Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Yokuva Baba Vakanaka

Nzira Yokuva Baba Vakanaka

Nzira Yokuva Baba Vakanaka

IMWE nyaya yomumagazini inonzi Economist, yaitaura pamusoro pokuparara kwemhuri yakatanga nomutsetse unokwezva waiti, “Zviri nyore kubereka vana, zvakaoma kuva baba vakanaka.”

Kunyange zvazvo paine zvinhu zvakawanda zvakaoma kuita muupenyu, chimwe chezvakaoma kupfuura zvose—uyewo chichikosha kupfuura zvose—kuva baba vakanaka. Vanababa vose vanofanira kuda kuva vanababa vakanaka, sezvo izvi zvichikosha kuti mhuri yavo igare zvakanaka uye ichifara.

Nei Zvisiri Nyore

Kutaura zvazviri, chikonzero chikuru nei kuva baba vakanaka kusiri nyore ndechokusakwana kwakatinotodza kuvabereki vedu—vabereki zvose nevana. “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” rinodaro Bhaibheri. (Genesi 8:21) Saka, mumwe munyori weBhaibheri akabvuma kuti: “Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.” (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Kunzwa uchida kuita zvakaipa nemhaka yechivi chawakatodza kuvabereki chinongova chipingamupinyi chimwe bedzi chinoita kuti zviome kuva baba vakanaka.

Nyika ino, kana kuti gadziriro yezvinhu, ndechimwewo chipingamupinyi chikuru. Nei zvakadaro? Nokuti, sokutsanangura kunoita Bhaibheri, “nyika yose iri musimba rewakaipa,” uyo anozivikanwa ‘saDhiyabhorosi uye Satani.’ Bhaibheri rinodanawo Satani kuti “mwari wegadziriro ino yezvinhu.” Ndokusaka Jesu akati, kungofanana naye, vateveri vake vanofanira kunge ‘vasiri venyika’!—1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinde 4:4; Johani 17:16.

Chinokosha pakuva baba vakanaka kuramba uchingwarira kusakwana kwatakatodza kuvabereki, Satani Dhiyabhorosi, uye nyika ino yaari kudzora. Zvipingamupinyi izvi hazvisi zvokungofungidzira. Zviripo! Asi munhu angadzidza kupi zvokuita kuti akurire zvinetso izvi uye kuti ave baba vakanaka?

Mienzaniso yaMwari Yokutevedzera

Kuti vabatsirwe kukurira zvipingamupinyi zvataurwa pamusoro apa, baba vanogona kushandisa Bhaibheri. Rine mienzaniso yakanaka chaizvo. Jesu akataura wakanakisisa wacho paakadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere vachiti: “Baba vedu vari kumatenga.” Richirondedzera Baba vedu vari kudenga, Bhaibheri rinotaura zviri nyore kuti: “Mwari rudo.” Munhu anenge ari baba anofanira kuita sei nezvomuenzaniso worudo uyu? “Ivai vatevedzeri vaMwari,” muapostora Pauro akakurudzira kudaro, “uye rambai muchifamba murudo.”—Mat. 6:9, 10; 1 Joh. 4:8; VaEf. 5:1, 2.

Kana uri baba, funga nezvezvaungadzidza pachiitiko chimwe chete Mwari paakataura nezvaJesu, Mwanakomana wake. Mateu 3:17 inotiudza kuti pakubhabhatidzwa kwaJesu mumvura, inzwi raMwari rakanzwika kubva kudenga, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” Tingadzidzei pane izvi?

Kutanga, funga nezvezvazvinoita pamwana kana baba vakaudza mumwe munhu vachidada kuti, ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu’ kana kuti ‘Uyu ndiye mwanasikana wangu.’ Vaduku vanofara mubereki paanotaura nezvavo, kunyanya paanovarumbidza. Pamwe zvingangokurudzira mwana kuti aedze zvakasimba kuratidza kuti akakodzerwa nokurumbidzwa.

Chechipiri, Mwari akaratidza manzwiro aaiita pamusoro paJesu, achitaura nezvake se“anodiwa.” Mashoko iwayo anoratidza rudo runobva kuna Baba vake anofanira kunge akafadza Jesu. Vana vakowo vachakurudzirwa kana ukaratidza nemashoko ako—pamwe chete nenguva yako, kuvafarira uye kuva nehanya—kuti unovada nomwoyo wose.

Chechitatu, Mwari akaudza Mwanakomana wake kuti: “Ndakutendera.” (Mako 1:11) Ichochowo chinhu chinokosha chinofanira kuitwa nababa, kureva kuti, kuudza vana vavo kuti vanofadzwa navo. Chokwadi, mwana achakanganisa kazhinji. Tose tinokanganisa. Asi sababa, uri kutsvaka mikana yokutaura kuti unofarira zvinhu zvakanaka zvinoitwa kana kutaurwa nevana vako here?

Jesu akadzidza zvakanaka kubva kuna Baba vake vokudenga. Paaiva pasi pano, akaratidza nezvaaitaura uye nezvaaiita kuti Baba vake vanonzwa sei chaizvo pamusoro pevana Vavo vepanyika. (Joh. 14:9) Kunyange apo Jesu aiva akabatikana uye ainge achinetseka kwazvo, aiwana nguva yokugara pasi otaura nevana. “Regai vana vaduku vauye kwandiri,” akaudza vadzidzi vake kudaro, “musaedze kuvadzivisa.” (Mako 10:14) Imi vanababa mungatevera muenzaniso waJehovha Mwari noMwanakomana wake zvizere here?

Muenzaniso Wakanaka Unokosha

Zvinokosha zvikuru kuratidza vana venyu muenzaniso wakanaka. Kuedza kwenyu ku“varera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha” hapana zvakuchaita kana imi musingazviisi pasi pechirango chaMwari uye musingabvumiri upenyu hwenyu kuti hutungamirirwe nacho. (VaEfeso 6:4) Zvisinei, muchibatsirwa naMwari, munogona kukurira chipingamupinyi chero chipi zvacho kuti muite zvaanorayira zvokuti mutarisire vana venyu.

Chimbofunga muenzaniso waViktor Gutschmidt, mumwe weZvapupu zvaJehovha ari mune yaimbova Soviet Union. Muna October 1957, akatongerwa makore gumi mujeri nokuti aitaura nezvokutenda kwake. Akasiya vanasikana vake vaduku vaviri pamwe chete nomudzimai wake, Polina. Paaiva mujeri, aibvumirwa kunyorera mhuri yake tsamba asi airambidzwa kutaura chero chinhu chipi zvacho pamusoro paMwari kana kuti nyaya ipi neipi yechitendero. Kunyange paakanga akatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma aya, Viktor akanga akatsunga kuva baba vakanaka, uye aiziva kuti kudzidzisa vana vake pamusoro paMwari kwaikosha zvikuru. Saka akaitei?

“Ndaiwana zvandaida mumagazini okuSoviet anonzi Young Naturalist uye Nature,” anorondedzera kudaro Viktor. “Ndaidhirowa mifananidzo yemhuka neyevanhu pamapositikadhi uye ndainyorawo nyaya kana kuti chiitiko pamusoro pezvisikwa.”

“Pataingogamuchira mapositikadhi aya,” anodaro Polina, “taibva taawiriranisa nenyaya dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, paainge akadhirowewa zvinhu zvakanaka zvakasikwa, masango, kana kuti nzizi, ndaiverenga Isaya chitsauko 65,” iyo inotaura nezvezvipikirwa zvaMwari zvokuita kuti pasi rive paradhiso.

Mwanasikana waViktor anonzi Yulia anorondedzera kuti, “Amai vaibva vanyengetera nesu, uye taichema. Makadhi aya akaita basa rinokosha mukurerwa kwedu.” Polina anoti somugumisiro, “vasikana vaida Mwari kwazvo kubvira vachiri vaduku.” Iye zvino zvinhu zvakamira sei mumhuri yacho?

Viktor anotsanangura kuti, “Iye zvino vanasikana vangu vose vakaroorwa nevakuru vechiKristu, uye vose vari vaviri vane mhuri dzakasimba mukunamata nevana vanoshumira Jehovha nokutendeka.”

Kugadza muenzaniso wakanaka hakuwanzodi kungwaririra chete asiwo kutamburira kwakasimba. Vana vachabayiwa mwoyo kana vakaona kuti baba vavo vari kuedza zvechokwadi kuratidza muenzaniso. Mwanakomana akapedza makore mazhinji ari muushumiri hwenguva yakazara akataura nezvababa vake achionga achiti, “Dzimwe nguva Baba vaibva kubasa vakaneta zvokuti vaitsimwaira, asi pasinei naizvozvo, taidzidza Bhaibheri, uye izvi zvakatibatsira kunzwisisa kukosha kwokudzidza.”

Zviri pachena kuti kuratidza muenzaniso wakaisvonaka—pakutaura nepakuita—zvinokosha pakuva baba vakanaka. Unofanira kuita izvozvo kana uchida kuona chokwadi chechirevo cheBhaibheri chinoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.

Naizvozvo yeuka, zvaunotaura hazvisi izvo chete zvinokosha. Zvinonyanya kukosha ndezvaunoita—muenzaniso waunoratidza. Nyanzvi yedzidzo yevana vaduku yokuCanada yakanyora kuti: “Nzira yakanakisisa yokuita kuti vana vedu vaite zvakanaka [sezvatingada] ndeyokuti isu tiite zvakanaka.” Chokwadi, kana uchida kuti vana vako vakoshese zvinhu zvokunamata, zvinokosha kuti iwe uite saizvozvo.

Vawanire Nguva!

Vana vako vanofanira kuona muenzaniso wako wakanaka. Izvozvo zvinoreva kuti unofanira kupedza nguva yakawanda uinavo—nguva yakawanda kwazvo, kwete kungoti apo neapo. Kuchenjera kuteerera zano reBhaibheri ‘rokutenga nguva,’ kureva kuti, kurega zvinhu zvisingakoshi kuti uwane nguva yokuva navo. (VaEfeso 5:15, 16) Chaizvozvo, chii chinonyanya kukosha kupfuura vana vako? Iterevhizheni hombe, zvokushandisa pakutamba gorufu, imba yakanaka kana basa rako here?

