Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinoita Kuti Mamwe Masayendisiti Adavire Muna Mwari

Chinoita Kuti Mamwe Masayendisiti Adavire Muna Mwari

Chinoita Kuti Mamwe Masayendisiti Adavire Muna Mwari

SAYENZI inongogara ichibudisa zvinhu zvitsva zvakavanzika pamusoro pezvinhu zvose zvakasikwa noupenyu huri pasi pano. Kunyange zvakadaro, masayendisiti nevanhuwo zvavo vachiri kuda kuziva mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai seiyi: Zvinhu zvose zvakambovapo sei? Chii chaivapo zvisati zvavapo? Nei zvichiita sokuti zvinhu zvose zvakanyatsogadzirirwa kutsigira upenyu? Upenyu hwakatanga sei pasi pano?

Nanhasi sayenzi haisati yagona kunyatsopindura mibvunzo yakadaro. Vamwe vanhu havana chokwadi chokuti ichazombopindurwa. Saka, vanhu vazhinji vakanzwa zvichivamanikidza kufunga patsva maonero avo nezvavanodavira. Ngationgororei zvinhu zvitatu zvakaoma kunzwisisa zviri kuita kuti mamwe masayendisiti afunge kuti kune Musiki.

Zvinhu Zvose Zvakanyatsorongwa—Zvakangoitika Zvoga Here?

Mumwe mubvunzo mukuru uri pamusoro pokunyatsorongwa kwakaita nyika nezviri muchadenga. Nei zvinhu zvose zviine mitemo isingachinji inozvidzora uye zvinhu zvakangogara zvakadaro zvakanyatsokodzera zvikuru kutsigira nyika yedu uye upenyu hwose huri pairi?

Tinorevei nokuti zvakanyatsorongwa? Somuenzaniso, chimbofunga nezvokunyatsorongwa kwakaitwa masimba mana anokosha anodzora zvinhu: simba remagineti yemagetsi, giravhiti, simba rakawanda renyukireya, uye simba shoma renyukireya. * Masimba aya anodzora zvinhu zvose. Akangogara achishanda mumwero wakanyatsokodzera zvokuti kunyange kuchinja kuduku kungaita kuti pasazombovazve noupenyu.

Kuvanhu vakawanda vanofunga, tsananguro yacho haingagoni kungova yokuti zvakangoitika zvoga. John Polkinghorne, aimbova nyanzvi yefizikisi paCambridge University, akagumisa achiti: “Paunoona kuti mitemo yakangogara iripo inofanira kunge yakanyatsorongwa kuti ibudise zvinhu zvose zvatinoona, izvozvo zvinoita kuti munhu ave nepfungwa yokuti zvinhu zvose hazvina kungoitika zvoga, asi panofanira kunge pane chinangwa chazvakaitirwa.

Imwe nyanzvi yefizikisi yokuAustralia inonzi Paul Davies yakataurawo pfungwa imwe chete iyi ichiti: “Hapana mubvunzo kuti masayendisiti akawanda . . . anoseka pfungwa yokuti kungangodaro kuna Mwari, kana kuti kunyange rimwe simba risiri munhu rakasika zvinhu zvose.” Akawedzera kuti: “Ini pachangu handiseki sezvavanoita. . . . Handingadaviri kuti kuvapo kwedu panyika ino zvinhu zvakangoitika zvoga, . . . tsaonawo zvayo yakangoitika pakuvapo kwezvinhu zvose.”

Dambudziko Rokunzwisisa Zvinhu Zvipenyu

Kuoma kunzwisisa kwakaita zvinhu zvakatipoteredza ndicho chinetso chechipiri chiri kunetsa masayendisiti anhasi. Kushandisa pfungwa kunongotiratidza kuti kana chinhu chikava chakaoma kunzwisisa zvikuru, kashoma kuti chingozviitikira choga. Funga nezvomumwe muenzaniso.

Kune mazana nemazana emakemikari anofanira kubatana nenzira yakanyatsorongwa kuti aumbe DNA, chinhu chinovaka upenyu. Makore makumi matatu apfuura, Dr. Frank Salisbury weUtah State University, U.S.A., akaita masvomhu kuti aone kuti pane mukana wakakura sei wokuti morekuru reDNA ringoumbika roga iro rinokosha kuti pave noupenyu. Masvomhu acho akaratidza kuti mukana wacho muduku zvikuru zvokuti pamasvomhu zvinoonekwa sezvisingabviri. *

Kuoma kunzwisisa kunova pachena apo zvinhu zvipenyu zvinenge zviine dzimwe nhengo dzakaoma kunzwisisa dzaizova dzisina basa kana dzisina dzimwe nhengo dzakaomawo kunzwisisa. Ngatimboonai muenzaniso wokuberekana.

