Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vakawanda Kwazvo Vachibatwa Nefivha Inokonzerwa Nouswa?

Nei Vakawanda Kwazvo Vachibatwa Nefivha Inokonzerwa Nouswa?

Nei Vakawanda Kwazvo Vachibatwa Nefivha Inokonzerwa Nouswa?

Nomunyori weMukai! kuSpain

MAZISO ako ari kuvava uye kubuda misodzi, unoswera uchingohotsira, mhino dzako dzinoramba dzichingochururuka, uye unonetseka pakufema. Chii chiri kuitika? Ungadaro une dzihwa. Asi kana zvinhu izvi zvichiitika paunenge wakapoteredzwa nomukume wemaruva, zvingangodaro kuti unenge une chirwere chinokonzerwa nouswa. Kana zvakadaro, hausiwe woga. Nhamba yevanhu vanonzi vanorwara nefivha inokonzerwa nouswa inoramba ichiwedzera gore roga roga.

“Fivha inokonzerwa nouswa inongova zvinoita muviri wedu zvakapfuura mwero kana pane chinhu chaunonzwa sokuti chinokuvadza,” inodaro magazini inonzi Mujer de Hoy. “Simba rokuzvidzivirira revanhu vane zvisingapindirani nemiviri yavo rinoramba zvinhu zvose zvarinofunga kuti hazvisi zvomumuviri—kusanganisira mukume—kunyange hazvo izvi zvisina ngozi.” Uye simba rokuzvidzivirira romuviri parinoshanda zvinopfuura mwero kudaro, rinoita kuti pazova nezviratidzo zvinonetsa zvambotsanangurwa pakutanga.

Muna 1819, chiremba wokuEngland anonzi John Bostock akarondedzera fivha inokonzerwa nouswa. Ndiye akatanga kuita izvozvo. Bostock akanyora zvaiitika kwaari mumwaka wacho zvaimunetsa. Aifunga kuti zvinhu izvi zvaikonzerwa nouswa hunenge huchangobva kuchekwa, saka chirwere chacho chakanzi fivha inokonzerwa nouswa. Kwapera nguva yakati zvakazozivikanwa kuti mikume yakasiyana-siyana ndiyo inoita kuti miviri yedu iratidze kuti haipindirani nezvimwe zvinhu. Pakutanga kwezana remakore rechi19, muEngland yose Bostock akawana vashomanana vaiva nefivha inokonzerwa nouswa.

Saka, nei nhasi kune vakawanda kwazvo vane fivha inokonzerwa nouswa? Dr. Javier Subiza, mukuru mukuru weCenter for Asthma and Allergies kuMadrid, Spain, anotaura pfungwa mbiri dziri kuongororwa nevatsvakurudzi. Imwe pfungwa yacho inoti mainjini edhiziri ndiwo anokonzera fivha inokonzerwa nouswa. Zvinofungidzirwa kuti tunhu tunobva muutsi hwedhiziri tunogona kuita kuti zvinhu zvinoratidza kuti muviri haupindirani nezvimwe zvinhu zvivepo. Maererano nenyanzvi yezvinhu zvinoratidza kuti muviri haupindirani nezvimwe zvinhu, Dr Juan Kothny Pommer, “munyika dzakabudirira, fivha inokonzerwa nouswa inobata vanhu vanenge 20 muzana vanogara imomo, kunyanya mumaguta.”

Pfungwa yechipiri inoti zvinongokonzerwa noutsanana hwakanyanyisa. ‘Tinozvarirwa muimba dzechipatara dzakadzivirirwa pazvirwere, tinodya zvokudya zvinodzivirirwa pautachiona, tinobayiwa majekiseni kuti tidzivirirwe pazvirwere zvakawanda, uye kana tikangorwara tinokurumidza kunwa mishonga inorwisa mabhakitiriya. Saka kubvira paucheche simba redu rokuzvidzivirira pazvirwere rinenge riine zvinoita kuti muviri uratidze kuti haupindirani nezvimwe zvinhu,’ anotsanangura kudaro Dr. Subiza.

Kana uchirwara nechirwere ichi, usaora mwoyo! Kana chikazivikanwa zvakakodzera uye chikarapwa, zvinoita kudzora uye kuderedza kusimba uye uwandu hwezviratidzo zvinovhiringidza zvefivha inokonzerwa nouswa.