“Ona Nyika Yakanaka”
“Ona Nyika Yakanaka”
“Chishandiso chinoshamisa ichi ndicho chaicho chandaida,” akanyora kudaro mumwe mukadzi pashure pokuongorora bhurocha rakabudiswa nguva pfupi yapfuura rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” rine mepu dzomuBhaibheri. “Nzvimbo nevanhu uye zvakaitika zviri muMagwaro zvava zvinhu chaizvo kwandiri.”
Bhurocha iri rine mapeji 36, rine mavara ose rinobatsira vadzidzi veShoko raMwari kuti vafungidzire nhoroondo dzeBhaibheri. Anoenderera mberi achiti: “Kuona kukwirira kwakanga kwakaita temberi kupfuura nharaunda yakapoteredza kunondibatsira kunzwisisa magwaro anotaura nezvokunamatwa kwaJehovha ‘kwakakwirira.’ Zvinobatsira kwazvo kuona zvakajeka marongerwe akanga akaitwa maguta outiziro, nedzimwewo nzvimbo dziri muMagwaro echiHebheru neechiGiriki. Ndakatanga kushandisa bhurocha iri rakaisvonaka kudzidza bhuku reBhaibheri raMabasa.”
Mukadzi uyu akapedzisa achiti: “Ndinofunga kuti ndichashandisa chipo chakaisvonaka ichi nguva dzose sezvandinoverenga Shoko raMwari.”
Unogona kukumbira bhurocha iri, rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” nokuzadza kopani riri pasi apa woritumira kukero iri pakopani racho kana kuti kune yakakodzera iri papeji 5 yemagazini ino.
□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka.”
□ Ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepachena.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.