Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudavira Muna Mwari Kunopikisana Nesayenzi Here?

Kudavira Muna Mwari Kunopikisana Nesayenzi Here?

Kudavira Muna Mwari Kunopikisana Nesayenzi Here?

PAUNENGE uchiverenga nezvesayenzi, hazvishamisi kuona mashoko echitendero. Somuenzaniso, masayendisiti ave achinzi “vapristi vakuru voruzivo rwokugadzira zvinhu,” uye marabhoritari avo “temberi” kana kuti “nzvimbo tsvene.” Zvechokwadi, mashoko akadaro anongova hawo okufananidzira. Kunyange zvakadaro, anogona kuita kuti munhu abvunze mubvunzo uyu unokosha: Asi sayenzi nechitendero zvakaparadzana kure nokure here?

Vamwe vangafunga kuti masayendisiti paanodzidza zvakawanda, anowedzera kusuduruka pakudavira muna Mwari. Ichokwadi kuti masayendisiti akawanda anoshora zvechitendero. Asi mamwe anoverengeka anoororwa kwazvo nouchapupu hunoratidza kuti zvinhu zviri munyika yakatipoteredza zvine akazvigadzira. Mamwe masayendisiti anoshamisika kwete nezvakasikwa chete; asi anotanga kufunga nezvoMugadziri wacho.

Kuchinja Kwezvinhu

Zvakanyorwa naCharles Darwin zvokuti zvinhu zvakashanduka-shanduka zvave zvichigamuchirwa kwakawanda kwezana remakore nehafu. Vamwe vanhu vakadzidza vangave vakatarisira kuti kusvikira pari zvino, kudavira muna Mwari kungave kuchiitwa nevanhu vasingazivi chete, uye vari nyore kunyengedzwa. Asi hazvina kudaro. Masayendisiti akawanda anotaura pachena kuti anodavira kuti kune Musiki. Ichokwadi kuti angasadavira Bhaibheri kana kuti kuvapo kwaMwari. Asi anobvuma kuti zvinhu zvinooneka muchisiko zvakaitwa noMugadziri akangwara.

Masayendisiti akadaro anganzi haazivi zvaanoita here? Ichitaura nezvemasayendisiti anodavira kuti kune mugadziri akangwara akaita nyika yedu nezvipenyu zvirimo, imwe nyaya inotaura nezverimwe bhuku iri muThe New York Times inoti: “Vane madhigirii epamusoro uye vane zvinzvimbo pamayunivhesiti akakwirira. Kupikisa kwavanoita zvakanyorwa naDarwin hakusi nemhaka yechiremera cheMagwaro, asi, kunoitwa nezvikonzero zvesayenzi.

Nyaya imwe chete iyoyo inotiwo vanotsigira pfungwa yokuti zvinhu zvine mugadziri akangwara “havangotauri zvinhu zvisina basa. . . . Chavanoramba ndechokuti zvakanyorwa naDarwin, kana kuti kumwe kutaura kwokuti ‘zvinhu zvakangoitika zvoga’ zvichinzi zvaiitika pasina pfungwa, zvichingoitiswa nezvimwe zvinhu zvaishanda zvishoma nezvishoma nokufamba kwenguva, zvakakwana kuti zvitsanangure matangire akaita upenyu. Vanoti zvinhu zvipenyu, zvizere nouchapupu hwokuti zvine mugadziri akangwara—uchapupu hunoratidza pasina mubvunzo kuti pane Mugadziri Akangwara akazviita.” *

Kugumisa kudaro kwakakurumbira zvinoshamisa pakati pemasayendisiti. Somuenzaniso kumwe kuongorora kwakabudiswa muna 1997 kwakaratidza kuti masayendisiti mana pagumi eUnited States aidavira kuti kuna Mwari munhu chaiye. Uwandu ihwohwo hwakanga husina kunyanya kuchinja kubva muna 1914 apo kuongorora kwakadaro kwakaitwa.

Zvinonzwisisika kuti, munyika umo vanhu vanonyanya kuda zvenyika, zvakadai somuEurope, uwandu hwacho hwakati dererei. Asi pepanhau reBritain rinonzi The Guardian rakataura kuti “uwandu hwevanhu vanodavira muna Mwari hwakakwirira pakati pemasayendisiti efizikisi neezvematombo, uye hwakaderera pakati pevanodzidza nezvevanhu.” Rakawedzera kuti: “UK ine masangano akadai seevaKristu vanoita zveSayenzi.” Pepa racho rakati muGreat Britain “vadzidzi vesayenzi ndivo vanonyanya kuenda kuchechi kupfuura vadzidzi vasingaiti zvidzidzo zvesayenzi.

Kunyange zvakadaro, zvinongoratidza sokuti masayendisiti mazhinji anoseka pfungwa yokuti kune Musiki. Kuzvidza kwakadaro kunomanikidza vamwe zvine simba kuti vatevedzere vamwe. Nyanzvi yenyeredzi Allan Sandage anotaura kuti “unozeza kuzvizivisa kuti uri mutendi.” Nei? Anoti, “kutsoropodzwa”—kusafarirwa nokusekwa nevamwe—“kwakanyanya chaizvo.”

Somugumisiro, masayendisiti anotsunga kutaura achiti hazvirevi hazvo kuti sayenzi yakapesana nokudavira kuvapo kwoMusiki, anoona kuti anokundwa nepfungwa dzokusava nechokwadi dzakawanda. Nyaya dzinotevera dzichakurukura zvakawanda pamusoro pemaonero aya asingawanzoremekedzwi uye kuti nei masayendisiti aya achinzwa sezvaanoita. Zvisinei, zvinei chokuita newe pachako? Sayenzi ingakubatsira kuwana Mwari here? Tapota enderera mberi nokuverenga.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Vanhu vakadzidza nemasayendisiti vanozivikanwa kuti vanotsigira pfungwa yokuti kune “Mugadziri Akangwara” vanosanganisira Phillip E. Johnson, uyo anodzidzisa mutemo paUniversity of California, Berkeley; nyanzvi yezvinhu zvipenyu Michael J. Behe, munyori webhuku rinonzi Darwin’s Black Box—The Biochemical Challenge to Evolution; nyanzvi yemasvomhu William A. Dembski; muzivi anonzi Alvin Plantinga; nyanzvi yefizikisi John Polkinghorne naFreeman Dyson; nyanzvi yenyeredzi Allan Sandage; nevamwe vakawandisa kutaura nemazita.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]

Nyeredzi: Courtesy of ROE/Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin