Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungawanepi Tsika Dzakanaka?

Ungawanepi Tsika Dzakanaka?

Ungawanepi Tsika Dzakanaka?

TIRI kurarama munyika ine tsika dziri kuramba dzichichinja. Zviito zvokusatendeseka zvaishorwa kare nhasi zvava kuonekwa sezvisina basa. Mbavha nevakorovheri vanowanzorumbidzwa uye vanoonekwa nevanobudisa nhau semagamba. Vanhu vazhinji vanoguma vakodzera rondedzero iri muBhaibheri inoti: “Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo.”—Pisarema 50:18.

Asi vakorovheri havafaniri kutomboyemurwa. Mumwe munyori akati: “Chinosiyanisa vanobiridzira nevamwe vanhu mano avo, anowanzooneka kubvira vachiri vaduku nokukwanisa kwavo kukorovhera vamwe vanhu. Pamusoro paizvozvo kukorovhera uku hakumboiti kuti vanzwe vane mhosva. Pane kudaro, zvinota kuti vasare vachigutsikana zvikuru—mufaro unovakurudzira kuramba vachikorovhera kuti vawane chero chavanenge vachida, zvisinei nokuti akorovherwa wacho acharasikirwa zvakadini.”

Chokwadi, vanhu vazhinji vanonzwira tsitsi chirikadzi inenge yabiridzirwa zvinhu zvayo zvokurarama nazvo, asi vashoma vanonetseka kana mumwe munhu akabira kambani huru kana kuti akabiridzira kambani yeinishuwarenzi. Vazhinji vanozvipembedza vachiti hazvina basa nokuti mabhizimisi akapfuma. Asi kubiridzira ikoko hakusi dambudziko revemabhizimisi bedzi, vanoita kuti vatengi vavo vabhadhare mari yakawanda kuitira kuti vabhadharewo zvavakabiridzirwa. Somuenzaniso, muUnited States inenge mhuri yoga yoga inobhadhara mari inopfuura $5 200 000 pagore yokuwedzera inishuwarenzi kuti vabhadhare kubiridzira kunoitwa.

Uyewo, vanhu vazhinji vanotenga zvigadzirwa zvakaitwa pachitevedzerwa zvinhu zvakakurumbira zvinenge zviine mitengo yakaderera pavanenge vazviwana, zvakadai sembatya, mawachi, pefiyumu, mafuta okuzora, uye zvikwama. Vangatoziva kuti zvigadzirwa zvokunyepedzera zvinoita kuti mabhizimisi arasikirwe nemazana emadhora gore negore, asi vofunga kuti hapana zvazvinovaita. Zvisinei, pakupedzisira vatengi vanofanira kubhadhara mari yakawanda kuti vawane zvinhu nokuitirwa mabasa. Uyezve, kutenga zvigadzirwa zvokunyepedzera kupfumisa makororo.

Mumwe munyori wenhau anoita basa rokurwisa kubiridzira mubhizimisi akanyora kuti: “Ndinodavira kuti chikonzero chikuru nei kubiridzira kwanyanya kudai nhasi ndechokuti tiri kurarama munyika isina tsika zvachose. Pave pane kuderera kukuru kwetsika kwaita kuti pave nomuitiro wokubiridzira. . . . Tiri kurarama munyika isingadzidzisi tsika pamusha. Tiri kurarama munyika isingadzidzisi tsika muzvikoro, nokuti vadzidzisi vangazopomerwa kuti vava kudzidzisa vana tsika.”

Kusiyana neizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinotodzidzisa uye zvinoedza kurarama mukuwirirana nemirayiro yetsika yeShoko raMwari. Zvinodzorwa nenhungamiro dzakadai sedzinotevera:

● “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mateu 22:39.

● “Usabiridzira.”—Mako 10:19.

● “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshayiwa.”—VaEfeso 4:28.

● “Tinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

Kunyange zvazvo Zvapupu zvisingazvikudzi kana kuzviita vanhu vakarurama, zvinodavira kuti dai munhu wose aishandisa mirayiro iyi, pasi raizova nzvimbo yakanaka yokugara. Zvinodavirawo zvipikirwa zvaMwari zvokuti pasi richazova nzvimbo yakanaka kudaro.—2 Petro 3:13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Kana munhu wose akararama mukuwirirana nemirayiro yetsika iri muShoko raMwari, nyika ingava nzvimbo yakanaka kwazvo yokurarama

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaKristu vechokwadi vanotevedzera nhungamiro yeBhaibheri, yakadai seyokuti “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita”