenge vatobatanidzwa somurume nomukadzi, uye zvinodiwa neBhaibheri kuti vanhu varambane vachizokwanisa kuroorazve mumwe munhu zvinoshanda.—Mateu 19:5, 6, 9.

Sezvinongoita zvinhu zvose zvinokosha, kuroorana kunobudirira kunoda kushanda zvakaoma uye kushivirira. Vaya vanokundikana kunzwisisa kuti chinhu chinokudzwa havatani kurambana. Kana kuti vangangobvuma havo kugarisana nomumwe munhu vasina mufaro. Ukuwo, vaya vanobvuma kuti kuroorana chinhu chinokudzwa vanoziva kuti Mwari anovatarisira kuti vagare vose. (Genesi 2:24) Vanozivawo kuti nokugara vachipindirana mumba mavo, vanomukudza soMuiti wourongwa hwokuroorana. (1 VaKorinde 10:31) Kuva nemaonero aya kunovakurudzira kuchengetedza uye kushandira kuti kuroorana kwavo kubudirire.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona Nharireyomurindi, yaNovember 1, 1988, mapeji 22-3.