Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Mukomana Wangu Asandibata Zvakaipa?

Ndingaita Sei Kuti Mukomana Wangu Asandibata Zvakaipa?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaita Sei Kuti Mukomana Wangu Asandibata Zvakaipa?

“Mukomana wangu atanga kundirova nhasi. Akumbira ruregerero, asi handizivi kuti zvino ndoita sei.”—Stella. *

IMWE nyaya iri muThe Journal of the American Medical Association inoti: “Mudzidzi wechikadzi anenge mumwe muvashanu akataura kuti akarohwa kana kuti kubatwa chibharo nomukomana wake kana kuti kuitwa zvose.” Mune kumwe kuongorora kwakaitwa muGermany pakati pevechiduku vane makore 17 kusvika ku20, inopfuura kota yevasikana yakataura kuti vakanga varara nevakomana vasingadi zvichisanganisira chisimba, kumanikidzwa nemashoko, zvinodhaka kana kuti doro. Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States, 40 muzana yevachiri kuyaruka vakataurwa navo vakaona vavanodzidza navo “vachituka mumwe munhu wavaidanana naye nenzira youtsinye.” *

Uri wechiduku ayaruka ari kuronga kuroorana nomumwe munhu anombokutuka kana kuti anokupopotera kana kuti anokuzvidza, anokusundidzira kana kuti kukurova mbama here? Nyaya yomumagazini yedu yakapfuura munyaya dzino dzinotevedzana yakaratidza kuti kubatwa zvisiri izvo kwakadaro kwakapararira zvinoshamisa. * Yakaratidzawo kuti Jehovha Mwari haatenderi kutuka kana kuti kubata vamwe zvisiri izvo uye kuti vanozviitirwa havafaniri kutora kusazvibata kwakadaro sechinhu chenguva dzose kana kuti sokuti imhosva yavo. (VaEfeso 4:31) Kunyange zvakadaro, kuziva zvokuita mumamiriro ezvinhu akadaro hakusi nyore. Ungave uchida mukomana wako zvikuru—pasinei nounhu hwake. Kana zvakatoipa zvikuru, ungatyira zvaangazoita kana ukamutsoropodza. Unofanira kuitei?

Ongorora Mamiriro Acho Ezvinhu

Kutanga, unofanira kudzikama uye wonyatsoongorora zvaitika zvacho sezvazviri. (Muparidzi 2:14) Uri kugara uchitukwa zvechokwadi here? Mukomana wako aiva achikuitira utsinye nemaune here, kana kuti aingo“taura nokusarangarira” hake? (Zvirevo 12:18) Izvi zvakaitika kakawanda sei? Chikanganiso chakangoitika kamwe chete here chaunokwanisa kungosiya chakadaro? Kana kuti akatotanga katsika kokutaura zvokuzvidza kana kuti zvokutuka here?

Kana usina chokwadi nemanzwiro ako nezvenyaya iyi, taura nyaya yacho nomumwe munhu—kwete mumwe wezera rako asi munhu mukuru kwauri uye akachenjera. Pamwe ungaudza vabereki vako kana imwe hama yako yechiKristu yava noruzivo. Kukurukurirana kwakadaro kungakubatsira kuti uone kana uri kunyanyisa kana kuti pane chinetso chakakomba.

Kana zvichiita sokuti hapazovi nechinetso kana ukataura nomukomana wako, ronga kutaura naye nezvenyaya iyi. (Zvirevo 25:9) Muudze wakadzikama kuti zvaanoita zvinokuita kuti unzwe sei. Taura zvakananga kuti nei zvakakugumbura. Taura zvakajeka pamusoro pezvinhu zvausingadi. Anoita sei paunomuudza? Haabvumi zvaunofunga kana kuti anotonyanya kupindura nehasha? Ichi chiratidzo chakajeka chokuti haasi kuda kuchinja.

Zvisinei, zvakadini kana akaratidza kuzvininipisa kunodiwa naMwari uye kuzvidemba zvechokwadi? Kana zvakadaro zvingangoita kuti murambe muchifambidzana. Zvisinei, ngwarira! Vanhu vanotuka vanowanzodembetera vachiita sevari kuzvidemba kana varwadzisa mumwe munhu—vozongodzokororazve magaramwoyo avo pavanenge vagumburwa. Nokufamba kwenguva zvinozongooneka kuti anenge achirevesa here kuti anoda kuchinja. Chimwe chiratidzo chakanaka chokuti ari kurevesa chingava chido chake chokukumbira kubatsirwa nevakuru vechiKristu.—Jakobho 5:14-16.

