Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungawanepi Mhinduro?

Ungawanepi Mhinduro?

Ungawanepi Mhinduro?

UNOMBONETSEKA pamusoro pokukakavadzana kunoitika panyaya yemhindumupindu neyokusikwa kwezvinhu here? Kana zvakadaro, hausiri iwe woga unodaro.

Pamusoro pazvo, kune rimwe divi renyaya yacho kune masayendisiti akadzidza zvikuru nenyanzvi, avo vanowanzoshandisa mutauro wakaoma kunzwisisa, vanoomerera pakuti kana wakadzidza uye wakangwara, unofanira kubvuma kuti dzidziso yemhindumupindu ndeyechokwadi. Kune rimwewo divi racho, vezvechitendero vanozvikudza vanotaura nemashoko akasimba kuti kana uchitenda zvechokwadi, unofanira kubvumirana nezvavanotaura nezvokusika.

Maonero evanyanyisi akadaro anoita kuti vanhu vakawanda vanofunga vasada kunzwa nezvazvo. Nyaya yokuvapo kwaMwari inoda tsananguro iri nani kupfuura maonero okuomesa musoro akadaro. Yeuka kuti, mubvunzo uyu haisi nyayawo zvayo yokungoitirana nharo, uye haisi nyaya isina basa. Nyaya iripo inogona kuchinja upenyu hwako nenguva yako yemberi.

Zvinowanzokanganiswa Nemasayendisiti

Sezvataona, kune masayendisiti akawanda anonyatsozivikanwa, akadzidza anotaura kuti pane uchapupu hunoratidza kuti kune Mugadziri kana kuti Musiki. Mamwe haangodaviri kuti kune Musiki chete. Vanoratidza kusava nechokwadi nevamwe vavo vanozviti masayendisiti asi vachiomerera pakuti Mwari haako.

Somuenzaniso, John R. Baumgardner, nyanzvi yefizikisi yezvakapoteredza inoti: “Tichifunga nezvomukana mudukuduku uripo wokuti zvinhu zvakadaro zvingaitika, musayendisiti chaiye akavimbika angatsigira sei kuti zvinhu zvakangoerekana zvaitika achiti ndiyo nzira yakavapo nayo zvinhu zvipenyu zvakaoma kunzwisisa zvatinoona? Sokuona kwangu, kudavira kuti zvinhu zvakangoerekana zvaitika iye munhu achiziva mukana mudukuduku uripo, hakutombowirirani zvachose nesayenzi chaiyo.”

Richard Feynman, imwe nyanzvi yefizikisi inonyatsozivikanwa yakataura nezverimwe divi resayenzi chaiyo. Muhurukuro yake yokuzarura imwe yunivhesiti, akataura nezvo“kumwe kuvimbika chaiko, kunodiwazve.” Akati izvi zvaisanganisira “kuedza nepaunogona napo kuratidza kuti ungave uchikanganisa.” Iye akati, kuita izvozvo “ibasa redu semasayendisiti, zvechokwadi kune mamwe masayendisiti, uye kune vanhuwo zvavo.”

Kangani katinonzwa vezvemhindumupindu vachishandisa mashoko akadai sokuti “pamwe kukanganisa” vachitaura nezvedzidziso dzavo? Zvinosuruvarisa kuti kuzvininipisa kwakadaro hakuwanzowaniki pakati pavo. Kutaura zvazviri, kuzvininipisa uye kuvimbika zvinofanira kuita kuti masayendisiti akawanda abvume kuti sayenzi, iyo inongova kudzidzwa kwezvinhu zvinooneka, haikwanisi kupindura mibvunzo yokuvapo kwoMusiki. Zvisinei, zvakadini nevatungamiriri vezvitendero vanotsigira kuti zvinhu zvakasikwa?

Zvinowanzokanganiswa Nevezvitendero

Kuzvininipisa uye kuvimbika hakuwanzowanikiwo pakati pevatungamiriri vezvitendero. Pamusoro pazvo, kuvimbika kwacho kuri papi kana vachisimbisa kuti Bhaibheri rinodzidzisa zvarisingadzidzisi? Kuzvininipisa kwacho kuri papi kana vachikoshesa maonero avo netsika dzavanofarira kupfuura Bhaibheri? Izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa nevakawanda vanozviti vanotsigira kuti zvinhu zvakasikwa.

