Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Apo Kunenge Kusisina Munhu Achanzwa Kusurukirwazve

Apo Kunenge Kusisina Munhu Achanzwa Kusurukirwazve

Apo Kunenge Kusisina Munhu Achanzwa Kusurukirwazve

ZVAKANYORWA pana Genesi 2:18 zvinotaura kuti pakasikwa munhu wokutanga, “Jehovha Mwari akatizve: Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira.” Vanhu vakasikwa vachida kuva nevamwe uye kubatsirwa navo.

Jehovha Mwari pachake ndiye shamwari yakanakisisa yatingava nayo. Muapostora Pauro akabvuma kuti Jehovha ndiye “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Jehovha pachake anoshushikana nokutambura kuri kuita vashumiri vake. NdiMwari anonzwa urombo. “Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Haunzwi uchikweverwa kuna Jehovha Mwari uye uchionga kutitarisira kwaanoita norudo, mutsa uye kunzwisisa here?

Jehovha Anotsigira Vakasurukirwa

Kare vashumiri vaMwari vakawanda vakava nemamiriro ezvinhu akaita kuti vasurukirwe. Kwavari Jehovha ndiye aivatsigira nokuvanyaradza. Somuenzaniso, funga nezvaJeremia, akashevedzwa kuti ave muprofita achiri mukomana. Pavanyori veMagwaro vanenge 40, zvichida Jeremia ndiye akanyanya kutaura nezvemanzwiro aaiita. Paakapiwa basa rake rokutanga naMwari, aitya uye ainzwa sokuti haakwanisi. (Jeremia 1:6) Kuti aite basa racho, aitofanira kuvimba naJehovha zvizere. Chokwadi, Jehovha akava naye “semhare inotyisa.”—Jeremia 1:18, 19; 20:11.

Makore anenge 300 Jeremia asati avapo, Mambokadzi Jezebheri paakanzwa nezvokufa kwakanga kwaita vaprofita vake vaBhaari, akapika kuti aizoita kuti Eriya aurayiwe. Eriya akatizira kuHorebhi kuchitsuwa cheSinai, chaiva kure nemakiromita 450. Ari ikoko akapinda mubako kuti araremo, asi Jehovha Mwari akamubvunza kuti: “Unobateiko pano Eriya?” Eriya akatsanangura kuti aifunga kuti ndiye oga munamati waJehovha aiva muIsraeri yose, muprofita oga akanga asara akanga achishingairira basa raMwari. Jehovha akamuvimbisa kuti akanga asiri oga. Jehovha aiva naEriya, uye vamwe vake vaIsraeri 7 000 vaivawo naye, kunyange hazvo akanga asingazvizivi. Jehovha akanyaradza Eriya, uye akavaka kutenda kwake. Akakurudzira mwoyo waEriya, achikurudzira muprofita wacho kuti asarega basa rake. (1 Madzimambo 19:4, 9-12, 15-18) Kana isu tikazombonzwa tichisurukirwa kana kuti tisingabatsiri, sezvakaita Eriya, tinogonawo kunyengetera kuna Jehovha kuti atipe simba. Uyewo kana vakuru vechiKristu vakashandisa nzwisiso, vanogona kutaura zvinonyaradza kune vakatendeka, vachivabatsira kuti vaone basa ravo mukuitwa kwechinangwa chaMwari.—1 VaTesaronika 5:14.

Kubva mumienzaniso iyi nemimwewo, tinogona kunzwisisa kuti Jehovha anoda kutsigira uye kunyaradza zvine rudo vaya vanonzwa vakasurukirwa. Chokwadi, “Jehovha uchava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.”—Pisarema 9:9; 46:1; Nahumi 1:7.

Murume Aiva Nemanzwiro Akasimba Netsitsi

Jesu Kristu muenzaniso womumwe munhu anofanira kuyemurwa nokuda kwemanzwiro ake akanaka achitevedzera Jehovha. Ruka anotsanangura zvakaitwa naJesu paakasangana nomudungwe wemariro muguta reNaini, achiti: “Pakanga pane munhu akafa akatakurwa achibudiswa kunze, mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waamai vake. . . . Ishe paakaiona, akasiririswa nay[o], akati kwairi: ‘Rega kuchema.’ Naizvozvo akaswedera akabata hwanyanza, vakanga vakatakura vakamira, akati: ‘Jaya, ndinoti kwauri, Muka!’ Munhu wacho akanga akafa akagara akatanga kutaura, uye akamupa kuna amai vake.” (Ruka 7:12-15) Jesu akarwadziwa kwazvo. Aiva murume ainzwa tsitsi. Imbofungidzira mufaro uyo Jesu akaunzira chirikadzi yaiva yasurukirwa paakamutsa mwana wayo! Yakanga isisina kusurukirwa.

