Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mugumo Worusaruro

Mugumo Worusaruro

Mugumo Worusaruro

TINOGONA here kuona kana tine miitiro yokusarura? Somuenzaniso, tinongofungira kuti munhu ane unhu hwakadini nokungoona ruvara rweganda rake, kuziva nyika yake, dzinza rake kana kuti rudzi here—kunyange zvazvo tisingazivi munhu iyeye? Kana kuti tinogona kukoshesa munhu mumwe nomumwe nokuda kwounhu hwake hwakasiyana nehwevamwe here?

Muzuva raJesu vanhu vaigara muJudhiya neGarireya vakanga vasinga“fambidzani nevaSamariya.” (Johani 4:9) Hapana mubvunzo kuti mamwe mashoko akanyorwa muTalmud airatidza manzwiro aya evaJudha vakawanda: “Dai maziso angu akarega kumboona muSamaria.”

Kunyange vaapostora vaJesu vangangodaro vainzwa vachisarura vaSamaria. Pane imwe nguva havana kugamuchirwa zvakanaka mumusha wevaSamaria. Jakobho naJohani vakabvunza kana vaifanira kudana moto kuti ubve kudenga kuti upise vanhu vacho vakanga vasingateereri. Nokuvatuka kwake, Jesu akavaratidza kuti mafungiro avo akanga asina kunaka.—Ruka 9:52-56.

Jesu akazorondedzera mufananidzo womumwe murume akanga arohwa nemakororo ari murwendo rwokubva kuJerusarema achienda kuJeriko. VaJudha vaviri vainamata vakapfuura nepo havana kuda kubatsira murume wacho. Zvisinei, mumwe muSamaria akamira ndokusunga maronda omurume wacho. Zvadaro akaronga kuti murume wacho atarisirwe kuitira kuti maronda ake apore. MuSamaria iyeye akaratidza kuti aiva muvakidzani chaiye. (Ruka 10:29-37) Mufananidzo waJesu ungadaro wakabatsira vateereri vake kuziva kuti rusaruro rwavo rwaivaita kuti vasaona zvakanaka zviri mune vamwe. Makore mashomanana pave paya, Johani akadzokera kuSamaria ndokuparidza mumisha yacho yakawanda—zvimwe kusanganisira musha waainge amboda kuti uparadzwe.—Mabasa 8:14-17, 25.

Muapostora Petro aifanirawo kuita nokusasarura paakatungamirirwa nengirozi kunotaura nezvaJesu kuna Koneriyasi, mukuru weuto reRoma. Petro akanga asina kujaira kufambidzana nevanhu vakanga vasiri vaJudha, uye vaJudha vazhinji vakanga vasingadi varwi veRoma. (Mabasa 10:28) Asi Petro paakaona kutungamirira kwaMwari panhau yacho, akati: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Chinangwa Chokurwisa Rusaruro

Rusaruro runopesana nomurayiro unokosha wakadzidziswa naJesu wokuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Ndiani angada kuzvidzwa nemhaka bedzi yokwaakazvarirwa, ruvara rweganda, kana kuti kwaakabva? Rusaruro runopesanawo nezvinodiwa naMwari zvokusasarura. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.” (Mabasa 17:26) Saka, vanhu vose ihama.

Uyezve, Mwari anotonga munhu mumwe nomumwe. Haatongi munhu nokuda kwezvakaitwa nevabereki vake kana kuti nemadzitateguru ake. (Ezekieri 18:20; VaRoma 2:6) Kunyange kudzvinyirirwa norumwe rudzi hachisi chikonzero chakanaka chokuvenga vanhu vorudzi irworwo, avo zvimwe vasina mhosva pachavo nokuda kwokusaruramisira kwacho. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti ‘vade vavengi vavo uye kunyengeterera vaivatambudza.’—Mateu 5:44, 45.

Nemhaka yokudzidzisa kwakadaro, vaKristu vomuzana rokutanga remakore vakabatsirwa kuti vakurire rusaruro rwavo vova hama munyika yose kusiyana nevamwe. Vaiidzana hama nehanzvadzi uye vaizviona sevakadaro, kunyange zvazvo vaibva mutsika dzakasiyana. (VaKorose 3:9-11; Jakobho 2:5; 4:11) Mirayiro yakaita kuti pave nokuchinja uku inogona kubatsirawo saizvozvo nhasi.

Kurwisa Rusaruro Nhasi

Tose zvedu tine pfungwa dzatagara tinadzo, asi hadzifaniri hadzo kuita kuti tive norusaruro. “Kufungira mano akaipa kunozova rusaruro bedzi kana munhu asingachinji pfungwa dzake pashure pokuziva mamwe mashoko,” rinodaro bhuku rinonzi The Nature of Prejudice. Kazhinji kazhinji, rusaruro runogona kukurirwa vanhu pavanozivana. Zvisinei, rinodaro bhuku rimwe chetero, “kubatana bedzi kunoita kuti vanhu vaitire zvinhu pamwe chete kungangoita kuti mafungiro achinje.”

Iyi ndiyo nzira yakakurira nayo John muIbo wokuNigeria kusarura kwake vanhu vechiHausa. Iye anoti, “Ndakasangana nevamwe vadzidzi vechiHausa payunivhesiti vakazova shamwari dzangu, uye ndakaona kuti vakanga vaine tsika dzanaka. Ndakashanda nomumwe mudzidzi wechiHausa pane chimwe chirongwa chokushandira pamwe chete, uye takashanda zvakanaka kwazvo; nepo yaichimbova shamwari yangu, yaiva muIbo, haina kuita rutivi rwayo.”