Somuenzaniso, vanozviti vanotsigira kuti zvinhu zvakasikwa vanowanzoti zvinhu zvose zvakasikwa mumazuva matanhatu chaiwo ane maawa 24 makore anenge 6 000 akapfuura. Nedzidziso dzakadai, vanotsanangura Bhaibheri zvisizvo, iro rinotaura kuti Mwari akasika matenga nenyika “pakutanga”—pane imwe nguva isingataurwi “mazuva” chaiwo okusika asati atanga. (Genesi 1:1) Zvinokosha kuti nhoroondo yomuna Genesi inoratidza kuti shoko rokuti “zuva” rinogona kunzwisiswa munzira dzakawanda. Pana Genesi 2:4, nguva yacho yose yemazuva matanhatu inorondedzerwa muchitsauko chokutanga inotaurwa nezvayo sezuva rimwe chete. Zvinonzwisisika kuti aya akanga asiri mazuva chaiwo emaawa 24, asi nguva yakareba. Zviri pachena kuti imwe neimwe yenguva idzi yaiva zviuru zvemakore.

Zvinosuruvarisa kuti kakawanda, vadzidzisi vezvitendero naivowo vanenge vasina kururama pavanotaura nezvokutenda. Zvinoita sokuti vamwe vacho vanoti kutenda kunosanganisira kungobvuma zvakakwana chimwe chinhu chisina uchapupu hwakasimba. Kune vanhu vakawanda vanofunga, izvozvo zvinoita sokunyengedzwa zviri nyore. Bhaibheri rinorondedzera kutenda nenzira yakanyatsosiyana, richiti: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Naizvozvo kutenda kwechokwadi hakusi kungonyengedzwawo zvako zviri nyore. Kwakavakirwa pauchapupu hwakasimba, pavimbiso inonzwisisika.

Saka, kutenda muna Mwari kwakavakirwa pauchapupu hupi? Pane marudzi maviri ouchapupu, ose anogutsa.

Kuongorora Uchapupu

Muapostora Pauro akanzwa achida kunyora kuti Mwari “zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake.” (VaRoma 1:20) Kwezviuru zvemakore, varume nevakadzi vakachenjera vakanzwisisa uchapupu hwokuvapo kwaMwari munyika yakatipoteredza.

Sezvataona, sayenzi inogona kutibatsira zvikuru kunzwisisa nyaya iyi. Patinodzidza zvakawanda nezvokuoma kunzwisisa uye kurongwa kwakaitwa zvinhu zvose, tinobva tava nechikonzero chakasimba chokushamiswa naIye akazvigadzira zvose. Mamwe masayendisiti anoteerera uchapupu hwakadaro uye anoona huchigutsa. Hapana mubvunzo kuti vangati sayenzi yakavabatsira kuziva Mwari. Zvinoita sokuti mamwe haazombogutswi nouchapupu chero hwakawanda sei. Zvakadini newe?

Kana uchibvuma kuyera uchapupu hwenyaya yacho, tinokukurudzira kudarowo. Bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakagadzirirwa kukubatsira kuwana mhinduro idzi dzinokosha. * Kuwedzera kune izvozvo, richakubatsira kuyera humwe uchapupu hwechipiri hwokuti Mwari ariko: Bhaibheri.

Bhaibheri rine uchapupu hwakawanda kwazvo hwokuti rakafuridzirwa nomunhu akachenjera ane simba rinopfuura revanhu. Somuenzaniso, rine uprofita hwakawanda, kana kuti nhoroondo yakanyorwa isati yaitika. Humwe hwacho hunorondedzera mamiriro ezvinhu chaiwo enyika yedu yanhasi! (Mateu 24:3, 6, 7; Ruka 21:10, 11; 2 Timoti 3:1-5) Vanhu havakwanisi kufanotaura nguva yemberi nenzira yakavimbika. Kunze kwaMwari ndiani angaita chinhu chakadaro?

Zvisinei, Bhaibheri haringobatsiri kupindura mubvunzo wokuvapo kwaMwari. Rinotidzidzisawo zita rake chairo, rinotsanangura unhu hwake, uye rinotiudza kuratidza kwaakaita kuda vanhu kwemakore akawanda. Rinototizivisa pachena zvaakatichengetera. Muzvinhu zvose zvakadaro, sayenzi haina simba rokutibatsira kuwana mhinduro. Chaizvoizvo, sayenzi yevanhu haigoni kutipa tariro yechokwadi muupenyu hwedu. Uyewo haigoni kuita kuti pave netsika dzakanaka.

Zvinoita Kuti Pave Netsika

Zvinosuruvarisa kuti, zvesayenzi sezvinoitwa nevamwe nhasi zvinoita sezvinoshayisa simba tsika nemitemo. Nyanzvi yezvinhu zvipenyu Richard Dawkins, uyo anoramba pfungwa yokuvapo kwaMwari anoti: “Muzvinhu zvose zvakasikwa zvine masimba asina murongi uye umo zvinhu zvinoramba zvichiberekana, vamwe vanhu vachakuvara, vamwe vanhu vachaita rombo rakanaka, uye hauzombowani zvinhu zvinoenderana kana kuti chikonzero mazviri kana kuti ruramisiro.” Izvozvo unozviona semaonero asina kunaka enyika here? Haufungi kuti nzanga yevanhu inoda bumbiro retsika rinopa mubayiro vane mufambiro wakanaka richiranga vanoita zvakaipa here?

Pano tinoona musiyano wakasimba pakati pezvinotaura Bhaibheri nezvevanhu nemaonero anoita vanhu vanoti hakuna Mwari nyaya yemhindumupindu. Shoko raMwari rinosimbisa kuti vanokosha pakati pezvinhu zvakasikwa, mhindumupindu inoti vanhu vakavapo netsaona pashure pokunge zvinhu zvangoerekana zvasangana. Bhaibheri rinotsanangura kuti vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari ane ruramisiro uye ane rudo uyewo vanokwanisa kurarama upenyu hwakachena uye hwakanaka; mhindumupindu, nokusimbisa kwainoita kuti unofanira kutamburira kuti urarame, haikwanisi kutsanangura rudo runoratidzwa nevanhu uye kuva nehanya nevamwe.

Mhindumupindu haikwanisi kupa tariro chaiyo kana kuti chinangwa. Bhaibheri rinotaura chinangwa choMusiki nokuda kweramangwana redu. Akataura chinangwa chake achiti: “Kuti ndikupei mugumo une tariro.”—Jeremia 29:11.

Dzidza Pamusoro poMusiki

Munyori wepisarema akachenjera akanzwa achida kubvuma nokuzvininipisa, achiti: “Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake.” (Pisarema 100:3) Kune vakawanda vanofunga, kubvuma uku kwokuzvininipisa kune musoro zvikuru kupfuura dzidziso dzemazuva ano dzokuti upenyu hwevanhu hwakangoerekana hwavapo.

Dzimwe nguva sayenzi yemazuva ano inosimudzira pfungwa yokuzvikudza yokuti mafungiro evanhu noruzivo rwavo ndizvo zvinofanira kutungamirira vanhu. Zvinosuruvarisa kuti chitendero chakarongwa chinowanzoitawo chikanganiso ichocho. Zvisinei, ruzivo rwevanhu rune parunogumira uye rucharamba rwakadaro. Muapostora Pauro aiva noruzivo rwakakura rwezvinhu zvokunamata, asi akaramba achizvininipisa. Akataura nomazvo achiti: “Nokuti panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi, . . . Panguva ino ndinoziva zvisina kukwana.”—1 VaK. 13:12.

Chokwadi, hazvidi hazvo kuti munhu atange aziva sayenzi yemazuva ano kuti agotenda muna Mwari zvechokwadi. Asi kumunhu anonyatsoongorora, sayenzi inogona kusimbisa kutenda. Kutenda kwechokwadi nezvinhu zvokunamata zvinokosha kuti uve noupenyu hunogutsa uye hunofadza. (Mateu 5:3) Kana ukashandisa Bhaibheri kuti unyatsoziva Jehovha nechinangwa chake nokuda kwevanhu nepasi, zvichakubatsira kuti uve noupenyu hune zvahunoreva chaizvo uye uchava nepokuvakira tariro yakasimba.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 17]

