Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufunganya Kunoratidza Kusava Nokutenda Here?

Kufunganya Kunoratidza Kusava Nokutenda Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Kufunganya Kunoratidza Kusava Nokutenda Here?

“KUFUNGANYA HAKUBVUMIDZWI.” Pasi pomusoro uyu mumwe mufundisi akararama nechokwokutanga kwezana remakore rechi20 akanyora kuti kufunganya pamusoro pezvinhu zvenyama hakuna kungoipa chete asi “chivi chakakomba kwazvo.” Munguva pfupi yapfuura, mumwe munyori ainyora nezvenyaya yokukurira kunetseka uye kufunganya akati: “Kunetseka kuratidza kuti hativimbi naMwari.”

Vanyori vacho vakataura izvi vachizvitorera paMharidzo yaJesu yepaGomo, paakati: “Musafunganya.” (Mateu 6:25) Sezvo vakawanda kwazvo nhasi vachinetseka nokufunganya, tingabvunza kuti: MuKristu anofanira kunzwa aine mhaka pamusoro pokufunganya here? Kufunganya kunoratidza kusava nokutenda here?

Mwari Anonzwisisa Kuti Hatina Kukwana

Bhaibheri haridzidzisi kuti kusava nokutenda ndiko kunokonzera kufunganya kwose. Nokurarama kwatiri kuita mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” zvakaoma kuti tisambofunganya. (2 Timoti 3:1) VaKristu vakatendeka vanorarama nokufunganya kwezuva nezuva kunokonzerwa noutano husina kunaka, kukwegura, zvinetso zvemari, zvinetso zvemhuri, utsotsi, nezvimwewo zvinetso. Kunyange kare, vashumiri vaMwari vakatarisana nokutya uye kunetseka.

Chimbofunga nezvenhoroondo yomuBhaibheri yaRoti. Mwari akamurayira kuti atizire kumakomo kuti arege kuparadzwa paizoparadzwa Sodhoma neGomora. Zvisinei, Roti akatanga kufunganya. Akati: “Kwete, ishe wangu, regai kudaro.” Achizeza, akaenderera mberi achiti: “Asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.” Nei Roti aitya makomo? Bhaibheri haritauri. Chero chingava chikonzero chacho, Roti akatya kwazvo. Mwari akaita sei? Roti akarangwa here nokuda kwokusava nokutenda kana kuti kusavimba naMwari? Aiwa. Panzvimbo peizvi, Jehovha akanzwa chichemo chaRoti, akamubvumira kuti atizire kuguta raiva pedyo.—Genesi 19:18-22.

Pane mimwe mienzaniso yomuBhaibheri yevanamati vakatendeka vakambofunganya kwazvo pane dzimwe nguva. Muprofita Eriya akatya kwazvo ndokutiza pashure pokunge atyisidzirwa kuti aizourayiwa. (1 Madzimambo 19:1-4) Mosesi, Hana, Dhavhidhi, Habhakuki, Pauro, nevamwe varume nevakadzi vaiva nokutenda kwakasimba vakambofunganyawo. (Eksodho 4:10; 1 Samueri 1:6; Pisarema 55:5; Habhakuki 1:2, 3; 2 VaKorinde 11:28) Zvisinei, Mwari akavanzwira tsitsi akaramba achivashandisa mubasa rake, achibva aratidza kuti anonyatsonzwisisa vanhu vasina kukwana.

“Chivi Chinotipingirisha Nyore Nyore”

Zvisinei, kuramba tichifunganya kunogona kutinetesa, uye kungaita kuti tigume tisingachavimbi naMwari. Muapostora Pauro akataura nezvokusava nokutenda se“chivi chinotipingirisha nyore nyore.” (VaHebheru 12:1) Nokuzvibatanidza kwaakaita, pamwe Pauro aibvuma kuti aimbopotawo ‘achipiringishwa nyore nyore’ dzimwe nguva achimbonzwa kuneta mukutenda.

Zvichida izvi ndizvo zvakaitika kuna Zekariya paasina kudavira ngirozi yakamuudza kuti mudzimai wake aizova nepamuviri. Pane imwe nguva vaapostora vaJesu havana kukwanisa kurapa nokuda ‘kwokutenda kwavo kuduku.’ Zvisinei, vanhu ava vakaramba vachifarirwa naMwari.—Mateu 17:18-20; Ruka 1:18, 20, 67; Johani 17:26.

Asi Bhaibheri rinewo mienzaniso yevanhu vakarega kuvimba naMwari vakazopedzisira vava kutambura zvakakomba. Somuenzaniso, vaIsraeri vakawanda vakabva kuIjipiti vakarambidzwa kupinda muNyika Yakapikirwa nokuti vakanga vasina kutenda. Pane chimwe chiitiko vakatotaura vachipopotera Mwari, vachiti: “Makatibudisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane zvokudya, hapane mvura.” Mwari achiratidza kuti akanga asina kufara nazvo, akavaranga achishandisa nyoka dzaiva nouturu.—Numeri 21:5, 6.

Vagari vomutaundi rokumusha kwaJesu, Nazareta, havana kuwana ropafadzo yokuona zvishamiso zvakawanda zvichiitwa munharaunda yavo nokuti vakanga vasina kutenda. Uyezve, chizvarwa chakaipa chomuzuva iroro chakatukwa zvakasimba naJesu nokuti chakanga chisina kutenda. (Mateu 13:58; 17:17; VaHebheru 3:19) Zvakanga zvakakodzera kuti muapostora Pauro anyevere kuti: “Hama, chenjerai, nemhaka yokutyira kuti mune upi noupi wenyu mungamuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu.”—VaHebheru 3:12.

Zvechokwadi, muzviitiko zvishoma, kusava nokutenda kungakonzerwa nomwoyo wakaipa. Asi izvi hazvisizvo zvakaitika kuna Zekariya nevaapostora vaJesu vari mumienzaniso yambotaurwa. Kusava kwavo nokutenda kwakakonzerwa noutera hwenguva pfupi. Kakawanda mararamiro avo airatidza kuti vakanga “vakachena mumwoyo.”—Mateu 5:8.

Mwari Anoziva Zvatinoda

Magwaro anotibatsira kusiyanisa kufunganyawo zvakwo nechivi chokusava nokutenda. Kufunganya kwemazuva ose kana kuti kunyange kusava nokutenda kwenguva pfupi kunokonzerwa noutera hwevanhu hakufaniri kuvhiringidzwa nokusava nechivimbo muna Mwari zvachose kunokonzerwa nomwoyo wakaipa, usingatendi. Naizvozvo vaKristu havafaniri kuramba vachinetswa nokunzwa vaine mhaka nokuti vanombopota vachifunganya.

Kunyange zvakadaro, tinofanira kungwarira kuitira kuti kufunganya kusatikurira kwodzora upenyu hwedu. Ndokusaka mashoko aJesu ari ouchenjeri aakataura paakati: “Musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’” Akazowedzera nemashoko aya anonyaradza anoti: “Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:25-33.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Muapostora Pauro aimbofunganyawo