Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Mukomana Wangu Achindibata Zvakaipa Kudai?

Nei Mukomana Wangu Achindibata Zvakaipa Kudai?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Mukomana Wangu Achindibata Zvakaipa Kudai?

“[Mukomana wangu] anowanzondipomera zvinhu zvisina nomusoro wose. Asi mumwoyo mangu ndinonzwa ndichimuda kwazvo.”—Kathrin. *

“Kunze waisamboona [maronda], asi mumwoyo zvairwadza kwazvo.”—Andrea, uyo akadirwa mbama nomukomana wake.

ZVINOITIKA kakawanda ndeizvi: Musikana wechiduku anodanana nomukomana wechiduku anoratidza seane tsika uye anokwezva zvikuru. Asi mukomana wacho anotanga kuchinja zvishoma nezvishoma. Mashoko orudo anotsiviwa nokutsvinya kunorwadza uye kutsoropodza kunozvidza. Pakutanga, musikana wacho haamboiti basa nazvo anongozvitora semajee orudo. Zvisinei, zvinhu zvinoramba zvichiipa kusvikira wava muitiro wokutuka, kupopota uye kutaura kwokuzvidemba. Achinzwa sokuti ndiye ane mhosva, musikana uyu anongonyarara, achitarisira kuti zvinhu zvichachinja. Asi hazvichinji. Mukomana wake zvino anotanga kupopota. Pane imwe nguva kana afufutirwa nehasha, anotomusairira! Musikana wacho ave kutyira kuti nguva inotevera acharohwa. *

Vakomana nevasikana vanenge vachidanana asi vachigara vachirwisana kana kutukana vangagara vachitsoropodzana, vachitaurirana mashoko anorwadza, uye vachiitirana hasha. Iwe uri mumamiriro ezvinhu akadaro here? (Ona bhokisi rinoti “Zvimwe Zviratidzo Zvinonyevera.”) Kana zvakadaro, ungava uchinetseka kwazvo uye uchinyara zvokuti hauchazivi chokuita.

Zvinhu zvakadai zvakajairika zvaungasafungira. Vanotsvakurudza zvinoitika vanofungidzira kuti munhu mumwe chete pavashanu akamboitirwa chisimba paaidanana nomumwe wake. Kana kutuka kukanziwo rudzi rwechisimba, kufungidzira uku kunokwira kusvika pa4 mu5. Kusiyana nemafungiro anoita vakawanda, vanoitirwa chisimba ichi havasi vanhukadzi chete. Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa kuBritain kwechisimba chevanodanana, “varume nevakadzi vakada kuenzana muuwandu” vakataura kuti vanodanana nomunhu anoita zvechisimba. *

Nei zvakaipa izvi zvichiitika mukudanana? Unofanira kuitei kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro?

Kuva Nemaonero aMwari

Kutanga, unofanira kuziva kuti mukuona kwaMwari zvinhu zvakadaro zvakaipa sei. Ichokwadi kuti vanhu vasina kukwana vanogona kutaura uye kuita zvinhu zvinorwadzisa vamwe. (Jakobho 3:2) Ichokwadiwo kuti kunyange vanhu vanodanana uye vanovimbana vanomboitiranawo nharo. Somuenzaniso, muapostora Pauro naBhanabhasi vaiva vaKristu vakakura mumudzimu. Asi pane imwe nguva ‘vakatsamwirana kwazvo.’ (Mabasa 15:39) Saka kana uine wauri kudanana naye, pano neapo mungasawirirana.

Uyezve, kungava kuzvinyepera kutarisira kuti mukomana wako haazombofi akataura shoko rimwe rakaipa. Pamusoro pazvo, muri kufunga nezvokuzoroorana. Uye kana akavhiringidzwa nohumwe unhu kana kuti maitiro ako, harusi rudo here kuti azvitaure newe? Chokwadi, kutsoropodzwa kunorwadza. (VaHebheru 12:11) Asi kana kuchikonzerwa uye kuchiitwa norudo, hakusi kutuka.—Zvirevo 27:6.