Pane chirevo chakakurumbira chinoti, ‘Kana vanababa vakasapedza nguva yakawanda vachitarisira vana vavo pavanenge vachiri vaduku, zvichazovanetsa.’ Vanababa vane vana vakatsauka vanoita zvounzenza kana kuti kunyange vasinganamati vanowanzozvidemba chaizvo. Vanodemba kuti vakakundikana kuva nevana vavo nguva zhinji yavaida chaizvo kuva nababa.

Yeuka kuti, vana vako pavanenge vari vaduku ndiyo nguva yokufunga nezvemigumisiro yezvaunosarudza kuita. Bhaibheri rinoti vana vako “inhaka inobva kuna Jehovha,” chimwe chinhu icho Mwari pachake akakuchengetesa. (Pisarema 127:3) Saka usambokanganwa kuti uchazvidavirira kuna Mwari pamusoro pavo!

Rubatsiro Ruripo

Baba vakanaka vanoda kugamuchira rubatsiro runozoyamura vana vavo. Pashure pokunge ngirozi yaudza Manoa kuti mudzimai wake aizobereka mwana, Manoa akanyengetera kuna Mwari achiti “Ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana achazozvarwa.” (Vatongi 13:8, 9) Kungofanana nevabereki vanhasi, Manoa aida rubatsiro rworudzii? Ngationei.

Brent Burgoyne, mumwe mudzidzisi paUniversity of Cape Town, kuSouth Africa, akati: “Chimwe chezvipo zvikuru kwazvo munhu chaangapa mwana wake kumudzidzisa tsika.” Mushumo uri mupepanhau rokuJapan rinonzi Daily Yomiuri unoratidza kuti vana vanofanira kudzidziswa tsika dzakadaro, wakati: “[Kumwe] kuongorora kwakaitwa kunoratidza kuti 71 muzana yevana vokuJapan havana kumboudzwa navanababa vavo kuti vasareva nhema.” Izvozvo hazvisuruvarisi here?

Ndiani angagovera tsika dzinogona kuvimbwa nadzo? Kwakawanikwa rubatsiro naManoa—Mwari pachake! Kuti abatsire, Mwari akatuma Mwanakomana wake anodiwa, Jesu, soMudzidzisi—shoko raiwanzoshandiswa paaitaurwa nezvake. Iye zvino bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rine zvidzidzo zvinobva mudzidziso dzaJesu, rinowanikwa mumitauro yakawanda rinobatsira kudzidzisa vaduku.

Dzidza Kumudzidzisi Mukuru haringotsananguri tsika dziri muShoko raMwari asiwo rinoenzanisira mashoko akanyorwa nemifananidzo inopfuura 160 ine mibvunzo inosimbisa pfungwa yacho. Somuenzaniso, chitsauko 22, chine musoro unoti “Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema,” chine mufananidzo unoonekwa pano. Mashoko akanyorwa papeji ine pikicha iyi anoti: “Zvimwe mukomana anoudza baba vake kuti: ‘Aiwa, handina kutambira bhora mumba.’ Asi zvakadini kana zviri izvo zvaaita? Pangave nechakaipa here kana akati haana kudaro?”

Zvidzidzo zvinokurudzira zvinodzidziswawo muzvitsauko zvine misoro inoti “Kuteerera Kunokudzivirira,” “Tinofanira Kukurira Miedzo,” “Chidzidzo Chokuva Nomutsa,” “Usambofa Wakava Mbavha!,” “Mapati Ose Anofadza Mwari Here?” “Nzira Yokufadza Nayo Mwari,” “Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda,” kungotaura zvitsauko zvishomanana pa48 zviri mubhuku racho. *

Mashoko okutanga ebhuku racho anogumisa achiti: “Vana vanofanira kunyanya kuda kutungamirirwa kuTsime rouchenjeri hwose, Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari. Izvi ndizvo izvo Jesu, Mudzidzisi Mukuru, aigara achiita. Tinotarisira nomwoyo wose kuti bhuku rino richakubatsirai pamwe nemhuri yenyu kuvaka upenyu hwenyu kuti mufadze Jehovha, kuti mukomborerwe nokusingaperi.”

Zviri pachena kuti kuva baba vakanaka kunosanganisira kuratidza muenzaniso wakanaka nokuda kwevana venyu, kupedza nguva yakawanda navo, uye kuvabatsira kurarama maererano nezvinodiwa naMwari sezvaanotaura muBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 34 Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Mibvunzo Inobvunza VechidukuMhinduro Dzinoshanda, uye Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ndemamwe emabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha kuti zvibatsire mhuri.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kunyange zvazvo aiva mujeri, Viktor Gutschmidt akakwanisa kuva baba vakanaka

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Paaiva akasungirwa kutenda kwake, Viktor akadhirowa mifananidzo iyi kuti adzidzise vana vake

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vanasikana vaViktor muna 1965

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vanababa vanofanira kunyatsodzidzisa vana vavo