Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Rinondibatsira Kutsungirira Pandinenge Ndiri Mumuedzo’

‘Rinondibatsira Kutsungirira Pandinenge Ndiri Mumuedzo’

‘Rinondibatsira Kutsungirira Pandinenge Ndiri Mumuedzo’

Iwayo ndiwo marondedzerero akaita mumwe muverengi wokuConnecticut, U.S.A. bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Akati: “Ndiri kuridzidza zvishoma nezvishoma zuva roga roga. Mazuva aya apo kuora mwoyo kunoita kuti kunyange kufema kundiomere, kungodzidza zvishoma kunondibatsira kutsungirira pandinenge ndiri mumuedzo.”

Akaenderera mberi achiti: “Mufananidzo womufudzi ane rudo uri papeji 69 wakanyevenutsa mwoyo wangu. Uye ndakafarira pfungwa iri papeji 28, ndima 8, inotaura nezvezvakaitika kuna Mosesi pagwenzi raipfuta moto apo ‘kunyange nzvimbo yacho yakapoteredza yakava tsvene nemhaka yokuva kwayo naJehovha!’ Kana Jehovha achigona kuita kuti pasi pave patsvene, saka zvimwe ndingangovawo nekatariro. Pfungwa iyi yakandibatsira chaizvo nokuti ndinogara ndichinetseka nokuora mwoyo.”

Tine chokwadi chokuti uchabatsirwa kana ukaverenga bhuku iri rine mapeji 320 rine butiro rakapfava, rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Unogona kukumbira bhuku racho nokuzadza kopani riri papeji ino ndokuritumira kukero iri pasi apa kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha.

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.