Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’

‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’

‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’

“Zvaiita sokuti ndakangomuka rimwe zuva zvinhu zvose zvachinja. Zvaiita sokuti ndakanga ndiri munhu akasiyana aiva mumuviri wakasiyana.”—Sam.

KUYARUKA chii? Kutaura zviri nyore, inguva youpenyu iri pakati pokuva mwana nokuva munhu mukuru. Inguva yaunochinja zvinoshamisa—mumuviri, mupfungwa uye kunyange mumagariro ako nevamwe. Mune imwe pfungwa, kutanga nguva yokuyaruka kunonakidza. Pamusoro pazvo, zvinoreva kuti uri kuenda kunova munhu mukuru. Asiwo, unotanga kunzwa zvakasiyana panguva iyi youpenyu, uye zvimwe zvacho zvinogona kunge zvichivhiringidza—kunyange kutotyisa.

Zvisinei, haufaniri hako kutya kuyaruka. Chokwadi, kune nhamo dzakwo. Asi kunoitawo kuti pave nomukana wakaisvonaka wokuti uchinje kuva munhu mukuru zvinonakidza. Ngationei kuti izvi zvingaitika sei—kutanga, nokuongorora zvimwe zvinetso izvo vari kuyaruka vanosangana nazvo.

Kutanga Kwokuchinja

Munguva yokuyaruka, muviri wako unochinja uchigadzirira kuti ukwanise kubereka. Kuchinja uku kwokuyaruka, kunotora makore kuti kupere, uye hakuchinji nhengo dzako dzokubereka nadzo chete, sezvatichaona.

Vasikana vanowanzotanga kuchinja vava pakati pemakore 10 ne12, nepo vakomana vakawanda vachitanga vava pakati pemakore 12 ne14. Zvisinei, vamwe vangakurumidza kana kunonoka, zvichienderana nomunhu wacho. Maererano neThe New Teenage Body Book, “munhu mumwe nomumwe ane nguva yake oga inoratidza kuti ave kuchinja kuti achiyaruka.” Rinowedzera kuti: “Nguva yokuchinja uku inosiyana-siyana.” Saka hapana chinenge chakanganisika kana ukatangira vezera rako pakuchinja uku, kana kuti vakakutangira.

Pose pakuchatanga, kunogona kuchinja chitarisiko chako, manzwiro aunoita, uye maonero aunoita nyika yakakupota. Chimbofunga zvimwe zvinonakidza asi zvinonetsa panguva iyi yakasiyana neimwe muupenyu.

‘Chii Chiri Kuitika Pamuviri Wangu?’

Kuchinja uku kunotanga nokuwedzera kuwanda kwemakemikari mumuviri, kunyanya estrogen muvasikana uye testosterone muvakomana. Kuchinja kwemakemikari omumuviri ndiko kunokonzerawo kuchinja kunoratidza sokunoshamisa kunozoitika. Kutaura zvazviri, kana wangotanga kuchinja, muviri wako unobva watanga kukurumidza kukura kupfuura zvawaiita kubvira uchiri mucheche.

Panguva iyi nhengo dzako dzokubereka nadzo dzinotanga kukura, asi ichocho chikamu bedzi chokukura kwomuviri. Ungabvawo wakurumidza kureba, izvo zvinowanzonzi nguva yokuyaruka. Nepo pawakanga uri muduku waikura pamwe masendimita mashanu chete pagore, hazvishamisi kuti unenge wava kukura zvakapetwa izvozvo munguva yokuyaruka iyi.

Munguva iyi yose, zvingadaro kuti unganzwa wakangorembedza maoko. Izvozvo zvinoitika kuvanhu vose. Yeuka kuti, nhengo dzakasiyana dzomuviri wako dzingave dzichikura pamwero wakasiyana. Zvingaita kuti umboti rembedzei maoko. Asi shivirira—hazvirevi kuti uchagara uchingoputsa zvinhu kwoupenyu hwose. Nguva yokurembedza maoko kwokuyaruka ichapfuura.

Munguva yavanenge vava kuchinja, vasikana vanotanga kugeza, zvinoreva kubuda ropa mwedzi nomwedzi, zvimwewo zvinoyerera, neimwewo tsvina inobva muchibereko. * Kugeza kunowanzokonzera chinyamunhari uyewo kuderera kwemamwe makemikari omumuviri. Sezvo izvi zvichikanganisa muviri nemanzwire omunhu, kutanga kugeza kunogona kuvhiringidza kwazvo. “Ndakangoerekana ndoona zvinhu zvakanga zvisati zvamboitika kwandiri uye ndaizofanira kujaira kurarama nazvo,” anoyeuka kudaro Teresa, uyo ava nemakore 17. “Zvakandivhiringidza mafungiro angu, uye zvairwadza. Uye zvaiitika mwedzi woga woga!”

