Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Amai Vakangwara

Amai Vakangwara

Amai Vakangwara

Amai vakangwara uye vanotarisira zvinodiwa nevana vavo vanoedza nepavanogona napo kuti vavape zvokudya zvinovaka muviri. Vanoshingairawo saizvozvo kuti vavape zvokudya zvomudzimu.

Nguva pfupi yapfuura, mumwe mukadzi wokuBrazil, anonzi Lindacir, akanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romunyika iyoyo achionga bhuku rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? “Bhurocha racho rakandifadza zvikuru,” akanyora kudaro mukadzi wacho. “Pandaingotarisa hangu chidzidzo chinotaura pamusoro pemiitiro inovengwa naMwari, ndakabva ndaona kuti ndaifanira kutaura mashoko aya anokosha nevana vangu—vasikana vaviri, mumwe ane makore 10 mumwe 11, uye mukomana ane makore mashanu.” Akawedzera kuti: “Zvechokwadi zvinokosha kuva nemabhuku akadai kuti ndidzidzise mhuri yangu zvinodiwa naMwari!”

Akakumbirawo mamwe mabhuku eBhaibheri. Kana iwewo uine nzara yezvokudya zvomudzimu, zvako iwe pamwe nenhengo dzemhuri yako, unogona kuwana bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Ingozadzisa kopani riri pasi apa woritumira kukero inoratidzwa pakopani racho kana kuti kukero yakakodzera iri papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.