Tinogona kuvimbiswa kuti Jesu ndiye anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” Chokwadi anonzwira tsitsi vakarurama vanenge vakasurukirwa. Chokwadi, naye ‘tingawana ngoni uye tingawana mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.’ (VaHebheru 4:15, 16) Nokutevedzera Jesu, tinogona kunzwira tsitsi vaya vanoshungurudzika, vanotambura, uye vakasurukirwa. Kana tikabatsira vamwe, hatizonyanyi kusurukirwa. Asi pachine imwe nzira yatingabatsirwa nayo kuti tikurire manzwiro akaipa okusurukirwa.

Shoko raMwari Rinogona Kutibatsira Kuti Tikurire Kusurukirwa

Vakawanda vakawana kuti ‘nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tine tariro.’ Shoko raMwari rizere nezano rinoshanda ringatibatsira kukurira kusurukirwa. (VaRoma 15:4; Pisarema 32:8) Somuenzaniso, Shoko raMwari rinotirayira kuti ‘tisazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.’ (VaRoma 12:3) Kuti tishandise zano iri, zvingada kuti tigadzirise mafungiro edu. Kuzvininipisa uye kuva nomwero—kuva nemaonero akanaka pamusoro pezvatisingakwanisi kuita—kuchatibatsira kuti titarisire zviri pakati nepakati uye zvine musoro. Shoko raMwari rinotipawo zano rokuti tifarire vamwe nomwoyo wose. (VaFiripi 2:4) Izvi zvinoda kuti tishandire pamwe. Kana ukafarira vamwe uchiva nehanya navo, vachakufarirawo. Kuwadzana kwakanaka uku kunobatsira kuti tisanyanye kusurukirwa uye kunoita kuti upenyu hwedu huve nezvahunoreva.

Bhaibheri rinotikurudzira sevaKristu kuti ‘tisarega kuungana kwedu.’ (VaHebheru 10:24, 25) Naizvozvo ita zvinhu zvinobatsira, zvakadai sokugara uchipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Hapana mubvunzo kuti misangano yechiKristu inogona kubatsira kuti tirambe takasimba mukunamata, mupfungwa uye munyama yedu. Kutaura nevamwe nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari inzira inofadza yokuzadza upenyu hwedu nemabasa akanaka. Zvinoita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvakanaka, zvinosimbisa kutenda kwedu, uye zvinodzivirira tariro yedu.—VaEfeso 6:14-17.

Swedera pedyo naJehovha nokunyengetera. Dhavhidhi akakurudzira kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” (Pisarema 55:22) Nokudzidza Shoko raMwari, uchafara. (Pisarema 1:1-3) Kana ukakurirwa nemanzwiro okusurukirwa, fungisisa kutarisira kworudo kwaJehovha sezvinoziviswa muShoko rake. Munyori wePisarema akanyora kuti: “Mweya wangu unonamatira guruva; ndiponesei neshoko renyu.”—Pisarema 119:25.

Pakunenge Kusisina Munhu Achati, “Ndakasurukirwa”

Jehovha Mwari akativimbisa nyika itsva isina kuzvidya mwoyo, kushungurudzika, uye kufunga zvakaipa. Bhaibheri rinoti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Chokwadi, marwadzo omumuviri, epfungwa, ndemamwe ezvinhu izvozvo zvinotinetsa nhasi zvichapfuura.

Nyika ichange yazara nevanhu vane ushamwari, avo vachapfumisa upenyu hwedu. Jehovha achatirapa zvirwere zvedu zvose achishandisa Umambo hwake hwokudenga hunenge huchitungamirirwa naJesu kurapa nokusingaperi kusurukirwa kwedu. Achatipa zvinhu zvitsva uye zvakanaka zvokuita mupasi rinenge riri paradhiso. Zuva richakurumidza kusvika patisingazombotizve, “Ndakasurukirwa.”

[Mufananidzo uri pamapeji 8, 9]

Nokutsigirwa naJehovha hatizombonzwizve takasurukirwa, kunyange patinenge tiri toga

[Mifananidzo iri papeji 10]

Nhoroondo dzeBhaibheri dzaJeremia naEriya dzinotidzidzisei?