Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uwandu Hwevanhu, Bhaibheri, uye Nguva Yemberi

Uwandu Hwevanhu, Bhaibheri, uye Nguva Yemberi

Uwandu Hwevanhu, Bhaibheri, uye Nguva Yemberi

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN

MHURI yevanhu yakawedzera kubva pa1 650 000 000 pakatanga zana remakore rechi20 kusvika pamabhiriyoni matanhatu pakazonopera zana remakore racho. Vanhu vacharamba vachiwedzera pasi pano zvinoshamisa here? Vanhu vachawandisa here panyika mumireniyamu ino? Kune nyanzvi dzinoita basa rokuverenga vanhu dziri kunetseka nemibvunzo yakaoma yakadaro.

Webster’s Dictionary rinorondedzera zvokuverenga vanhu richiti “kudzidza nezvouwandu hwevanhu [zvikurukuru] ukuru hwacho uye uwandu panzvimbo imwe chete, kupararira kwavo, uye uwandu hwevanhu vanoberekwa, vanofa, utano hwavo uye kuroorana kwavo.” Nyanzvi dzinoongorora zvinhu zvitatu zvinochinja uwandu hwevanhu—kubereka (nhamba yevana vanoberekwa); rufu (nhamba yevanhu vanofa); uye kutama (nhamba yevanhu vanotama kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe).

Pakudzidza nezvouwandu hwevanhu vekare panenge pachiongororwa kuwanda nokuchinja-chinja kwouwandu hwevanhu vekare. Vanodzidza nezvouwandu hwevanhu vekare vanodzidza zvakawanda sezvavanokwanisa nezvemagariro ekare nokuongorora zvakanyorwa, matongo, marangwanda, nezvimwe zvinhu zvinoratidza kuti paigara vanhu. Kudzidza nezvouwandu hwevanhu vekare kunosanganisira kufungidzira uye sayenzi. Atlas of World Population History inobvuma kuti: “Kufungidzira kunoitwa neanodzidza nezvouwandu hwevanhu vekare hakuwaniki muzvinhu zvesayenzi yazvino, hakuna zvinopupurira uye somugumisiro pfungwa yokuti zvakavimbika mukuona kweanoverenga wacho haina chokwadi.” Kunyange zvakadaro vadzidzi veBhaibheri vanofarira kufungidzira uku kunoitwa nevanodzidza nezvouwandu hwevanhu. Zvechokwadi, kunowanzowirirana nenhoroondo dzeBhaibheri.

Kuwedzera Kwevanhu Pashure peBoporodzi

Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vasere chete ndivo vakapona Boporodzi rezuva raNoa. Vamwe vanodzidza nezvouwandu hwevanhu vanofungidzira kuti anenge makore 1 400 pashure pacho, vanhu vaiva pasi pano vangangodaro vakasvika mamiriyoni 50. Hazvibviri here kuti vanhu vasere vawedzere kusvika mamiriyoni 50 mumakore 1 400?

Kutanga, kunongova kufungidzira kuti vanhu vaiva mamiriyoni 50. Zvisinei, zvinofadza kucherechedza zvinotaurwa neBhaibheri pana Genesi 9:1, kuti: “Mwari wakaropafadza Noa nevanakomana vake, akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika.” Zvadaro, muzvitsauko Genesi 10, ne11, tinoverenga nezvemhuri 70 dzakabva kuvanakomana vaNoa—Shemi, Hami, naJafeti. Tikaramba tichiverenga, tinosvika padzinza revarume vakabva kuna Shemi kusvika kuna Abrahamu, avo vakava ‘madzibaba evanakomana nevanasikana.’ Iyi ingave yakanga iri nguva yokubereka vana vakawanda, zvichiwirirana nomurayiro waMwari ‘wokuzadza nyika.’