Mukuwirirana nedzidziso dzemhindumupindu, zvinhu zvipenyu zvakaramba zvichiberekana sezvazvaiwedzera kuoma kunzwisisa. Zvisinei, pane imwe nguva, hadzi dzemarudzi emhuka dzakawanda dzaifanira kuzotanga kuva nemasero embeu aida kuzoitwa kuti aberekeswe nomukono waiva nemasero embeu anoenderana. Kuti mwana anoberekwa wacho ave nenhamba yakafanira yezviri musero zvine mashoko okutodza, masero embeu evabereki vacho anoita inonzi meiosis, apo masero anobva kuvabereki vacho anosiyiwa ave nehafu yenhamba yenguva dzose yezviri musero zvine mashoko okutodza. Izvi zvinoita kuti mwana wacho asava nezviri musero zvine mashoko okutodza zvakawandisa.

Chokwadi, zvimwe chete izvi zvaizodiwawo kune mamwe marudzi ezvipenyu. Saka zvino, “mai vokutanga” vorudzi rumwe norumwe vakakwanisa sei kubereka na“baba vokutanga” vakanga vakura zvakakwana? Vose vakakwanisa sei kungohafura nhamba yezviri musero zvine mashoko okutodza mumasero avo okubereka munzira yaidiwa kuti vabereke mwana akasvika akafanana nevabereki vacho vose? Uye kana zvinhu zvinodiwa pakubereka izvi zvakakura zvishoma nezvishoma, hono nehadzi dzemarudzi ose aya dzaizodai dzakararama sei apo zvinhu zvinokosha kudaro zvakanga zvichiri kukura?

Kunyange murudzi rumwe, mikana yokuti kubereka kunoda mativi maviri uku kuitike kwoga haiyereki. Mukana wokuti zvakatanga kuitika murumwe rudzi zvichienda kune rumwe haingavi tsananguro inonzwika. Dzidziso yemhindumupindu yokungotaura ingagona kutsanangura zvinhu zvakaoma kunzwisisa izvi here? Zviitiko zvinongoitika zvoga, netsaona, zvisina chinangwa zvaigona sei kuguma zvaita urongwa hunopindirana hwakaoma kunzwisisa kudaro? Zvinhu zvipenyu zvizere nezvinoratidza uchapupu hwokufanoronga—zvichiratidza kuti kune Murongi akangwara.

Nyanzvi dzakawanda dzakaguma dzataurawo izvozvo. Somuenzaniso, nyanzvi yemasvomhu William A. Dembski yakanyora kuti “kuronga kwouchenjeri” kunoonekwa “muzvinhu zvinoonekwa zvenyika yakatipoteredza . . . zvinongogona kutsanangurwa zvakakwana bedzi nokuti zvine mugadziri akachenjera.” Imwe nyanzvi yezvinhu zvipenyu inonzi Michael Behe inotaura nezvouchapupu hwacho muchidimbu ichiti: “Unogona kuva muKaturike akazara asi uchidavira dzidziso yaDarwin yemhindumupindu. Zvisinei, kudzidza nezvezvinhu zvipenyu kwakaita kuti zvirambe zvichioma kuva musayendisiti anofunga uchidavira dzidziso yaDarwin.”

Chinyorwa Chezvicherwa Chisingawirirani

Chinhu chechitatu chakaoma kunzwisisa chakashamisa mamwe masayendisiti chinyorwa chezvicherwa. Kana mhindumupindu yakaramba ichiitika kwezviuru nezviuru zvemakore, tinofanira kutarisira kuwana zvipuka zviri pakati, kana kuti zvinobatanidza, pakati pemarudzi makuru ezvinhu zvipenyu. Zvisinei, zvicherwa zvisingaverengeki zvakawanikwa kubva panguva yaDarwin zvakaratidza kuva zvinoodza mwoyo zvikuru panhau iyi. Zvinhu zvisipo hazvipo—hazvipo!

Naizvozvo, masayendisiti anoverengeka akaguma ati uchapupu hwemhindumupindu hahuna kunyatsosimba uye hunozvipokanidza zvokuti hahungaratidzi kuti upenyu hwakashanduka-shanduka. Luther D. Sutherland injiniya wemichina inobhururuka muchadenga akanyora mubhuku rake rinonzi Darwin’s Enigma kuti: “Uchapupu hwesayenzi hunoratidza kuti pose pakatanga upenyu hwakasiyana paNyika, kubva kuprotozoa rine sero rimwe kusvika kumunhu, hwakanga hwakakwana uye nhengo dzacho nezvadzakanga dzakaita zvakanga zvakakwana uye zvichinyatsoshanda zvakazara. Mhedziso isingarambiki inobudiswa papfungwa iyi ndeyokuti upenyu husati hwatanga paNyika, kwakanga kwatogara kuine uchenjeri.”

