Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurira Kusurukirwa

Kukurira Kusurukirwa

Kukurira Kusurukirwa

KUKURIRA kusurukirwa hakusi nyore. Kunosanganisira manzwiro akasimba. Munhu angakurira sei kusurukirwa? Chii chakaitwa nevamwe kuti vakurire manzwiro aya akasimba?

Kukurira Kusurukirwa

Helen * anofarira kuva oga paanenge achiita zvimwe zvisarudzo, asi anofunga kuti kusurukirwa kunogona kuva nengozi. Paakanga achiri mwana, akanga asingakurukuri nevabereki vake. Asingazivi zvokuita kuti vamuteerere, aizvivharira mumba make. Anoti: “Ndakatanga kunetseka pakudya. Ndaikurirwa nokuora mwoyo. Ndaiti nechomumwoyo, ‘Nei ndichifanira kuzvinetsa nezvinetso zvevabereki vangu kana ivo vasingazvinetsi nezvangu?’ Ndakabva ndafunga kuti kuroorwa kwaizopedza kusurukirwa kwangu. Ndaida kuroorwa kuti ndisasurukirwe. Asi ndakazokurumidza kufunga kuti: ‘Nei ndichifanira kukanganisa upenyu hwomumwe munhu? Kutanga, ndinofanira kugadzirisa mafungiro angu!’ Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichikumbira kubatsirwa, ndichitaura zvose zvaindinetsa.

“MuBhaibheri, ndakawana mashoko anonyaradza kwazvo, akadai seari pana Isaya 41:10, anoti: ‘Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.’ Mashoko aya akandibatsira kwazvo nokuti ndainzwa sokuti ndakanga ndisina baba. Nhasi ndava kugara ndichiverenga Bhaibheri uye ndichinyengetera kuna Baba vangu vokudenga. Ndakadzidza kukurira kusurukirwa kwangu.”

Kufirwa nomudiwa kunosuruvarisa, izvo zvingaita kuti munhu asurukirwe. Luisa, ane makore 16, anotaura kushushikana kwaanoita, achiti: “Baba vangu vakaurayiwa pandaiva nemakore mashanu. Ndakaenda kuna ambuya vangu kuti vandinyaradze, asi handina kumbonzwa sokuti vaindida. Handina kumboratidzwa kuti ndaidiwa pandaiva muduku, pazvakanga zvakanyanya kukosha. Ndiri pakati pezera remakore 8 ne9, ndakaedza kuzviuraya katatu. Ndaifunga kuti zvaizonakira mhuri yedu nokuti amai vangu vaitamburira kupa ini nevakoma vangu vatatu zvokudya. Takabva tatanga kuwadzana neZvapupu zvaJehovha. Vamwe vechiduku vakaroorana vakandifarira nomwoyo wose. Vaindiudza kuti, ‘Tinokukoshesa uye tinokuda.’ Mashoko okuti ‘Tinokuda’ akandisimbisa kwazvo. Dzimwe nguva handigoni kutaura manzwiro angu kune mumwe munhu, asi pandinoverenga nyaya dzinobudiswa muNharireyomurindi kana kuti muMukai! ndinoonga Jehovha, nokuti pandinoverenga magazini aya, ndinonzwa kuti anondida. Ndakachinja zvinhu zvakawanda. Nhasi ndinogona kunyemwerera, uye ndinokwanisa kuratidza amai vangu kuti ndakasuruvara uye kuti ndiri kufara. Dzimwe nguva ndinomboyeuka zvakaitika kwandiri kare asi kwete sezvandaiita pandaiedza kuzviuraya kana kuti pandairega kutaura nevanhu vandinoda. Ndinogara ndichiyeuka zvakataurwa nomunyori wepisarema Dhavhidhi, kuti: ‘Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, ndichati zvino: Rugare ngaruve mukati mako.’”—Pisarema 122:8.

Martha ave akarambana nomurume wake kwemakore 22 apfuura, uye panguva iyi akarera mwana wake. “Pandinofunga kuti pane chandakatadza kuita, ndinotangazve kunzwa ndisingabatsiri chinhu uye kusurukirwa,” iye anodaro. Anokurira sei manzwiro aya? Anotsanangura kuti: “Ndakazoona kuti nzira yakanakisisa yokukurira manzwiro aya kubva ndatotaura naJehovha nezvawo. Pandinonyengetera, ndinoziva kuti handisi ndoga. Jehovha anondinzwisisa kupfuura kuzvinzwisisa kwandinoita. Ndinoedzawo kuwana nzira dzokufarira vamwe. Ushumiri hwangu hwenguva yakazara chombo chakasimba chokukurira nacho manzwiro asina kunaka. Paunotaura nevamwe nezvezvikomborero zvoUmambo hwaMwari, uchiona kuti vateereri vako havana kana tariro uye vachifunga kuti zvinetso zvavo zvicharamba zviripo, unoona kuti une zvikonzero zvakasimba zvokuda kurarama uye kuramba uchirwisa manzwiro aya akaipa.”