Zivawo kuti “vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Hauzombowani mumwe munhu akakwana. Vanhu vose vakaroorana ‘vachatombotambudzika panyama yavo’ nokuti havana kukwana. (1 VaKorinde 7:28) Pakupedzisira, unofanira kusarudza kana uchigona kugara nomukomana wako nezvikanganiso zvake uchifara. Zvakare, kumira kuti pambopera chinguva ndiyo nzira yakanakisisa yaungaziva nayo izvi.

Zvaunofanira Kuita Kana Uchiitirwa Chisimba

Zvisinei, zvakasiyana kana kutuka kwacho kuchisanganisira mashoko akashata ehasha kana kuti kutyisidzira kuti achaita chisimba kana kuti ukaona uchirohwa—zvichida uchisundidzirwa, kusaidzirwa, kana kuti kurohwa mbama. Izvi zvinoratidza kutadza kuzvidzora kune ngozi; mamiriro ezvinhu acho anogona kuzoipa zvikuru akatozoita zvechisimba zvakanyanya.

Kutanga, zvakanaka kuti vari kuda kuroorana varege kuzviparadzanisa nevamwe. Asi kana ukazongoona wava kuitirwa chisimba nomunhurume muri moga, usa“dzorera chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17) Yeuka kuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Ramba wakadzikama. Mukumbire kuti akuperekedze kumba. Kana zvichida kudaro, ibva ipapo kana kuti tiza!

Zvakadini kana murume akaedza kumanikidza mukadzi kurara naye? Chokwadi, kuchenjera kuti vaviri vari kuronga kuroorana, pavanotanga kudanana, vataurirane pokugumira kuratidzirana rudo. (1 VaTesaronika 4:3-5) Kana mukomana akamanikidza musikana kuti aite zvinopesana nenheyo dzemitemo yeBhaibheri, musikana wacho anofanira kumujekesera zvakasimba kuti haasi kuzobvuma. (Genesi 39:7-13) “Usabvuma,” anokohomedza achidaro Anne, uyo akazoguma akanda mapfumo pasi paakamanikidzwa nomukomana wake kuti arare naye. “Zviremekedze. Ndapota, usambokanganisa zvakadaro, pasinei nokuti unomuda zvakadini!” Kana akasakuteerera, muudze kuti zvimwe zvaanozoedza kuita unenge wotozvitora sokubata chibharo. Kana akasarega, shevedzera kuti ubatsirwe uye edza kumurambidza sezvawaizoita chero munhu anenge achiedza kukubata chibharo upi zvake. *

Mumamiriro ezvinhu acho ose, zano reBhaibheri riri pana Zvirevo 22:24 rakakodzera, rinoti: “Usashamwaridzana nomunhu unotsamwa; usafambidzana nomunhu une hasha.” Hautombomanikidzwi kuti urambe uchidanana nomunhu anokubata zvisiri izvo. Zviri pachena kuti hwaizova upenzi kuti uende woga kunotaura nomukomana anokubata zvisiri izvo uchimuudza kuti hauchamudi. Pamwe, nzira yakanakisisa ingava yokuudza vabereki vako zvaitika. Sevanhuwo, vachagumbuka uye vachashatirwa nokubatwa kwako zvisiri izvo. Asi vanogona kukubatsira kuti uzive zvimwe zvaunofanira kuita. *

Kuedza Kumuchinja

Zvisinei, harisi basa rako kuita kuti mukomana wako achinje. Irena anobvuma kuti: “Unofunga kuti unomuda, kuti uchabudirira, uye kuti unogona kumubatsira. Asi haumbogoni.” Saizvozvowo Nadine anobvumawo kuti: “Ndinoramba ndichingofunga kuti ndinogona kumuchinja.” Chokwadi ndechokuti, iye ndiye oga anogona ‘kushandura pfungwa dzake’ ochinja. (VaRoma 12:2) Uye kuita izvozvo rinenge riri basa rakaoma uye rinotora nguva.

