Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Isina Zvirwere

Nyika Isina Zvirwere

Nyika Isina Zvirwere

“Nyika dzose dzinofanira kubatana uye dziine chido chokushanda pamwe chete kuti dzive nechokwadi chokuti vanhu vose varapwa zvakafanira, sezvo dzimwe nyika dzichibatanidzwawo uye dzichibatsirwa kana vanhu vomune imwe nyika vakava noutano hwakanaka.”—ALMA-ATA DECLARATION, SEPTEMBER 12, 1978.

MAKORE MAKUMI MAVIRI NEMASHANU apfuura, zvaiita sokuti vavariro yokuti munhu wose arapwe zvakafanira yaigona kubudirira. Nhume dzakakokwa kumusangano wePrimary Health Care, dzakaungana muAlma-Ata, mune yava kunzi Kazakhstan, dzakasarudza kuti vanhu vose vabayiwe kuti vadzivirirwe pazvirwere zvikuru zvinotapukira paizosvika gore ra2000. Dzaitarisirawo kuti mugore iroro, munhu wose ari panyika aizowana zvinhu zvinodiwa kuchengetedza utsanana uye mvura yakachena. Nyika dziri muWorld Health Organization (WHO) dzakasaina chibvumirano chacho.

Chokwadi vavariro yacho yakanga yakakodzera kurumbidzwa, asi zvakazoitika zvacho zvinoodza mwoyo. Utano hwakafanira hahusi kuwanika nevanhu vose, zvirwere zvinotapukira zvichiri kubata mabhiriyoni evanhu panyika. Zvirwere izvi zvinouraya zvinowanzobata vana pamwe chete nevakuru vachine simba rokushanda.

Kunyange dambudziko rezvirwere zvitatu zvinoti AIDS, tibhii, nemarariya hazvina kumanikidza nyika “kubatana uye dziine chido chokushanda pamwe chete.” Sangano rakanga richangobva kuumbwa reGlobal Fund to Fight AIDS, Tuberculosis and Malaria rakakumbira hurumende mari inokwana mabhiriyoni US$13 (Z$54 665 000 000 000) kuti ribatsire kurapa zvirwere izvi. Zvisinei, pakasvika chirimo cha2002, mari inongoti pfuurei mabhiriyoni maviri emadhora okuAmerica (Z$8 410 000 000 000) ndiyo yakanga yapiwa—gore iroro, mari yakapedzerwa mune zvehondo yakasvika mabhiriyoni anenge US$700 (Z$2 943 500 000 000 000)! Zvinosuruvarisa kuti munyika yanhasi isina kubatana, zvirwere zvishomanana ndizvo zvinogona kubatanidza vanhu vamarudzi ose kuti vave nechinangwa chimwe chete.

Kunyange zvazvo vanoona nezvoutano vaine vavariro dzakanaka, havagoni kuita zvakawanda pakurwisa zvirwere zvinotapukira. Hurumende hadzingakwanisi kupa mari inokwana. Mishonga yakawanda haichaurayi utachiona, uye vanhu vari kuramba vachida mararamiro ane ngozi. Uyezve, zvinetso zvomunzanga zvakadai sourombo, hondo, uye nzara zvinoita kuti mamiriyoni evanhu atapukirwe noutachiona.

Mwari Anofarira Utano Hwedu

Pane nzira yokugadzirisa nayo zvinetso zvezvirwere. Tine uchapupu huri pachena hwokuti Jehovha anofarira chaizvo utano hwevanhu. Gadziriro iri mumiviri yedu inodzivirira zvirwere uchapupu hunoshamisa hwokuti ane hanya. Mitemo yakawanda yakapiwa vaIsraeri vekare naJehovha yakaratidza chido chake chokuvadzivirira pazvirwere zvinotapukira. *

Jesu Kristu, uyo anoratidza unhu hwaBaba vake, anonzwirawo tsitsi vanorwara. Evhangeri yaMako inorondedzera kusangana kwakaita Jesu nomunhu airwara nemaperembudzi. “Kana muchida henyu,” akadaro aiva nemaperembudzi wacho, “munogona kundiita kuti ndichene.” Jesu akanzwa tsitsi kwazvo paakaziva kuti murume uyu aitambura uye aitsungirira marwadzo. “Ndinoda,” Jesu akapindura kudaro. “Cheneswa.”—Mako 1:40, 41.