Haufaniri hako kutya paunotanga kugeza. Pamusoro pazvo, chiratidzo chokuti muviri wako uri kushanda zvakanaka. Nokufamba kwenguva, uchadzidza kurarama nezvisinganakidzi zvinoitika pakugeza kwako. Somuenzaniso, vamwe vakaona kuti kurovedza muviri nguva dzose kunoderedza chinyamunhari chinorwadza. Asi vanhu vakasiyana. Ungaona kuti pamwe iwe unofanira kurega kurovedza muviri panguva yako. Dzidza ku“teerera” muviri wako wouitira zvaunoda.

Munguva yokuyaruka, vasikana nevakomana vanonyanya kufunga nezvechitarisiko chavo. “Ndiyo nguva yandakatanga kunyatsoona—uye kuva nehanya—kuti vamwe vanhu vanoona sei chitarisiko changu,” anodaro Teresa. “Uye ndinoona kuti kakawanda, ndinonetseka nezvechitarisiko changu,” anoenderera mberi achidaro. “Bvudzi rangu hariiti zvandinoda, hembe dzangu hadzikwani zvakanaka, uye zvinoita sokuti handiwani hembe dzandinoda!”

Muviri wako ungakuodza mwoyo mune dzimwewo nzira. Somuenzaniso, zvinobudisa ziya zvinganyanya kushanda munguva yaunenge wava kuchinja, izvo zvingaita kuti unyanye kubuda ziya. Kugara uchigeza, pamwe chete nokuva nechokwadi chokuti hembe dzako dzakawachwa, zvingakubatsira kuti muviri usanhuwa. Unogonawo kushandisa mapefiyumu kana kuti zvimwe zvinoita kuti usanyanya kubuda ziya.

Uyewo, munguva yokukura, zvinobudisa mafuta muganda rako zvinganyanya kushanda, izvo zvingaguma nokuva nemapundu kumeso uye mburwa. “Pose pandinenge ndichida kutarisika zvakanaka ndipo pandinoita mapundu,” anodaro musikana anonzi Ann. “Kufungidzira kwangu here kana kuti mapundu anoziva paanenge asingatombodiwi?” Teresa anewo chinetso chemburwa. “Dzinoita kuti ndinzwe sokuti ndakashata uye sokuti vanhu vose vakanditarisa,” anodaro, “nokuti kana vanhu vakanditarisa, ndinofunga kuti ndizvo zvavakatarisa!”

Chokwadi, vakomana vanogonawo kuva nezvinetso zveganda. Kutaura zvazviri, dzimwe nyanzvi dzinoti vakomana ndivo vanotonyanya kuva nazvo kupfuura vasikana. Ungava uri mukomana kana kuti musikana, ungabatsirwa nokugara uchigeza nzvimbo dzine mafuta dzomuviri wako, kusanganisira chiso chako, mutsipa, mapfudzi, musana uye chipfuva. Uyewo, kugara uchigeza bvudzi rako nesipo kungabatsira kuti mafuta asapararira paganda rako. Panewo zvinhu zvakagadzirirwa kudzivisa mburwa nemapundu. “Vabereki vangu vakandibatsira kuwana zvokushandisa pakugeza uye mafuta okuzora,” anodaro Teresa. “Vakandibatsirawo kuti ndisanyanya kudya zvinhu zvisingavaki muviri. Kana ndikarega kudya zvinhu zvisingavaki muviri uye ndikanwa mvura yakawanda, mburwa dzangu kazhinji dzinopera.”

Chimwe chinochinja pamuviri chinonyanya kuitika kuvakomana, inzwi. Nhengo dzako dzinobudisa inzwi dzichasimba dzoreba munguva yaunenge uchichinja, zvichiita kuti uve nenzwi gobvu. Kuna Bill, izvi zvakaitika asingatombozvicherechedzi. “Handina kumbocherechedza kuti inzwi rangu rakanga rachinja,” iye anodaro, “kunze kwokuti vanhu vakanga vasingachafungi kuti ndaiva amai kana kuti hanzvadzi yangu pandaidaira runhare.”

Dzimwe nguva inzwi rinenge richichinja rinokwira nokudzika—kungochinja kamwe kamwe kubva pasi pasi robva rakwira pamusoro-soro. “Chinhu chainyadzisa kwazvo,” anodaro Tyrone, achifunga nezvepaaiva pwere. “Pose pandaitya uye kufara, ndipo pazvaiitika. Ndaiedza kusava nebasa nazvo, asi zvairamba.” Kana izvi zviri kuitika kwauri, usaora mwoyo! “Pashure pegore kana anenge maviri, zvakapera,” anodaro Tyrone. Iva nechokwadi chokuti inzwi rakowo, richaramba riri zvariri, zvokuva gobvu.

‘Nei Ndichinzwa Seizvi?’