Zvaanotaura

Masayendisiti akawanda anotaura asingazezi kuti anotenda kuti kune Musiki. Kunyange zvazvo vamwe vachingoziva zvishomanana uye vasinganyatsonzwisisa kuti Mwari ndiani, vanobvuma kuti uchapupu hunoratidza kuvapo kwoMugadziri akangwara. Ona mashoko anotevera:

“Somusayendisiti, ndinotarira nyika yakandipoteredza, ndoona zvinhu zvakagadzirwa nouinjiniya hunoshamisa hwakaoma kunzwisisa zvokuti ndinonzwa zvichindimanikidza kuguma ndati mugadziri akangwara ndiye akaita zvinhu zvakarongeka izvi zvakaoma kunzwisisa.”—ANDREW MCINTOSH, NYANZVI YEMASVOMHU YOKUWALES, UNITED KINGDOM

“Kuoma kunzwisisa kwakaita zvinhu zvakatipoteredza kunoratidza kuti kune Musiki. Zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu zvose, ukangozvinzwisisa, zvinoratidza kuti zvinhu zvakaoma chaizvo.”—JOHN K. G. KRAMER, NYANZVI YEZVINHU ZVIPENYU, YOKUCANADA

“Kurongeka kwakaita zvinhu zvipenyu zviri munyika kunooneka zviri pachena. Zvakaitwa neSimba guru iro ini pachangu ndinodana kuti Mwari. Ipapa ndipo panowirirana kutenda nechokwadi chesayenzi. Pane kupokana nacho, kunochizadzisa, kuchipa nzira iri nyore yokunzwisisa nayo zvinhu zvose.”—JEAN DORST, NYANZVI YEZVIPENYU, YOKUFRANCE

“Handigoni kufungidzira zvinhu zvose noupenyu hwevanhu zvisina munhu akangwara akazvitanga, zvisina kumwe kunobva ‘ushamwari’ hwomudzimu huri seri kwezvinhu nemitemo yazvo.”—ANDREY DMITRIYEVICH SAKHAROV, NYANZVI YEFIZIKISI YENYUKIRIYA YOKURUSSIA

“Mhuka imwe neimwe yakaitwa nenzira yakasiyana kuti iwirirane nenzvimbo yainogara, uye hapana zvandingaita kunze kwokubvuma kuti zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvakaitwa noMusiki, pane kuti zvakaitwa nemasimba okushanduka shanduka akangoitika oga.”—BOB HOSKEN, NYANZVI YEZVINHU ZVIPENYU, YOKU AUSTRALIA

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 18]

Nhoroondo yaGenesi Inotsigirwa

Gerald Schroeder, aimbova purofesa wefizikisi dzenyukireya, anonyora kuti: “Bhaibheri rinorondedzera zviitiko zvakaitika mumakore anopfuura mabhiriyoni gumi nematanhatu mundima makumi matatu neimwe, nemashoko mashomanana. Zviitiko izvi ndizvo zvakanyorwa nemasayendisiti nemamiriyoni emashoko. Kutanga kwakaita upenyu hwose hwemhuka kunopfupikiswa mumitsetse misere yomuBhaibheri. Tichitarisa kupfupika kwakaita nhoroondo yeBhaibheri, kuwirirana kunoita mitsetse iyi nokutevedzana kwezviitiko zviri muna Genesi 1 nezvakawanikwa nesayenzi kunoshamisa, kunyanya patinoziva kuti rondedzero yose yeBhaibheri inoshandiswa pano yakanyorwa mazana emakore, kana kuti kunyange chiuru chemakore chakapfuura, saka haina kana kumbokanganiswa nezvakawanikwa nesayenzi yemazuva ano. Sayenzi yemazuva ano ndiyo yava kuwirirana nenhoroondo yeBhaibheri yaGenesi wedu.”—THE SCIENCE OF GOD—THE CONVERGENCE OF SCIENTIFIC AND BIBLICAL WISDOM.

[Mifananidzo]

Bhaibheri rinorondedzera nguva dzemazuva matanhatu okusika

[Mufananidzo uri papeji 20]

Bhaibheri rine uchapupu hwakasimba hwokuti rakafuridzirwa naMwari