Zvishamiso zvaJesu zvokuporesa hazvina kungoitirwa vanhu vashomanana. Munyori weEvhangeri Mateu anonyora kuti Jesu “akapota neGarireya yose, achidzidzisa . . . nokuparidza mashoko akanaka oumambo uye achirapa hosha dzorudzi rwose noundonda hworudzi rwose pakati pevanhu.” (Mateu 4:23) Kuporesa kwake hakuna kungobatsira vanhu vairwara veJudhiya neGarireya chete. Kurapa ikoko kunofanotiratidza kuti zvirwere zvemarudzi ose zvichazopera sei apo Umambo hwaMwari, hwakaparidzwa naJesu, huchatonga vanhu pasina anohupikisa.

Utano Hwakanaka Hwenyika Yose Hakusi Kurotawo Zvako

Bhaibheri rinotivimbisa kuti utano hwakanaka hwenyika yose hakusi kungorotawo zvako. Muapostora Johani akafanoona nguva apo ‘tende raMwari raizova nevanhu.’ Nemhaka yezvichaitwa naMwari, “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Izvozvo zvakanyanya kunaka zvokuti hazvidaviriki here? Mundima inotevera, Mwari pachake anozivisa kuti: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:3-5.

Chokwadi, kuti zvirwere zvipere zvinoda kuti urombo, nzara, uye hondo zvipere, sezvo matambudziko aya achifambidzana noutachiona hunotapukira. Naizvozvo, Jehovha anopa basa iri rakakura kuUmambo hwake, hurumende yokudenga inotongwa naKristu. Achipindura mamiriyoni eminyengetero yomwoyo wose, Jehovha achaunza hurumende iyi, uye ichava nechokwadi chokuti kuda kwaMwari kwaitwa pasi pano.—Mateu 6:9, 10.

Tingatarisira kuti Umambo hwaMwari huuye rini? Achipindura mubvunzo iwoyo, Jesu akafanotaura kuti nyika yaizoona zvinhu zvinotevedzana zvinokosha zvaizopa chiratidzo chokuti Umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuita chiito. Akati chimwe chezvinhu izvi chaizova kutanga ‘kwenhenda munzvimbo nenzvimbo.’ (Ruka 21:10, 11; Mateu 24:3, 7) Shoko rechiGiriki rokuti ‘denda’ rinoreva “chirwere chipi nechipi chinotapukira chinouraya.” Chokwadi muzana remakore rechi20 makava nenhenda dzinotyisa, pasinei nokufambira mberi kwose kwesayenzi yezvokurapa.—Ona bhokisi rinoti “Nzufu Dzakakonzerwa neDenda Kubvira Muna 1914.”

Uprofita huri mubhuku raZvakazarurwa, hune mashoko akafanana neaJesu omuEvhangeri, hunoratidza vatasvi vemabhiza vanoverengeka vaina Jesu paanotanga kutonga kudenga. Mutasvi webhiza wechina anotasva “bhiza rakachenuruka,” uye somugumisiro anoita kuti pave ne“nedenda rinouraya.” (Zvakazarurwa 6:2, 4, 5, 8) Kumbotarisa uwandu hwezvimwe zvirwere zvikuru zvinotapukira kubvira muna 1914 kunoratidza kuti mutasvi webhiza wokufananidzira uyu zvechokwadi ave akatasva bhiza iri. Kutambura kuri kuita nyika yose ne“denda rinouraya” kunoratidzazve humwe uchapupu hwokuti kuuya kwoUmambo hwaMwari kwava pedyo. *Mako 13:29.