Nzira Yokukurira Nayo Rusaruro

Maererano nomushumo weUNESCO Against Racism, “dzidzo inogona kubatsira chaizvo kuti vanhu vasaita rusaruraganda uye rusaruro.” Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti dzidzo yeBhaibheri ndiyo chaiyo inogona kubatsira zvakanakisisa panyaya iyi. (Isaya 48:17, 18) Vanhu pavanoshandisa dzidziso dzaro, kunyumwira kunotsiviwa noruremekedzo uye ruvengo runopedzwa norudo.

Zvapupu zvaJehovha zvakawana kuti Bhaibheri riri kuzvibatsira kuti zvisaita rusaruro. Zvechokwadi, Bhaibheri rinovakurudzira nokuvapa mukana wokushanda nevanhu vedzimwe tsika nemadzinza. Christina, ane mashoko ambotaurwa munyaya yokutanga yenyaya dzino dzinotevedzana, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoti, “Misangano yedu yepaImba yoUmambo yakasimbisa chivimbo changu. Ndinonzwa ndakachengeteka ikoko nokuti handifungidziri kuti mumwe munhu anondisarura.”

Jasmin, Chapupu zvakare, anoyeuka achitanga kuitirwa rusarura ganda paakanga ava namakore mapfumbamwe. Anoti: “Misi yeChina yagara iri zuva randinofarira chaizvo pavhiki nokuti manheru acho ndinoenda kuImba yoUmambo. Ikoko vanhu vanondiratidzira rudo. Vanondiita kuti ndinzwe kuti ndinokosha pane kunzwa ndaderedzwa.”

Mabasa okuzvidira anoitwa neZvapupu zvaJehovha anoita kuti vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vawirirane. Simon akaberekerwa muBritain kunyange zvazvo vabereki vake vachibva kuCaribbean Islands. Akaitirwa rusaruro zvakanyanya paakanga achishanda sabhiridha pakambani yokuvaka. Asi izvi hazvina kuitika mumakore aaishanda basa rokuzvipira nevarume vaanonamata navo. “Ndakashanda nezvimwe Zvapupu zvinobva kunyika dzakasiyana-siyana,” anotsanangura kudaro Simon, “asi takadzidza kubatana zvakanaka. Dzimwe dzakazova shamwari dzangu dzepamwoyo dzaibva kune dzimwe nyika uye dzakarerwa zvakasiyana.”

Chokwadika, Zvapupu zvaJehovha vanhu vasina kukwana. Saka, zvingareva kuti zvinofanira kuramba zvichirwisa kunzwa kuda kusarura. Asi kuziva kuti Mwari haasaruri zvinovapa chido chakasimba chokuda kumutevedzera.—VaEfeso 5:1, 2.

Mibayiro yokukurira rusaruro yakawanda. Sezvatinovhengana nevanhu vakarerwa zvakasiyana, upenyu hwedu hunopfumiswa. Uyezve, achishandisa Umambo hwake, munguva pfupi iri kutevera Mwari achaita nzanga yevanhu ichagara zvakarurama. (2 Petro 3:13) Panguva iyoyo rusaruro ruchakundwa zvachose.

[Bhokisi riri papeji 11]

Ndinosarura Here?

Zvibvunze mibvunzo inotevera kuti uone kana ungave uchiita rusaruro nokusaziva:

1. Ko ndinofungidzira kuti vanhu vemadzinza akasiyana-siyana, vokune imwe nzvimbo, kana rudzi vane unhu hwakaipa, hwakadai sokusafunga, unyope, kana kuoma musoro here? (Nyambo dzakawanda dzinokurudzira rusaruro rworudzi urwu.)

2. Ndinomboshora here vanobva kune imwe nyika kana kuti vanhu verimwe dzinza nokuda kwezvinetso zvangu zvoupfumi kana zvimwewo?

3. Ndakabvumira here ruvengo rwenhau dzakaitika kare rwekwandinogara runoitirwa rumwe rudzi kuita kuti ndiite rusaruro pavanhu vorudzi irworwo?

4. Ndinogona here kuona munhu wose wandinosangana naye sezvaari—pasinei noruvara rweganda rake, tsika, kana kuti dzinza rake?

5. Ndinogamuchira here mukana wokuti ndizive vanhu vanobva kune tsika dzakasiyana nedzangu? Ndinoita zvandinogona kuti ndiite izvozvo here?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Mumufananidzo wake womuSamariya akanaka, Jesu akatidzidzisa kuti tingadzivisa sei rusaruro

[Mufananidzo uri papeji 8]

Ari pamba paKoneriyasi, Petro akati: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri”

[Mufananidzo uri papeji 9]

Dzidziso dzeBhaibheri dzinobatanidza vanhu vanobva kwakasiyana-siyana

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvazvinenge zvadzidza

[Mufananidzo uri papeji 10]

Christina—“Misangano yepaImba yoUmambo inondiita kuti ndizvivimbe”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jasmin—“Vanhu vanondida. Vanoita kuti ndinzwe ndichikosha panzvimbo pokuzvidzwa”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Simon, mushandi anozvipira—“Takadzidza kubatana zvakanaka”