Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kungwarira Chitarisiko Pakunozoguma Kwava Kushushikana

Kungwarira Chitarisiko Pakunozoguma Kwava Kushushikana

Kungwarira Chitarisiko Pakunozoguma Kwava Kushushikana

VAZHINJI vedu patinozvitarisa mugirazi, tinoona dzimwe nzvimbo pamiviri yedu dzatinofunga kuti dzingagona kunatsiridzwa. Saka tinogadziridza zvipfeko zvedu kana bvudzi kana kuti kuzora mafuta uye tobva taita mabasa edu ezuva nezuva. Kuva nehanya nechitarisiko chedu kwakadaro kunoitwa nevanhu vose uye kwakanaka. Asi vamwe vanhu vane hanya nechitarisiko chavo zvakanyanyisa, zvichiita kuti vagume vava nedambudziko rinoonekwa navanachiremba sechirwere.

The Merck Manual of Diagnosis and Therapy inotsanangura dambudziko racho ichiti “kushushikana nezvisina kunaka pachitarisiko chako, zvichikukonzera kuora mwoyo kukuru kana kuti kuvhiringidza magariro, kushanda kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu.” * Nokuti vanenge vane dambudziko iri vangave vachifungidzira kuti pane chimwe chisina kunaka pavari kana kuti vachiona chinhu chiduku chisina kunaka pavari sechikurukuru, maonero avanozviita akasvikawo pakunzi kushata kwokufungidzira.

Muzvinadzidzo J. Kevin Thompson wokuUniversity of South Florida, muUnited States anoti hosha iyi inenge isinganyanyi kuoneka, “pamwe inotobata kubvira pa1.0 muzana kusvika ku2.0 muzana yevanhu vose zvavo uye 10 muzana kusvika ku15 muzana yevarwere vepfungwa vanogara vachiuya kuzorapwa kuchipatara.” Zvisinei, anowedzera kuti: “Vamwe vaongorori vanodavira kuti chirwere ichi chiri kupararira, sezvo nzira dzokuchibata nadzo dziri kuvandudzika uye vanhu vari kuramba vachiwedzera kushushikana nechitarisiko.” Kunyange zvazvo mamiriro acho ezvinhu achigona kukanganisa vanhu vemazera ose, anowanzotangira pazera rokuyaruka. Kana toreva nezvevayaruka, zvinoita sokuti anokanganisa vanhurume nevanhukadzi zvakafanana. Izvozvi zvakanyatsosiyana nezvirwere zvokudya, zvakajairika zvikuru muvanhukadzi.

Kushushikana nechitarisiko kwakaipa uko kwakanyanya muvanhu vane hosha iyi kunowanzovaita kuti vagare vachizvitarisa vazvitarisazve mugirazi uye padzimwe nguva, vazviparadzanise nevamwe. Zvakatonyanya kuipa ndezvokuti, “kuodza mwoyo uye kukuvadza kunokonzerwa nechirwere ichi kunogona kuita kuti munhu agare achingorapwa uye ade kuzviuraya,” inodaro Merck Manual. Hazvishamisi kuti vamwe varwere vanotoenda kunovhiyiwa kuti vavandudze runako. “Handiwanzozvikurudziri,” anodaro Dr. Katharine Phillips, akanyora bhuku achitaura nezvehosha iyi. “Kana kuvhiya kwangoitwa hakuzobvisiki,” anotsanangura kudaro, “uye vanhu vazhinji vane dambudziko iri rinoonekwa navanachiremba sechirwere, pashure pokuvhiyiwa vanowanzonzwa sokuti hapana chagadziriswa.” *

Hazviwanzoitiki kuti hosha iyi ionekwe ichangotanga. George Street Journal * rinotaura nezvomukomana ane makore matanhatu “aifunga kuti mazino ake akanga ari eyero, dumbu rake rakanga ‘rakafuta,’ uye bvudzi rake rakanga rakashata. Hapana kana chimwe ‘chourema’ hwake chaionekwa nevamwe. Aigona kukama bvudzi rake kweinenge awa mangwanani oga oga, uye kana rikasaita ‘zvakanaka’ ainyika musoro wake mumvura otangazve kukama, kazhinji zvichimunonotsa kuchikoro.” Rimwe zuva, paakasvika pahofisi yachiremba, akatopfugama kuti azvione pacheya yesimbi inopenya.

