Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rangarirawo Musiki Wako”

“Rangarirawo Musiki Wako”

“Rangarirawo Musiki Wako”

“Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 12:1.

NDIMA yomuBhaibheri iri pamusoro apa inoita kuti munhu afungisise. Unongova nomukana mumwe chete wokuva pwere. Uchazoyeuka makore okuyaruka kwako, uchigutsikana nomufaro kana kuti uchirwadziwa nokuzvidemba. Iwe uchange uri papi? Ungasarudza sei mugumisiro wacho?

“Rangarirawo Musiki wako,” rinokurudzira kudaro Bhaibheri, sezvanyorwa pamusoro apa. Ungazviita sei? Kana ukatsigira mitemo yaMwari nenhungamiro, zviri muShoko rake, Bhaibheri. Chokwadi, izvi hazvirevi kuti unofanira kurarama upenyu hwakaoma hwokunyanyisa kwechitendero, uchizvinyima mufaro wose. Kusiyana neizvozvo, kuramba uchiyeuka Musiki wako kuchaguma nomufaro mukuru. Zvingadaro sei?

Somuenzaniso, fungidzira kuti wapiwa motokari uye rezinesi rokutyaira motokari. Wava norusununguko rutsva, rungakuunzira mufaro mukuru. Chimbofunga nezvenzvimbo dzaunogona kuenda! Zvisinei, rusununguko rwako rwauchangobva kuwana rune mutoro unoda kufunga. Paunenge uchityaira, unofanira kuteerera mitemo yomumugwagwa woteerera zviratidzo zvemafambiro omumugwagwa, kumhanya kunobvumirwa, uye zvikwangwani zvinonyevera nezvengozi. Mutoro uyu unovhiringidza mufaro wako wokutyaira here? Kana! Kutaura zvazviri, unotoshanda sedziviriro. Hazvifadzi kuita tsaona, handizvo here?

Zvakafanana norusununguko rwawakapiwa naJehovha Mwari, Musiki wako. Sezvaunokura kuva munhu mukuru, anokubvumira kusarudza kuti uchaitei muupenyu hwako. (Dheuteronomio 30:19; Zvirevo 27:11) Irworwo rusununguko runoshamisa sei! Asi rusununguko irworwo rune mutoro wakakura. MuShoko rake, Jehovha akanyora ‘mitemo yomumugwagwa’—mitemo yaanoda kuti utevedzere. Mitemo iyi inovhiringidza mufaro wako here? Kana! Panzvimbo pezvo, inokudzivirira pazvinotemesa musoro uye marwadzo anotambudza pwere dzakawanda kwazvo nhasi.

Federico, ava mumakore ake okuma30, anoziva kuti ichocho ichokwadi. Paaiva jaya, akaona vaaidzidza navo vachiita zvinhu zvose zvaaiziva kuti aisafanira kuita. “Zvaiita sokuti vainakidzwa,” anodaro, “asi handina kumbofunga kuti vainyatsofara zvechokwdi.” Paanofunga nezvazvo, Federico anofara kuti aitungamirirwa nemitemo yeBhaibheri panguva yaaiyaruka. “Chokwadi, ndaitarisana nematambudziko, sezvinongoitawo munhu wose wechiduku,” anodaro. “Asi Bhaibheri rakanyatsondidzivirira. Uye nguva dzose vaKristu vandainamata navo vainge varipo kuti vandibatsire. Kutevera nhungamiro dzeBhaibheri kwakandipa mufaro mukuru kupfuura zvandaigona kufungidzira!”

Jehovha Mwari anoda kuti ufare—kufara zvechokwadi. Izvozvo zvinosanganisira zvinopfuura nokure chipameso chomufaro chinongovhariridza kutambura kwomukati. Bhaibheri rinotaura kuti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako.” Asi ndima yeBhaibheri imwe chete iyoyo inowedzera nyevero. Inoti: “Asi uzive kuti Mwari achazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.”—Muparidzi 11:9.

Ramba uchifunga nezvoMusiki nokushandisa rusununguko rwaakakupa nouchenjeri. Kana ukadaro unogona kuva nechokwadi chokuti Musiki wako achakuyeuka uye achaita kuti ufare zvikuru. Bhaibheri rinoti: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—Zvirevo 10:22.

Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa bhuku rine mapeji 320 rine musoro unoti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku . . . Mhinduro Dzinoshanda kuti zvibatsire vechiduku kukurira miedzo yokuyaruka. Kusvika nhasi, makopi anenge mamiriyoni 34 ebhuku iri akadhindwa mumitauro 77. Unogona kuwana kopi kana ukataura neZvapupu zvaJehovha zviri pedyo newe.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Kuti Ubatsirwe Kubudirira Somunhu Ari Kuyaruka

Wana nguva yokuverenga Shoko raMwari

Shanda nesimba muushumiri

Siyana neshamwari dzakaipa

Gara uchitaurirana nevabereki vako zviri mumwoyo

[Kwazvakatorwa]

Butiro rebhurocha: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.