Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira iyo Vanonetswa Vanosarudzwa Nayo

Nzira iyo Vanonetswa Vanosarudzwa Nayo

Nzira iyo Vanonetswa Vanosarudzwa Nayo

Monika akanga achongopedza chikoro paakatanga kushanda achidzidzira basa rokuva mabharani mune zvemitemo. Monika aitarisira kuti zvinhu zvichaita mutserendende achitangawo upenyu hwokushanda.

Horst akanga ari chiremba akanga ava nemakore ari pakati pe30 ne40. Akanga ane mudzimai nevana, uye zvinhu zvose zvairatidza sokuti aizova munhu anoremekedzwa anotambira mari yakawanda.

Monika naHorst vakatanga kunetswa pabasa.

ZVAKAITIKA kuna Monika naHorst zvinotidzidzisa chidzidzo chinokosha: Zvakaoma kuziva vangangonetswa pabasa. Zvechokwadi, munhu wose pasinei nokuti anoita basa rei anogona kunetswa. Saka zvino ungazvidzivirira sei? Chimwe chinobatsira ndechokudzidza nzira yokuchengeta nayo rugare pabasa, kunyange uchishanda nevanhu vanonetsa.

Kushanda Zvakanaka Nevamwe Pabasa

Kuvanhu vazhinji, kuva nebasa kunoda kushanda zvakanaka neboka revamwe vashandi uye kubatsira boka iroro kushanda zvakanaka rakabatana. Kana vashandi vachiwirirana, zvinoita kuti basa rifambe zvakanaka. Kana vasingawirirani, basa harifambi uye, mukana wokunetswa unowedzera.

Chii chinogona kuvhiringidza kushanda zvakanaka kweboka revashandi? Chokutanga, zvingakonzerwa nokuchinjwa-chinjwa kwevashandi. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvakaoma kuumba ushamwari. Uyezve, vashandi vatsva vanenge vasingazivi mashandiro anogara achiitwa, izvo zvinoderedza mashandiro evamwe vose. Kana basa racho riri kuwedzera, zvimwe boka racho rinenge richingogara rakawandirwa nebasa.

Uyezve, kana boka racho risina zvinangwa zvakajeka, vanhu vacho vanenge vasina kunyatsobatana. Somuenzaniso, izvi ndizvo zvinogona kuitika kana mukuru wepabasa anotyira chinzvimbo achipedza nguva yakawanda achidzivirira chinzvimbo chake pane kutungamirira vanhu. Angatoedza kuchengetedza chinzvimbo chake nokurwisanisa vashandi. Chinowedzera kuomesa zvinhu ndechokuti boka racho rinenge risinganyatsozivi basa romumwe nomumwe zvokuti vamwe vashandi vanenge vasingazivi kuti basa ravo rinotangira papi richigumira papi. Somuenzaniso, kurwisana kungamuka vashandi vaviri pavanenge vachifunga kuti vose vane basa rokusayina mainivhoisi.

Mumamiriro ezvinhu akadaro, kukurukurirana kunenge kwangova kukandirana mashoko uye kana vakagumburana hapana kugadzirisana. Godo rinokanganisa mashandiro, uye vashandi vanenge vachikwikwidzana kuti vaonekwe sevanhu vakanaka nomukuru webasa. Kusanzwisisana kuduku kunoonekwa sokutukwa kwakakomba. Chaizvo zvinhu zviduku zvinoitwa zvinhu zvikurukuru. Izvi ndizvo zvinozoita kuti kunetsana kutange.

Kusarudzwa Kunoitwa Anongogara Achipomerwa

Nokufamba kwenguva, mumwe mushandi anogona kusarudzwa kuva munhu anongopomerwa. Munhu worudzii angagona kubatwa nenzira iyi? Zvimwe anenge ari munhu akasiyana nevamwe vose. Somuenzaniso, angava murume chete anenge achishanda nevakadzi kana kuti mukadzi mumwe anenge achishanda nevarume. Munhu ane chivimbo angaonekwa seane hasha, nepo munhu akanyarara angaonekwa seane unyengeri. Munhu anogona kungopomerwa anogonawo kunge akasiyana nevamwe pakuti anenge ari mukuru kana kuti muduku pane vamwe kana kuti anenge achigona basa kupfuura vamwe.

Pasinei nokuti ndiani angave achipomerwa, vamwe vashandi “vanovenga wavanenge vasarudza kungopomera uye izvi zvinovaita kuti vanzwe kuora mwoyo kwavo kuchiderera,” inoshuma kudaro imwe magazini yezvokurapa yokuGermany inonzi mta. Kuedza kugadzirisa mamiriro ezvinhu acho kunoitwa nomunhu anenge achingopomerwa hakuna zvakunobatsira uye kungangoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Kutyisidzira kwacho sezvakunowedzera uye kuchigaroitwa, anenge achipomerwa wacho anowedzera kuva zindoga. Panguva iyi, anenge achinetswa wacho pamwe haangagoni kutsungirira mamiriro acho ezvinhu oga.

Chokwadi, kubasa kwangogara kuchibatwa vanhu zvisina kufanira. Asi vazhinji vanogona kuyeuka imwe nguva vashandi pavairatidza kuda kubatsirana. Zvaisawanzoitika kuti pave nevanoita zvokunyatsoronga kunetsa vamwe. Asi nokufamba kwenguva kwave kune izvo mumwe chiremba akarondedzera se“pfungwa iri kuramba ichidzikira yokubatana uye kuparara kwepfungwa yokunzwa kunyara.” Vanhu havachina tsika zvokuti vanogona kurwisana pabasa.

Saka, zvakakodzera kuti vashandi vose vanetseke nemhinduro dzemibvunzo yokuti: Kunetswa kunogona kunzvengeka here? Vanhu vangashanda sei norugare pabasa?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chinangwa chokunetsa ndechokuita kuti munhu wacho anzwe ari zindoga