Usarega Nyika Ichidzora Unhu Hwako

Magazini anovaima, mapepanhau, uye mashoko okushambadza epaterevhizheni anozadza vanhu nemifananidzo inotaridzika zvakanaka kwazvo. Pfungwa yevashambadzi iri pachena: Ratidza mufananidzo chaiwo, uye vanhu vachapedza mari yavakatamburira kuwana kuti vaedze kutaridzika saizvozvo. Wedzera ipapo kakuda kuenzana nevezera uye mashoko okusafunga anobva kumhuri kana shamwari, uye hazvishamisi kuti vamwe vanhu vanotadza kuona zvakanaka chitarisiko chavo. * Zvechokwadi, maonero asina kudzikama anogona kuguma nokushushikana kunovhiringidza pfungwa.

Kufunga kuti kana usina runako vamwe havazokufariri hakuna kunaka uye hakusi kwechokwadi. Vanhu havawanzosarudzi shamwari vachitarisa chitarisiko chadzo. Chokwadi, chitarisiko chingava chinhu chinokosha pakutanga, asi unhu, uye tsika ndizvo zvinosimbisa ushamwari zvechokwadi. Mumwe nomumwe wedu akada kufanana nebhuku—ringave nebutiro rinoyevedza, asi kana zviri mukati zvisingafadzi, vaverengi havambotani kurikanda pasi. Zvisinei, pasinei nebutiro racho, kana bhuku racho richinakidza, vanhu havarigadziki pasi. Saka unodii kuisa pfungwa dzako paunhu hwako pachako? Izvi ndizvo zvaunokurudzirwa kuita neShoko raMwari, Bhaibheri.—Zvirevo 11:22; VaKorose 3:8; 1 Petro 3:3, 4.

Kutaura chokwadi, chitarisiko chedu chinochinja sezvatinokura. Kudai upenyu, ushamwari, uye mufaro zvaienderana nechitarisiko chouduku, tose taizova neramangwana rakaipa zvikuru! Asi, mamiriro edu ezvinhu anogona kuva akasiyana zvikuru. Izvozvo zvingadaro sei?

Runako Ruchagara Kwenguva Refu

Zvirevo 16:31 inoti: “Bvudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” Mumaziso aJehovha Mwari—uye mumaziso evose vane maonero akafanana neake—vanhu vanochemberera mubasa raMwari vanoramba vachitaridzika zvakanaka. Kutaura zvazviri, nemhaka yomukurumbira wavo wokushingaira uye kuzvipira kuna Mwari, kuchena bvudzi kwavo kunoita sekorona yorunako. Vanhu vanokosha vakadaro tinofanira kuvada uye kuvaremekedza chaizvo.—Revhitiko 19:32.

Uyezve, munyika itsva iri kuuya yaakapikira, Jehovha achabvisa zvinhu zvinokonzerwa nechivi chakagarwa nhaka pavanhu vake vose vakatendeka, vakuru navaduku. Panopera zuva roga roga, vachaona nokunzwa miviri yavo ichivandudzika kusvikira miviri yavo yanyatsoumbika zvakakwana. (Jobho 33:25; Zvakazarurwa 21:3, 4.) Iyoyi itariro inofadza zvechokwadi! Ungada here kuva mumwe wavo? Kana zvakadaro, chishingairira kuisa pfungwa parunako runonyatsokosha, uye usarega pfungwa dzenyika dzisina basa, uye kazhinji dzoutsinye dzichidzora unhu hwako. Uchava munhu anofara kwazvo uye anokwezva kwazvo kana ukadaro.—Zvirevo 31:30.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 “Kunyanya kunetseka nechitarisiko chiratidzo chakajairika chokurwara pfungwa,” inodaro The Medical Journal of Australia. Izvi zvinosanganisira kuora mwoyo, kuvhiringidzika zvakanyanya kusingadzoreki, uye zvirwere zvokudya, zvakadai seanorexia nervosa. Saka, hosha iyi inogona kunetsa kuziva.

^ ndima 5 Tapota ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti. . . Ndinofanira Kuvhiyiwa Kuti Ndivandudze Runako Rwangu Here?” iri mumagazini ino yaSeptember 8, 2002. Zvechokwadi, munhu ane chinetso chepfungwa chakanyanya anofanira kuona chiremba chaiye wepfungwa.

^ ndima 6 Bhuku rakabudiswa neBrown University yokuRhode Island muU.S.A.

^ ndima 8 Nokuda kwemamwe mashoko, tapota ona chitsauko chinoti “Zvitarisiko Zvinokosha Sei?” mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.