Zvakadini nenhamba yevanhu vaifa? Zvitsauko zvimwe chete izvi zvaGenesi zvinorondedzera upenyu hurefu zvikuru hwevanhu mumazana emakore akawanda okutanga pashure peBoporodzi. * Kana pachizvarwa vanhu vakawanda, kuchifa vashoma, zvinoguma nokuwedzera kwevanhu nokukurumidza.

Kumbogara kwevaIsraeri muIjipiti

Vamwe vatsvakurudzi havana chokwadi nezvenhoroondo yeBhaibheri yokuwedzera nokukurumidza kwakaita vaIsraeri pavaigara munyika yeIjipiti. Bhaibheri rinotaura kuti kunze kwemadzimai evanakomana vaJakobho, “vose veimba yaJakobho, vakauya [Ijipiti], vaiva vanhu vana makumi manomwe.” (Genesi 46:26, 27) Asi, vaIsraeri pavakabuda muIjipti makore 215 gare gare, zvaitoshamisa kuti pakanga pava “nevarume vanofamba netsoka vane zviuru zvemazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi.” (Eksodho 12:37) Tichiverenga vakadzi nevana, vaIsraeri vose vangave vakanga vakawanda kusvika kumamiriyoni matatu! Kuwedzera kwakadaro kunobvira here?

Kupindura mubvunzo iwoyo, nyatsocherechedza zvinotaura Bhaibheri nezvokuwedzera kwouwandu hwevaIsraeri muIjipiti: “Vana vaIsraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru guru; nyika yakanga izere navo.” VaIsraeri panguva iyoyo vakanga vari kuwedzera zvikuru.—Eksodho 1:7.

Zvinofadza kuti kuwedzera kwakafanana kwave kuchioneka munyika dzemazuva ano, dzakadai seKenya muma1980. Zvisinei, chakaita kuti vaIsraeri vawedzere nokukurumidza zvikuru ndechokuti vakaramba vachiwedzera kwenguva yakareba.

Bhaibheri pacharo rinotaura chimwe chikonzero chokuwedzera nokukurumidza kwevaIsraeri. VaIsraeri pavaiva muIjipiti pakanga paine zvokudya zvakakwana. Zviri pachena kuti panoitika nzara, vanhu vakawanda vanofa vachiri vaduku. Somugumisiro, hakuberekwi vana vakawanda munguva iyoyi. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti vaIsraeri vaiva nezvokudya zvakawanda. Mhuri yaJosefa payakasvika muIjipiti, Farao akaudza Josefa kuti: “Baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni.” (Genesi 47:6) Kunyange pashure pokunge vaIsraeri vava varanda vevanhu veIjipiti, zviri pachena kuti vaiva nezvokudya zvakakwana. Zvechokwadi, pashure pokusunungurwa kwavo muuranda, vaIsraeri vakayeuka zvingwa, hove, magaka, manwiwa, rikisi, hanyanisi, gariki, uye hari dzenyama zvavaidya pavaiva muuranda.—Eksodho 16:3; Numeri 11:5.

Muzana Rokutanga Remakore C.E.

Kudzidza nezvouwandu hwevanhu kunogona kutibatsirawo kunzwisisa Magwaro echiKristu echiGiriki. Somuenzaniso, patinoverenga murayiro waJesu waakapa vateveri vake ‘wokuita vanhu vamarudzi ose vadzidzi,’ tingabvunza kuti, ‘Basa iroro rokuparidza rakanga rakakura zvakadini?’ (Mateu 28:19) Vanhu vangani vaigara muUmambo hweRoma muzana remakore rokutanga? Vamwe vanofungidzira kuti vainge vari pakati pemamiriyoni 50 ne60. Kana zvainge zvakadaro, vaevhangeri ivavo vokutanga vechiKristu vaiva nebasa guru kwazvo!