Elba, ane makore 93 uye anongova nomwana mumwe chete uyo ari kushumira somumishinari kune imwe nyika, anotiudza pamusoro pokuti anokurira sei kusurukirwa: “Mwanasikana wangu nomurume wake pavakakokwa kuti vazopinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, ndakaona zviso zvavo zvichipenya nomufaro, uye ndakafara navo. Gare gare, pavakapiwa mugove wokunoshumira kune imwe nyika, ndakatanga kumbonzwa udyire zvishoma. Ndaiziva kuti vakanga vasingacharambi vari pedyo neni, uye ndakasuruvara chaizvo. Zvakanga zvakaita sezviya zvaJefta nomwanasikana wake mumwe chete, zvinorondedzerwa muna Vatongi chitsauko 11. Ndaifanira kunyengetera kuna Jehovha ndichichema, ndichikumbira kuti andikanganwire. Vana vangu ava vanogara vachitaura neni. Ndinoziva kuti vakabatikana zvikuru, asi kwose kwavanenge vachishanda vari, vanotowana nguva yokundizivisa zvavanenge vachiita, vachindiudza zvavanenge vasangana nazvo muushumiri hwomumunda. Ndinodzokorora ndadzokororazve tsamba dzavo. Ndinonzwa sokuti vanotaura neni vhiki yoga yoga, uye izvozvo ndinozvitenda chaizvo. Uyewo, vakuru vechiKristu vari muungano yedu vanotarisira isu vakwegura nendonda zvakakodzera, vachiva nechokwadi chokuti tine chokufambisa kuenda kumisangano yeungano uye kutipawo zvimwe zvatinoda. Ndinoona hama dzangu nehanzvadzi sechikomborero chinobva kuna Jehovha.”

Iwewo Unogona Kukurira Kuora Mwoyo

Ungava uri muduku kana kuti wakura, usina kuroora kana kuroorwa kana kuti wakaroora kana kuroorwa, uri mwana ane vabereki kana kuti nherera uye ungava wakafirwa nevadiwa kana kuti une chimwe chinoita kuti usurukirwe, pane nzira dzokukurira nadzo manzwiro aunoita. Jocabed, mumwe musikana ane makore 18 ana baba vakatiza mhuri yavo yevana vatanhatu vachienda kune imwe nyika, anoti: “Taura! Zvinokosha kuti titaure manzwiro atinoita. Kana tikasadaro, hapana achatinzwisisa.” Anokurudzira kuti: “Usanyanya kufunga nezvako. Kumbira kuti vakura vakubatsire, kwete pwere dzingatova nemamiriro ezvinhu akaipa kupfuura ako.” Luisa ambotaurwa, anoti, “Kunyengetera kuna Jehovha zvinobva pamwoyo kunotipa rubatsiro rwatinoda kuti tibude mumamiriro ezvinhu akaoma zvakadaro.” Jorge, uyo akafirwa nomudzimai wake, anotaura nezvokukurira kwaanoita kusurukirwa, achiti: “Zvinoda kutsungirira. Kufarira vamwe kunondibatsira chaizvo. ‘Kunzwira vamwe urombo’ patinenge tichikurukura kunogona kuita kuti zvatinokurukura zvive nezvazvinoreva uye kunogona kutibatsira kuona unhu hwakanaka hwevamwe vanhu.”—1 Petro 3:8.

Pane zvinhu zvakawanda zvingaita kuti ukurire kusurukirwa. Asi pachazombova nezuva apo kusurukirwa kuchange kusisipozve here? Kana zvakadaro, izvi zvichaitika sei? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

“Kunyengetera kuna Jehovha zvinobva pamwoyo kunotipa rubatsiro rwatinoda kuti tibude mumamiriro ezvinhu akaoma zvakadaro.”—Luisa

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

Zvaunogona Kuita Kuti Ukurire Kusurukirwa

▪ Ziva kuti mamiriro ako ezvinhu anogona kuchinja, kuti hazvizorambi zvakadaro asi kuti zvinoitikawo kune vamwe.

▪ Usanyanya kutarisira zvakawandisa.

▪ Gutsikana nezvauri.

▪ Madyiro ako ngaave akanaka uye rovedza muviri, uye wana nguva yakakwana yokurara.

▪ Shandisa nguva yaunenge uri woga kuti uite zvinhu zvitsva uye udzidze unyanzvi hutsva.

▪ Ngwarira kuti usatonga vanhu vaunosangana navo uchitarisa pane zvakamboitika kwauri.

▪ Koshesa shamwari dzako nounhu hwadzo hwakasiyana-siyana. Edza kuva neshamwari dzakanaka. Kumbira vanhu vakura, vane ruzivo kuti vakupe pfungwa dzakanaka.

▪ Itira vamwe zvinhu—vanyemwerere, taura shoko romutsa, vaudzewo pfungwa inobva muBhaibheri. Kunzwa kuti unodiwa nevamwe mushonga wokusurukirwa.

▪ Usatambisa nguva uchifungidzira kuti ungangodanana nevatambi vane mukurumbira vomumabhaisikopo kana kuti vepaTV kana kuti vanhu vepaIndaneti kana kuti vomumabhuku.

▪ Kana wakaroora kana kuroorwa, usatarisira kuti mumwe wako agutse manzwiro ako ose. Dzidza kushandira pamwe, kurega zvimwe zvinhu zvichipfuura, kubatsirana uye kutsigirana.

▪ Dzidza kutaura nevamwe uye kuva muteereri akanaka. Funga nezvevamwe vanhu nezvezvavanofarira. Nzwira vamwe tsitsi.

▪ Bvuma kuti wakasurukirwa, uye taura neshamwari yakura, munhu waunovimba naye. Usatambura chinyararire.

▪ Usanyanya kunwa doro, kana kuti usatomborinwa. Doro haripedzi zvinetso zvako—nokufamba kwenguva zvinongodzokazve.

▪ Rega kudada. Kanganwira vaya vakakurwadzisa, uye gadzirisa ukama hwako navo. Rega kunyanya kuda kuzvidzivirira.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Munhu angakurira sei kusurukirwa?