Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinorevei Kuva Musoro Weimba?

Zvinorevei Kuva Musoro Weimba?

Zvinotaura Bhaibheri

Zvinorevei Kuva Musoro Weimba?

MAERERANO neBhaibheri, “musoro womukadzi murume.” (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 5:23) Asi vakawanda vanoti vanoremekedza Bhaibheri vanofunga kuti nhungamiro iyi yokuti murume ndiye musoro haisi yechinyakare bedzi asiwo ine ngozi. “Dzidziso yokuti vakadzi vanofanira ‘kuzviisa pasi [pevarume vavo] nomufaro, ikashandiswa zvinodarika mwero, inogona kuguma kwava kubata vamwe zvisina kufanira uye kuvashungurudza,” akataura kudaro mumwe murume nomudzimai wake. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vari kushandisa chinzvimbo chavo somusoro wemhuri zvisiri izvo. Mumwe munyori anoti, “munyika dzakawanda, kurova mukadzi hakumboonekwi sechinhu chinoshamisa—ikodzero yevarume inorumbidzwa munziyo, mutsumo uye mumitambo yemichato.”

Vamwe vanoti nhungamiro yeBhaibheri yokuti pave nomusoro wemhuri ndiyo yakakonzera utsinye uhwu. Ko dzidziso yeBhaibheri yokuti pane musoro wemhuri inozvidza vakadzi nokukurudzira kurwa mudzimba here? Zvinonyatsorevei chaizvo kuva musoro weimba? *

Kuva Musoro Hakusi Kudzvinyirira

Urongwa hweBhaibheri hwokuti pave nomusoro mumhuri ndehworudo uye hahuna kana kumbofanana nokudzvinyirira. Kwaiva kuzvidza chiremera chaMwari kwakaita kuti pagume pave nokubata vakadzi noudzvinyiriri kunowanzoitwa nevarume. (Genesi 3:16) Kubva panguva yomubindu reEdheni, varume vakashandisa simba ravo zvisiri izvo kakawanda, vachidzvinyirira vamwe zvinotyisa, kusanganisira vakadzi nevana.

Zvisinei, izvozvo zvakanga zvisiri chinangwa chaMwari. Jehovha anovenga vanhu vanoshandisa simba ravo zvisiri izvo. Akashora varume vechiIsraeri vai“nyengera” madzimai avo. (Maraki 2:13-16) Uyezve, Mwari anoti “unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) Naizvozvo vaya vanorova madzimai, nevaya vanoabata zvisiri izvo havagoni kumboshandisa Bhaibheri kupembedza zviito zvavo zvechisimba.

Kuva Musoro Kwakafanira Kunosanganisirei?

Urongwa hwokuti pave nomusoro ndihwo urongwa hunokosha hunoshandiswa naMwari kuti munyika yose muve nokurongeka. Munhu wose kunze kwaMwari pachake anofanira kuzvidavirira kune mumwe munhu. Varume vari pasi paKristu, vana vari pasi pevabereki vavo, uye vaKristu vose vari pasi pehurumende. Kunyange Jesu ari pasi paMwari.—VaRoma 13:1; 1 VaKorinde 11:3; 15:28; VaEfeso 6:1.

Kuzviisa pasi poutungamiriri kunokosha kuti pave nenzanga yakarongeka, yakadzikama. Saizvozvowo, kuzviisa pasi pomusoro wemhuri kunokosha kuti pave nemhuri yakasimba, inofara, ine rugare. Kushaya murume kana kuti baba mumhuri hakuchinji chokwadi ichi. Mumhuri dzakadaro amai vanova musoro. Vabereki vose pavanenge vasipo, mwana mukuru wacho kana kuti imwe hama yavo ndiyo ingava musoro weimba. Muzviitiko zvacho zvose, nhengo dzemhuri padzinoremekedza zvakafanira ane chiremera chokutungamirira, izvozvo zvinodzibatsira.

Saka, chinokosha hakusi kuramba kutungamirirwa nomusoro, asi pane kudaro, kudzidza kutungamirira zvakanaka uye kuona utungamiriri zvakanaka. Muapostora Pauro anorayira varume vechiKristu kuti vave musoro weimba yavo “sezvowo Kristu ari musoro weungano.” (VaEfeso 5:21-23) Saka Pauro anoratidza kuti nzira iyo Kristu akatungamirira nayo ungano ndiyo muenzaniso wakakwana chaiwo wokutungamirira. Kristu akaratidza muenzaniso wakadini?

Kunyange zvazvo saMesiya uye Mambo weramangwana, Jesu aiva nechiremera chaakapiwa naMwari pachake uye akanga akangwara kwazvo uye achiziva zvakawanda nezvoupenyu kukunda vadzidzi vake, aiva norudo, ushamwari, uye ainzwira vamwe tsitsi. Akanga asingamboiti hasha, kuomesa musoro, kana kurayira zvakawandisa. Akanga asingazviiti makonya uye kugara achiyeuchidza vanhu vose kuti aiva Mwanakomana waMwari. Jesu akanga asingazvikudzi, aizvininipisa mumwoyo make. Somugumisiro, ‘joko rake raiva romutsa uye mutoro wake wakareruka.’ (Mateu 11:28-30) Naizvozvo aiva akasununguka uye achida kunzwawo mafungiro evamwe. Kutaura zvazviri, Pauro anoti Jesu aida ungano kwazvo zvokuti “akazvipa nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:25.

Munhu Angatevedzera Sei Utungamiriri hwaJesu?

Misoro yemhuri ingatevedzera sei unhu hwaKristu? Musoro wakavimbika unoratidza kuti une hanya nezvinodiwa nemhuri yawo zvokunyama nezvokunamata. Anoshanda nesimba achipa nguva uye achitarisira zvakakodzera zvavanenge vachida somunhu oga uye seboka. Anoisa zvinofarirwa nomudzimai wake nevana pakutanga zvake zvichizotevera. * (1 VaKorinde 10:24; VaFiripi 2:4) Nokushandisa nhungamiro dzeBhaibheri nedzidziso muupenyu hwake zuva nezuva, murume anoremekedzwa uye anotsigirwa nomudzimai wake nevana. Vari pasi pokutungamirira kwake kworudo, kubatira pamwe kwavo kuti vakurire zvinetso zvose kunogona kubudirira. Nokutungamirira kwake nenzira yomuMagwaro, murume anenge achivaka mhuri inofara, inoita kuti Mwari apiwe mbiri uye arumbidzwe.

Musoro wemhuri wakachenjera unozvininipisawo. Pazvinenge zvakakodzera, achakumbira ruregerero nokuzvidira, kunyange angaona zvakamuomera kubvuma kuti akanganisa. Bhaibheri rinotaura kuti “kuna varairiri vazhinji” ndiko kune ruponeso. (Zvirevo 24:6) Chokwadi, kuzvininipisa kuchakurudzirawo musoro wemhuri kuteerera uye kutanga ambonzwawo pfungwa dzomudzimai nevana pazvinenge zvakakodzera. Nokutevedzera Jesu, musoro wechiKristu uchava nechokwadi chokuti utungamiriri hwake hahungounzi mufaro uye kuchengeteka kumhuri yake asiwo hunokudza nokupa mbiri Muvambi wemhuri, Jehovha Mwari.—VaEfeso 3:14, 15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kunyange zvazvo nyaya ino ichinyanya kutaura nezvebasa romurume nababa mumhuri, chirikadzi uye nherera dzinochengeta vanin’ina vadzo dzingangobatsirwawo nemazano anopiwa misoro yemhuri.

^ ndima 14 Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rinopa mazano anoshanda okuti ungatarisira sei mhuri norudo.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Murume anonzwisisa anofungawo nezvepfungwa dzomudzimai wake nevana