Zvisinei, kupopota, kurova mbama, kurova zvibhakera kana kuti kutuka, inenge yatova nyaya yakasiyana. Bhaibheri rinoshora “hasha, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa.” (VaKorose 3:8) Kana munhu akashandisa “simba” kuti anyadzise, atyisidzire, kana kuti adzvinyirire vamwe, Jehovha anoshatiriswa nazvo. (Muparidzi 4:1; 8:9) Kutaura zvazviri, Shoko raMwari rinorayira varume kuti “vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo . . . , nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoidyisa uye anoitarisira. (VaEfeso 5:28, 29) Murume anotuka kana kuti kubata zvisina kunaka mukadzi waari kudanana naye anoratidza kuti haana kukodzera kuroora. Uye anozvivengesawo naJehovha!

Haisi Mhosva Yako!

Asi vanonetsa ava vanowanzopomera vavanonetsa. Saka pamwe unombofunga kuti imhosva yako kuti mukomana wako anoshatirwa zvakadaro. Asi hasha dzake dzingadaro dzisingakonzerwi newe. Kakawanda varume vanonetsa vakarererwa mumhuri umo kushandisa chisimba kana mashoko asina kunaka zvaionekwa sezvinhu zvinogamuchirwa. * Mune dzimwe nyika vakomana vechiduku vanofurirwa netsika yakajairika yokuti varume vanotarisirwa kuva vadzori. Vezera rake vangakurudzirawo mukomana wechiduku kuti aite somurume. Asingazvivimbi, anganzwa sokuti uri kuda kumudzora pazvinhu zvinenge zvose zvaunotaura kana kuti kuita.

Chero zvazvingava, hausiwe une mhosva yokushatirwa kwomumwe munhu. Kutaura zvakaipa nechisimba hazvimbopembedzwi.

Kuchinja Mafungiro Ako

Kunyange hazvo usiriwe une mhosva, ungada kugadzirisa maonero aunoita zvinhu. Sei? Funga nezveizvi, kana musikana akakura achiona chisimba uye achinzwa kutaura kusina kunaka, kwaari, kubatwa zvisina kunaka kungava zvinhu zvakajairika. Pane kusema maitiro akadaro asiri echiKristu, angatsungirira—pamwe zvichitomunakidza. Chokwadi, vamwe vakabatwa zvisina kunaka vanobvuma kuti havafariri varume vane unhu hwakanaka zvikuru. Vamwe vasikana vanotambura vachifungidzira kuti vanogona kuchinja vakomana wavo.

Kana izvi zviri izvo zviri kuitika kwauri, unofanira ‘kushandurwa nokuvandudza pfungwa dzako’ munyaya iyi. (VaRoma 12:2) Nokunyengetera, kudzidza, uye kufungisisa, unofanira kuona mufambiro usina kunaka semaonero anoita Jehovha wouona sechinhu chinosemesa. Unofanira kunzwisisa kuti haufaniri kubatwa zvisina kunaka. Kuva nomwero—kuziva paunogumira—kungakubatsira kuziva kuti hauna simba rokuchinja mukomana ane hasha. Mutoro wake iye kuchinja!—VaGaratiya 6:5.

Dzimwe nguva vasikana vanotsungirira kubatwa zvisina kunaka nokuti vanonzwa vasingakoshi. Kathrin ataurwa pokutanga, anoti, “Handifungi kuti ndingararama ndisinaye, uye handifungi kuti pane mumwe ari nani.” Mumwe musikana anonzi Helga anotiwo nezvomukomana wake, “Ndinorega achindirova nokuti kunyange zvakadaro zviri nani pane kunge usina mukomana.”

Maonero akadaro anonzwika senheyo youkama huchabudirira here? Kutaura zvazviri, ungakwanisa kuda mumwe munhu here kana iwe pachako usingakwanisi kuzvida? (Mateu 19:19) Edza kuzviremekedza nenzira yakakodzera. * Kutsungirira kubatwa zvisina kunaka hakusi kuzokubatsira kuita izvozvo. Sokuziva kunoita musikana anonzi Irena, kutsungirira kubatwa zvisina kunaka kunga“kutorera kuzviremekedza kwose.”

