Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Uchaaverenga Rini Ose Aya?”

“Uchaaverenga Rini Ose Aya?”

“Uchaaverenga Rini Ose Aya?”

Muna July 2001 mumwe murume muguta reKhabarovsk riri kuMabvazuva kweRussia akawana murwi wemagazini 34 eMukai! muraibhurari yeguta racho. Akaakumbira, uye zuva rokuadzosa parakasvika muna August, akanga asingadi kuadzorera. Saka akaakumbira zvekare kusvika muna September. Akafarira magazini acho kwazvo zvokuti akaakumbira zvekare muna November, nemamwe matsva matanhatu.

Murume wacho akanga agara asingafariri kuverenga mabhuku ane chokuita nechitendero. Nei akatanga kuverenga Mukai!? “Nemhaka yokuti mashoko akawanda ari mumagazini aya anotaura nezvezvinetso zvemagariro evanhu zvinonakidza uye zvine chokuita nomunhu wose,” akanyora kudaro.

Murume wacho akaenderera mberi achiti, “Kazhinji, pane ‘nzendo’ dzakanyatsorongwa dzokuenda kumaguta amazuva ano nenyika, pamwe chete nemashoko pamusoro petsika dzevanhu.” Akanakidzwawo nenyaya dzine chokuita nevanhu vakabudirira muupenyu, vakaramba vakaomerera pachitendero chavo, uye vakabatsira vamwe kutsungirira tsaona nematambudziko. Anoti kudini pamusoro pemagazini yacho? “Zvechokwadi zvinogona kutaurwa kuti Mukai! mubatanidzwa wemagazini eTime, Popular Science, neNational Geographic!”

Murume wacho akakumbira magazini akabuda kare eMukai! mumutauro wechiRussia kudzokera shure kusvika muna 1995. Pamusoro peMukai! akakumbira mabhuku akasiyana-siyana nemabhurocha akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akanyora kuti, “Mungabvunza kuti, ‘Uchaaverenga rini ose aya?’” Akapindura mubvunzo wake oga nokutaura kuti ane nguva yokuverenga zvinhu zvinokosha, sezvo asingapedzi nguva yakawanda achiona terevhizheni nokutarisa paIndaneti.

Mukai! inopa mashoko anokosha pamusoro pezvinhu zviri kuitika uye inobatsira kunzwisisa nzira yokupedza nayo zvinetso zviripo nhasi. Wadii kukumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikuvigire magazini achangobva kubuda eMukai! mwedzi mumwe nomumwe?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kunzwisisa Matambudziko Ezvinyamusi

[Mufananidzo uri papeji 31]

Unoziva Mwari Nezita Here?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ngozi yeNyukireya—Ndeyechokwadi Zvakadini?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Nuclear explosion: U.S. Department of Energy photograph