Kunyange zvazvo sayenzi yakabudirira kuita kuti zvirwere zvinotapukira zvisanyanya kupararira kwemakumi mashomanana emakore, kutanga kwezvirwere zvitsva kwava kutityisidzira. Zviri pachena kuti tinoda simba rinopfuura romunhu kuti chinetso ichi chigadziriswe zvachose. Musiki wedu anopikira kuti achaita izvozvo chaizvo. Muprofita Isaya anotivimbisa kuti muUmambo hwaMwari, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Uyezve, “[Mwari ucha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8; 33:22, 24) Panosvika zuva iroro, zvirwere zvichange zvapera zvachose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mutemo waMosesi waiva nemirayiridzo ine chokuita nokuraswa kwetsvina, zvinhu zvinodiwa kuchengetedza utsanana, uye kuiswa kwako woga kana uchirwara. Dr. H. O. Philips akataura kuti “nhau dzepabonde nokubereka kwevanhu, kubatwa kwezvirwere, kurapwa, uye mishonga inodzivirira sokutaurwa kwazvinoitwa muBhaibheri zviri nani zvikuru uye zvinovimbika kupfuura zvakadzidziswa naHippocrates.”

^ ndima 15 Kana uchida kuziva zvimwe zviratidzo zvinoratidza kuti kuuya kwoUmambo hwaMwari kwava pedyo, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 28]

Nzufu Dzakakonzerwa neDenda Kubvira Muna 1914

Nhamba idzi ndedzokungofungidzira. Zvisinei, dzinoratidza mwero uyo denda rakanyangira vanhu kubvira muna 1914.

Chibhokisi (mamiriyoni ari pakati pe300 ne500) Hapana mushonga wechibhokisi unoshanda wakanga wambowanikwa. Purogiramu yokubaya nhomba yomunyika yose yakazobudirira kubvisa chirwere chacho pakasvika 1980.

Tibhii (mamiriyoni ari pakati pe100 ne150) Iye zvino tibhii inouraya anenge mamiriyoni maviri gore roga roga, uye anenge munhu mumwe chete pavanhu vatatu munyika ane tibhii.

Marariya (mamiriyoni ari pakati pe80 ne120) Muhafu yokutanga yezana remakore rechi20, nzufu dzaikonzerwa nemarariya dzakaramba dziri mamiriyoni anenge maviri pagore. Iye zvino vakawanda vanofa ndevokurutivi rweAfrica ruri kumaodzanyemba kweSahara, uko marariya ichiri kuuraya vanhu vanopfuura miriyoni imwe gore negore.

Furuwenza yeSpain (mamiriyoni ari pakati pe20 ne30) Vamwe vanyori venhau dzakaitika vanoti pakafa vanhu vakawanda kwazvo. Chirwere ichi chinouraya chakapararira munyika muna 1918 na1919, hondo yenyika yokutanga ichangopera. “Kunyange denda rebubonic harina kukurumidza kuuraya vanhu vakawanda zvakadaro,” rinodaro bhuku rinonzi Man and Microbes.

Typhus (anenge mamiriyoni 20) Chirwere chetyphus ichi chaiwanzoitika munguva yehondo, uye hondo yenyika yokutanga yakaita kuti denda retyphus riparadze nyika dziri kuEastern Europe.

AIDS (anopfuura mamiriyoni 20) Iye zvino denda iri rava kuuraya vanhu mamiriyoni matatu gore roga roga. Zvinofungidzirwa nevepurogiramu yeAIDS yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose zvinoratidza kuti “kana pakasaedzwa zvakasimba kudzivirira uye kurapa, vanhu mamiriyoni 68 vachafa . . . pakati pa2000 na2020.”

[Mifananidzo iri papeji 27]

MuUmambo hwaMwari, zvirwere zvakaita seizvi hazvizotyisizve

AIDS

Marariya

Tibhii

[Kwazvakatorwa]

AIDS: CDC; marariya: CDC/Dr. Melvin; TB: © 2003 Dennis Kunkel Microscopy, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Jesu akarapa zvirwere zvemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose