Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Katsi Iri Mungozi Yokutsakatika Panyika Kupfuura Dzose

Katsi Iri Mungozi Yokutsakatika Panyika Kupfuura Dzose

Katsi Iri Mungozi Yokutsakatika Panyika Kupfuura Dzose

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSPAIN

Kuona uye kukurumidza kwekatsi zvave zvichizivikanwa kwenguva refu. Kana munhu achiona zvinhu nenzira yakajeka, vokuSpain vanoti ane “maziso ekatsi.” Sezvineiwo, katsi yokuSpain (Lynx pardinus) iye zvino yave kuzivikanwa nokuda kwezvimwewo zvisinei nokuona kwayo kana kuti uchenjeri hwayo. Yava kuverengwa so“rudzi rwekatsi ruri mungozi kupfuura dzose panyika.” *

Makore akawanda akapfuura katsi yokuSpain inowanikwa muPortugal mose nomuSpain uye zvimwe kunyange kutosvika kumakomo eFrance anonzi Pyrenees. Mazuva ano, mapoka mashomanana akapararira achirimo munharaunda yokumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kweIberian Peninsula. Zvisinei, anenge mapoka maviri bedzi ndiwo akawanda zvokuti anogona kuramba achiberekana, uye uwandu hwekatsi idzi hwaderera zvinotyisa.

Maererano nokumwe kufungidzira, uwandu hwekatsi yokuSpain hwakaderera kusvika pasi pe200. Chii chakakonzera kuderera kwakakomba uku? Vamwe vanoti chikonzero chikuru ndechokushomeka kwakakomba kwenyama yadzinonyanya kudya, tsuro, idzo dzapedzwa nehosha dzakasiyana-siyana dzemyxomatosis. Uyezve, dzimwe katsi, dzakaurayiwa nevanhu vanovhima zviri kunze kwomutemo kana kuti dzakatsikwa nemotokari mumugwagwa. Uye nzvimbo yadzinogara yakakodzera iri kuramba ichiparara. Mushumo wenguva pfupi yapfuura weWorld Wildlife Fund unotaura kuti zvinetso izvi zvakaita kuti uwandu huri kuramba huchidzikira hugare munzvimbo duku dzakaparadzana.

Kunyange zvazvo mabhiriyoni anenge 35 emadhora okuAmerica akarongerwa kushandiswa kuponesa katsi yave mungozi yokutsakatika iyi, rimwe boka renyanzvi rakarondedzera munguva pfupi yapfuura mamiriro acho ezvinhu richiti “akakomba zvikuru.” Maererano naNicolás Guzmán mutungamiriri weNational Plan for the Conservation of the Iberian Lynx, pakati pemhuka dzasara dzisingasviki 200 dziri musango, ‘dziri pakati pe22 ne32 ndidzo hadzi dzinokwanisa kubereka.’ Akawedzera kuti, ‘Kurarama kworudzi rwacho kuchaenderana nezvadzinoita.’ Zvinosuruvarisa kuti, nhau yekatsi yokuSpain inoratidza mamiriro ezvinhu ezvisikwa zvakawanda zvakanaka zvepasi pano.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Katsi yokuSpain, yava kuverengwa se“iri mungozi yokutsakatika zvikuru” paRed List, ndandanda yemhuka dziri mungozi yokutsakatika yakagadzirwa neInternational Union for Conservation of Nature and Natural Resources.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 18]

Foto © Fernando Ortega

sos lynx