Naizvozvo tsunga kuita zvaunenge wasarudza, usingamboteereri kuedza kukunyengerera kwose kwaangaita. Edza kugara kure naye sezvinobvira uye usarambe uchimufunga. Usamubvumira kukunyengetedza, kukuteterera, kana kukutyisidzira kuti udzokerane naye. Irena paakarambana nomukomana wake aiita zvechisimba, akamutyisidzira achiti aizozviuraya. Zviri pachena kuti munhu akadaro anoda kubatsirwa, asi kwete newe. Unotomubatsira zviri nani kana ukaramba mufambiro wake usiri wechiKristu. Kana achida kuchinja, akasununguka kutsvaka rubatsiro.

Zvisinei, vamwe vanofunga kuti kuroorana kuchagadzirisa chinetso chacho. Mumwe mutsvakurudzi wemashoko anoti: “Vakadzi vanoroorwa nevakomana vavo vanovabata zvisiri izvo nevarume vanoroora vasikana vavo vanovabata zvisiri izvo vanowanzozoshamisika kuona kuti chisimba chacho hachiperi. Vanhu vakawanda vanodavira nhema dzokuti kana tsamba yomuchato yangosainwa, zvinetso zvose zvakadaro zvinobva zvapera. Usazvidavira.” Chokwadi ndechokuti, kana ukatanga kurohwa muchiri mukomana nomusikana, pane mukana mukuru wokuti zvicharamba zvichidaro kana maroorana.

“Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 22:3) Zvakaoma kuti urambane nomunhu waunoda. Asi kuroorana nomunhu anenge achikubata zvisiri izvo kwakatooma kupfuura ipapo. Kunze kwaizvozvo, haufaniri kutya kuti hauzombowani mumwe wokuroorana naye. Nokunzwisisa kwawava nako, uchanzwa uchida kutotsvaka mumwe munhu munyoro, ane mutsa, uye anozvidzora kupfuura zvawaimboita.

Kurapa Mavanga Okushungurudzwa

Kutukwa kana kuti kubatwa zvisiri izvo kungashungurudza munhu. Mumwe akazviitirwa anonzi Mary anopa zano rokuti: “Batsirwa—kurumidza kuudza mumwe munhu. Ndaifunga kuti ndaizozvigona ndiri ndoga, asi kutaura nevanhu kwakandibatsira.” Udza vabereki vako zviri mumwoyo, shamwari ine ruzivo, kana kuti mukuru wechiKristu. *

Vamwe vakaonawo zvichibatsira kuti varambe vakabatikana nokuita zvinhu zvakadai sokuverenga zvinhu zvakanaka, mitambo, kana kuti kuita zvinhu zvavanofarira. Irena anoyeuka kuti, “chainyanya kukosha kwaiva kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu.”

Zviri pachena kuti Jehovha haatenderi kutuka kana kuti kubata vamwe zvisiri izvo. Uchibatsirwa naye, ungazvidzivirira pakubatwa zvisiri izvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 4 Kunyange zvazvo varume nevakadzi vachigona kutukwa nokurohwa, Centers for Disease Control and Prevention yeUnited States inotaura kuti “vakadzi vanokuvadzwa zvakanyanya kupfuura varume.” Kunyange zvakadaro, kungoti zvive nyore, munyaya ino tichataura nezveanobata vamwe zvisiri izvo somurume.

^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Mukomana Wangu Achindibata Zvakaipa Kudai?” iri mumagazini yeMukai! yaJune 8, 2004.

^ ndima 15 Mukai! yaMarch 8, 1993, ine mashoko pamusoro pokudzivisa kubatwa chibharo.

^ ndima 16 Mune zvimwe zviitiko, zvakadai sokunge munhu aedza kukubata chibharo, vabereki vako vangasarudza kuendesa nyaya yacho kumapurisa. Izvi zvingaita kuti vamwe vasikana vasazorwadziswawo zvakadaro.

^ ndima 23 Kana vakuvadzwa zvinokanganisa ndangariro, vamwe vangasarudza kuti varapwe nachiremba kana kuti nachiremba wepfungwa.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kubatwa zvisiri izvo pamunenge muchiri mukomana nomusikana kungaenderera kana mazoroorana

[Mufananidzo uri papeji 23]

Usamanikidzwa kuratidzira rudo zvisina kukodzera