Hachisi chinhu chinoshamisa kuti vachiri kuyaruka vanonzwa manzwiro akasiyana-siyana anorwadza. Somuenzaniso, iwe neshamwari dzako dzawaiva nadzo uchiri muduku mungava musisina ushamwari hwapedyo sezvamaimboita. Kwete nemhaka yokuti pane kupopotedzana kwakaitika. Pamwe wava kuona kuti hamuchanyanyi kufarira zvakafanana. Kunyange vabereki vako—vawaimbomhanyira kwavari kuti vakunyaradze uye kuti vakudzivirire—vangabva vangoita sevechinyakare uye vasingatauriki navo.

Zvose izvi zvinogona kuita kuti munhu achiri kuyaruka anzwe akaparadzana nevamwe. “Vamwe vaongorori vakati kusurukirwa kunonyanya kuitika munguva yokuyaruka kupfuura mune imwe nguva uchiri muduku kana kuti wava munhu mukuru,” rinodaro rimwe bhuku. Uchityira kuti vamwe vangakuona sowakasiyana, unganzwa usingadi kutaura mafungiro ako nemanzwiro ako. Kana kuti pamwe haudi kufarira vamwe, uchifunga mumwoyo mako kuti hapana munhu anganyatsoda kuva shamwari yako.

Vari kuyaruka vakawanda vanenge vanombosurukirwa, sezvinoitawo vanhu vakuru vazhinji. Chinhu chinokosha chokufunga nezvacho ndechokuti, nokufamba kwenguva, manzwiro aya anogona kupera. * Yeuka kuti, nokuti uchiri kuyaruka, zvauri zvose zviri kuchinja. Maonero aunoita upenyu, vamwe, uye kunyange maonero aunozviita anoramba achichinja. Chokwadi, dzimwe nguva paunozviona mugirazi, ungaita souri kuona mumwe munhu wausingambozivi! Unganzwa semanzwiro akaita Steve, ane makore 17, uyo anobvuma kuti, “Zvakaoma kuti utaure kuti unozviziva paunenge uchikurumidza kuchinja zvakadaro.”

Imwe nzira yakanakisisa yokukurira nayo kusurukirwa ndeyokutaura nevamwe. Izvi zvingareva kuti uchaziva vamwe vasiri vezera rako. Pane vamwe vakura vaunoziva vangada kushanyirwa here? Ungavaitira mabasa here, kunyanya kana vachida kubatsirwa? Bhaibheri rinokurudzira vose—pwere nevakura—‘kuwedzera’ vamwe vokuratidza rudo. (2 VaKorinde 6:11-13) Kuita izvozvo kungaita kuti pave nenguva dzinofadza.

Ndima yeBhaibheri ine mashoko ari pamusoro apa ndeimwe yenhungamiro dzakawanda dzakabatsira pwere dzechiKristu kuti dzibudirire kurarama nezvinetso zvokuyaruka. Sezvaunoverenga nyaya inotevera, funga kuti Shoko raMwari ringava sei nesimba muupenyu hwako zvaunokura kuva munhu mukuru.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Pakutanga, kugeza kunogona kuitika kakawanda pamwedzi kana kuti kusamboitika imwe mwedzi. Uwandu hweropa racho hunogona kusiyanawo zvekare. Zvinhu zvose izvi hazvifaniri kukutyisa. Kupota uchidarika mimwe mwedzi kwegore kana maviri kungangoratidza kuti unofanira kuona chiremba.

^ ndima 24 Kana wava kungogara wakasurukirwa kana kuti uchifunga nezvokuzviuraya, unofanira kubatsirwa kuti urwise pfungwa dzokuzviuraya. Kurumidza kutaura nevabereki vako kana kuti mumwe munhu mukuru waunogona kuvimba naye.

[Bhokisi riri papeji 6]

Vabereki Havana Kukwana

“Pandaiva mwana, ndaifunga kuti vabereki vangu vakakwana. Zvisinei, pandakanga ndava kuyaruka, zvakaita sokuti vakanga vasisina kungwara. Zvandiri kureva ndezvokuti ndakaona kuti vabereki vangu vakanga vasina kukwana, uye izvi zvakandivhiringidza. Hazvifadzi kuti kuziva izvi kwakaita kuti ndisava nechokwadi chemafungiro avo. Zvisinei, nokudzidza zvakaoma, ndakatangazve kuvaremekedza. Chokwadi, havana kukwana, asi kakawanda vanenge vakarurama. Uye kunyange kana vasina kururama, vabereki vangu. Zvishoma nezvishoma tiri kuva shamwari, zvandinofunga kuti ndizvo zvinowanzoitika kuvana nevabereki vavo.”—Teresa, ane makore 17.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Pwere dzakawanda dzakatanga ushamwari hwepedyo nevakura