Tikaramba tichiverenga Magwaro echiKristu echiGiriki, tinodzidza kuti muapostora Petro akashanyira Bhabhironi raiva kure kuti aparidze mashoko akanaka ikoko. (1 Petro 5:13) Nei akaenda kuBhabhironi? Mamwe mashoko ari muThe New Encyclopædia Britannica anojekesa izvi: “Nzvimbo dzaiva nevaJudha vakawanda idzo dzaiva kunze kweParesitina dzaiva muSiriya, Asia Minor, Bhabhironi, neIjipiti, imwe neimwe inofungidzirwa kuti yaiva nevaJudha vanenge 1 000 000.” Sezvo Petro akapiwa basa rokuparidza zvikurukuru kuvaJudha, zvinonzwisisika kuti aizoenda kuvanhu vechiJudha—kuBhabhironi. (VaGaratiya 2:9) Uye zvakwakanga kuine vaJudha ikoko, angangove aiva nendima yakakura!

Chii Chichaitika Mune Remangwana?

Sezvataona, vanodzidza nezvouwandu hwevanhu vanoda kuziva nezvedzimwe nhau dzevanhu vekare. Vanoti chii nezveremangwana? Mibvunzo inokosha iri kubvunzwa. Panyika pachava nevanhu vakawandisa here mumireniyamu ino? Hapana anonyatsoziva. Vachiona kuti uwandu hwevanhu vanoberekwa huri kuderera munyika dzinoverengeka, vamwe vatsvakurudzi vari kufungidzira kuti uwandu hwevanhu munyika yose hucharamba hwakadaro.

Zvisinei, hadzisi nyanzvi dzose dzinobvumirana nazvo. Bhuku rinonzi Population Today rinoti: “Nhasi, munyika yose kune mapoka maviri akasiyana okuwedzera kwouwandu hwevanhu: boka renyika dziya dzine vanhu vanobereka mwana mumwe chete kana vaviri nedziya dzinobereka vakawanda. Boka renyika dzine vanhu vanobereka vana vaviri kana kuti vashoma dzinosanganisira Europe, United States, Canada, Japan, uye shomanana dziri kusimukira nokukurumidza . . . Kusiyana neizvi, boka renyika dziri kuwedzera uwandu nokukurumidza dzinosanganisira zhinji dzomuAfrica, Asia, neLatin America, uko vanhu vanobereka vana vanopfuura vaviri. Munyika idzi, umo munogara vanhu vanopfuura hafu yevagari vepasi pose, vakadzi vanobereka vana vana paavhareji.”

Naizvozvo kunyange zvazvo uwandu hwevanhu hwaderera mune dzimwe nyika, hwakawedzera kana kuti hwakaramba hwakadaro mune dzimwe. Population Today inotaura muchidimbu nezvezvichaitika munguva yemberi ichiti: “Munyika dzichiri kusimukira, kuwedzera kwouwandu hwevanhu nokukurumidza hakusati kwaguma. Kuguma kwechokwadi, kwete kwokufungidzira, kuguma kwokuwandisa kwevanhu munyika yose kuchaenderana nokuti nyika dzichakurumidza sei kuita mapurogiramu okuderedza kufa kwevacheche, kudzidzisa vakadzi, uye kupa zvinhu zvinobatsira kuronga mhuri.”

Vanhu vari pasi pano vachapfuura nokure mabhiriyoni matanhatu aripo iye zvino here? Tichaona nokufamba kwenguva. Asi tinoziva kuti chinangwa chaMwari ndechokuti pasi rizare—kwete kuzarisa. (Genesi 1:28) Pane zvikonzero zvakanaka zvokuvimba kuti muUmambo hwaMwari, izvi zvichaitika.—Isaya 55:10, 11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Gare gare, urefu hwoupenyu hwevanhu hwakaderera kusvika pamakore 70 kana kuti 80, sezvakataurwa naMosesi munenge mugore ra1500 B.C.E.—Pisarema 90:10.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Vanhu vakapona paBoporodzi ndivo vava kupfuura mabhiriyoni matanhatu iye zvino munyika yose

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mumakore 215, vaIsraeri vashomanana vaiva muIjipiti vakawedzera kusvika anenge mamiriyoni matatu