Kutarisana Nechokwadi

Zvingava zvakaomera vamwe kuti vabvume kuti ukama hwavo hahuna kunaka kunyanya kana vachinzwa vachida munhu iyeye. Asi usavhara maziso ako kuti asaona chokwadi. Chimwe chirevo chomuBhaibheri chinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvirevo 22:3) Mumwe musikana anonzi Hanna anoyeuka kuti: “Paunodanana nomukomana, unenge wakaita sebofu, uye unongoona unhu hwake hwakanaka chete.” Zvisinei, kana uri kubatwa zvisina kunaka, zvinokosha kuti umuone sezvaari chaizvo. Uye kana mukomana wako achiita kuti unzwe uchitya, kana kuti achikutarisira pasi, pane chimwe chinhu chisina kunaka. Usaedza kuzvimanikidza zvausingadi, usamupembedza, kana kuzvipa mhosva. Zvakaitika zvinoratidza kuti kana kubata zvakaipa kukasagadziriswa, kucharamba kuchingowedzera. Kuchengeteka kwako kunogona kunge kuri pangozi!

Chokwadi, zvingava zvakanaka kusadanana nomunhu asingazvidzori. (Zvirevo 22:24) Saka kana mumwe munhu wausinganyatsozivi achikuda, zvakanaka kumbotanga waziva nezvake. Unodii kumukurudzira kuti mutange kuonana muine vamwe? Izvi zvingakupa mukana wokuti umuzive usati wakurumidza kumuda. Zvibvunze mibvunzo inokosha, yakadai sokuti: Shamwari dzake ndivanaani? Anofarira nziyo, mabhaisikopu, mitambo yepakombiyuta, nemitambo zvorudzii? Zvaanotaura zvinoratidza kuti anofarira zvinhu zvokunamata here? Taura nevanhu vanomuziva, vakadai sevakuru vomuungano yake. Vachakuudza kana achi“pupurirwa zvakanaka kwazvo” nevamwe nokuda kwomufambiro wake wakanaka uye unotenderwa naMwari.—Mabasa 16:2.

Asi kana wava kutodanana nomunhu anokubata zvisina kunaka ungaitei? Nyaya ichatevera ichakurukura mubvunzo uyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 5 Nyaya iyi iri kutaura nezvevanhu vanotukwa uye vanorohwa. Zano ringabatsira vaya vanoita mhosva idzi rakapiwa munyaya dzaiti “Kubva Kumashoko Anokuvadza Kuenda Kumashoko Anoporesa” uye “Kudheerera—Kunokuvadzei?” mumagazini yedu yaNovember 8, 1996, neyaApril 8, 1997.

^ ndima 7 Zvisinei, kuti zvive nyore, tichataura nezvevanobatwa zvisina kunaka sevanhukadzi. Zvinokurukurwa munyaya ino zvinoshanda kuvarume nevakadzi.

^ ndima 14 Ona nyaya inoti, “Kuwana Mavambo Okutuka,” mumagazini yedu yaNovember 8, 1996.

^ ndima 20 Ona chitsauko 12 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 32]

Zvimwe Zviratidzo Zvinonyevera

▪ Anowanzotaura zvokushora nezvako, mhuri yako, kana kuti shamwari dzako, pangava pamunenge muri moga kana kuti paine vamwe

▪ Anowanzoita seasina kunzwa zvaunoda kana kuti manzwiro ako

▪ Anoedza kudzora zvose zvaunoita muupenyu hwako, achingoomerera kuti anoda kuziva kwaunenge uri nguva dzose uye achikuitira zvisarudzo zvose

▪ Anokupopotera, kukusundidzira, kana kuti kukutyisidzira

▪ Anoedza kukumanikidza kuti uratidze kuti unomuda nenzira dzisina kunaka

▪ Hapana chaunokwanisa kuita usinganetseki kuti hazvizomushatirisi here

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kugara uchitsoropodzwa uye kutukwa zvingaratidza kuti ukama hahuna kunaka