Kune rumwe rutivi, chinyorwa chezvicherwa chinonyatsoenderana nourongwa hwokuonekwa kwezvinhu zvipenyu hunowanikwa mubhuku reBhaibheri raGenesi. Donald E. Chittick, nyanzvi yekemisitiri uyo akawana dhigirii repamusoro-soro paOregon State University, anotsinhira kuti: “Kunyatsotarisira chinyorwa chezvicherwa kunoita kuti munhu agume ati mhuka dzaiberekana nemarudzi adzo sezvinotaurwa naGenesi. Hadzina kuchinja kubva kune rumwe rudzi kuita rumwe rudzi. Iye zvino uchapupu hunowirirana nechinyorwa chaGenesi chokusikwa zvakananga, sezvazvakanga zvakaita muzuva raDarwin. Mhuka nezvinomera zvinoramba zvichibereka maererano nemarudzi azvo. Kutaura zvazviri, musiyano uri pakati pepaleontology (kudzidza nezvezvicherwa) nedzidziso yaDarwin yemhindumupindu wakasimba kwazvo zvokuti mamwe masayendisiti ava kutanga kudavira kuti zvinobatanidza zvacho hazvizombofi zvakawanikwa.

Kubvuma Uchapupu

Zvataurwa zvinongomirira chikamu chiduku bedzi chemibvunzo isina kupindurwa inonetsa vaya vanoti hapana uchapupu hwokuti kune Musiki. Mamwe masayendisiti ava kuziva kuti kuramba kuti kuna Mwari inzira yakatangwa, kwete nokuti paiva nouchapupu uye kuti zvakanga zvanyatsofungwa, asi nokungofungidzira.

Naizvozvo, pashure penguva yakareba yokutsvakurudza kwesayenzi nebasa zvinobudirira, imwe nyanzvi yezvenyeredzi inonzi Allan Sandage yakati: “Kudzidza kwandakaita sayenzi ndiko kwakaita kuti ndigume ndafunga kuti nyika yakaoma kunzwisisa zvikuru kupfuura kutsanangura kungaita sayenzi. Ndinonzwisisa chishamiso chokuti tiripo nesimba rinopfuura renguva dzose chete.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 2 chebhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Akafungidzira kuti paiva nomukana wokuti morekuru iri rigadzirwe nemakemikari anenge angosangana oga panyika 100 000 000 000 000 000 000 (1020) “dzakakodzera” kwemakore mabhiriyoni mana. Pane mikana yakadini yokuti morekuru rimwe reDNA riumbike? Sokufungidzira kwake, mumwe chete pa10415!

[Bhokisi riri papeji 14]

Mibvunzo inotemesa masayendisiti musoro

▪ Nei kuine masimba mana anokosha akangogara aripo akanyatsorongwa, achiita kuti zvinhu zvose uye upenyu zvivepo?

▪ Kuoma kunzwisisa kwakaita zvinhu zvipenyu uye kazhinji kusinganzwisiswi zviri nyore kungatsanangurwa sei?

▪ Nei chinyorwa chezvicherwa chisina kukwana, uye uchapupu hwezvipuka zvinenge zvichiri kuchinja, kana kuti zvichiri pakati nepakati pemarudzi makuru ezvinhu zvipenyu huri kupi?

[Bhokisi riri papeji 16]

Zvakangoitika zvoga here?

Munguva pfupi yapfuura National Geographic payakadhindwa ine butiro rinoyevedza rairatidza rudo ruri pakati paamai nomwana, mumwe muverengi akanyorera magazini yacho achiti: “Mufananidzo uri pabutiro waamai nomwana unonwisa mvura. Handigoni kunzwisisa kuti munhu angatarira sei mwana iyeye akanaka aingova zai rakaenzana nomusoro wepini mwedzi mipfumbamwe yapfuura ofunga kuti chinhu ichi chinoshamisa chakangoerekana chaitika.”

Vakawanda vangabvumirana naye. Munyori anonzi Dr. Gerald Schroeder aimbova purofesa wefizikisi dzenyukireya anoenzanisa mukana wokuti zvinhu zvose uye upenyu zvinge zvakangoitika zvoga nomukana wokuti munhu ahwine rotari katatu zvakatevedzana, achiti: “Usati wawana mubayiro wako wechitatu, unenge wava kutoendeswa kujeri nokuti unenge wabiridzira. Mukana wokuhwina katatu zvichitevedzana, kana kuti katatu muupenyu hwose, muduku zvokuti zvakangofanana nokuti hazvibviri.”

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kudai zvinhu zvina izvi zvisina kunyatsogadzirwa zvakanaka uye kuitwa kuti zvive pakati nepakati, upenyu hwaisazovapo

Simba renyukireya shoma rinoita kuti zuva redu rirambe richipisa zviri pakati nepakati

Giravhiti ndiyo inoita kuti zvinhu zvirambe zviri panyika

Simba rakawanda renyukireya ndiro rinobatanidza mwoyo yemaatomu

Simba remagineti yemagetsi ndiro simba rinokonzera mheni

[Mifananidzo iri papeji 15]

Masimba aingoitika oga aigona sei kugadzira chinhu chakaoma kunzwisisa chakadai sesero rine DNA, ndoda munhu?

[Mifananidzo iri papeji 16]

Chinyorwa chezvicherwa chakakundikana kuratidza kuti upenyu hwakashanduka-shanduka