Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaita Baba Vanodiwa Nevana

Zvakaita Baba Vanodiwa Nevana

Zvakaita Baba Vanodiwa Nevana

VANA vanoda baba vanovada, vanovatsigira, uye vanoita chero chavanogona kuti vavabatsire kukura vari vanhu vakavimbika. Vanhu havambowanzofungi kuti vana vanoda baba vakadai.

Chokwadi vanaamai ndivo vanounza vana panyika, uye ndezvechokwadi kuti amai vane rudo vanokosha. Asi richitaura kuti baba vanoitawo basa rinokosha zvakaenzana, pepanhau rinonzi The Wilson Quarterly rakati, “Kusaita basa ravo nomazvo kwavanababa ndiko kuri kukonzera zvinetso zvakawanda zviri kushungurudza nzanga yeAmerica”—uye tingawedzera kuti, zvenyika yose.

Pepanhau rokuBrazil rinonzi Jornal da Tarde rinoshuma nezvokuongorora kwakaguma nokuratidza kuti zvinetso zvakawanda zvomufambiro wepwere—zvakadai sehasha, kupandukira, kutadza kuchikoro uye kusakendenga—kazhinji “zvinokonzerwa nokushaya nguva nemhuri dzavo kunoita vanababa.” Bhuku rokuItaly rinonzi Gli imperfetti genitori (Vabereki Vasina Kukwana) rakanyorwa naMarcello Bernardi rinosimbisa kuti vana vanoda vabereki vaviri kuti vabudirire.

Upenyu Hwemhuri Hunogona Kuvandudzwa

Kunyange kana baba vanoregeredza mhuri vari ivo vari kuitisa zvinetso mumhuri kana kuti vari ivo vakanyanya kuita kuti zvivepo, hazvirevi hazvo kuti zvinhu hazvigoni kugadziriswa upenyu hwemhuri hwovandudzwa. Sei? Baba vanofanira kuitei?

Sezviri pachena, vana vanotoda mhuri yakarongeka, kunzwa kuti mumwe munhu anovafarira ndiye ari kudzora. Kana izvozvo zvikasaitwa, sezvinowanzoitika mazuva ano, zvinovhiringidza upenyu hwevana kwazvo. Zvisinei, hazvirevi hazvo kuti hazvimbogadzirisiki, pangava paina baba kana kuti pasina. “Baba venherera,” rinodaro Bhaibheri pana Pisarema 68:5, “ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene.” *

Mawaniro Orubatsiro

Zvakarondedzerwa naLidia, musikana wokuPoland ataurwa munyaya yapfuura, zvinopupurira kuti kubatsira kwaMwari kunokosha kuti munhu abudirire, uye kuti kunogona kuwanikwa. Upenyu hwemhuri hwakanga hwakaita sei kumba kwavo? Mhuri yacho yakabatsirwa sei naMwari?

Franciszek, baba vaLidia, vanobvuma kuti vana vavo pavaiva vaduku, vairegeredza mhuri yavo, sokungotaura kwakaita mwanasikana wavo. Ivo vanoti: “Ndakanga ndisina basa nokuti vana vedu vari kuitei. Handina kumbovaratidza kuti ndinovada, uye pakati pedu pakanga pasina kana chisungo.” Naizvozvo havana kuziva kuti Lidia paakanga ava nemakore 14, iye nomwanakomana wavo muduku nomumwe mwanasikana vakanga vava kutoenda kumapati, kuputa, kunwa, uye kugara vachirwa.

Franciszek akazoguma aona kuti vana vake vakanga vari mumatambudziko akadini, uye akarohwa nehana zvokuti akasarudza kuita chimwe chinhu nezvazvo. Anoti: “Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire.” Zvinoshamisa kuti achangopedza Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira pamba pake, uye iye nomudzimai wake vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Pakupedzisira, vabereki vacho vakatanga kushandisa zvarinodzidzisa muupenyu hwavo. Zvakaita kuti vana vacho vaite sei?

Franciszek anotsanangura kuti: “Vakatanga kuona kuti ndakanga ndarega kunwa uye kuti ndakanga ndava baba vari nani. Vaida kuziva Zvapupu zvaJehovha zviri nani. Vakatangawo kudzidza Bhaibheri ndokurega kushamwaridzana neshamwari dzavo dzakaipa.” Mwanakomana wacho anonzi Rafał, anoti nezvababa vake: “Ndakasvika pakuvada seshamwari.” Anowedzera kuti: “Nenguva isipi chikwata chomumugwagwa chakanga chisingachakoshi. Takanga takabatikana nemabasa okunamata.”

Iye zvino Franciszek ava mukuru muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha, uye achiri kutarisira mhuri yake uye kufambira mberi mune zvokunamata kwomumwe nomumwe. Mudzimai wake naLidia mapiyona, vaparidzi venguva yakazara. Rafał nehanzvadzi yake duku, Sylwia, vanodzidza Bhaibheri nomwoyo wose, uye vanopindurawo pamisangano yechiKristu, nokuudzawo vamwe kutenda kwavo.

Aiita Zvaaidzidzisa

Fungawo nezvezvakaitika kuna Luis, baba vaMacarena. Yeuka kuti ndiye musikana ane makore 21 wokuSpain ane mashoko ari munyaya yokutanga. Luis airarama achitevedzera baba vake vaiva chidhakwa. Sokutaura kwakaita Macarena, baba vake vaimbopota vachienda neshamwari dzavo kwemazuva anoverengeka. Uyezve, vaibata mudzimai wavo somushandi panzvimbo peshamwari inokosha. Vakanga vava kutoda kurambana, uye Macarena nevanin’ina vake zvakavashungurudza kwazvo.

Zvisinei, Luis akazobvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anotsanangura kuti: “Ndakatanga kupedza nguva yakawanda ndiine mudzimai wangu nevana vangu. Taitaura tose, taidya tose, uye taidzidza Bhaibheri pamwe chete. Taiitawo mabasa epamba tose uye taitandara pamwe chete.” Macarena anoti: “Ndakatanga kunzwa kuti ndakanga ndiina baba vane mutsa uye vairatidza kufarira mhuri yavo nomwoyo wose.”

Zvinokosha ndezvokuti, Luis haana kungokurudzira mhuri yake kuti ishumire Mwari asi aiita zvaaidzidzisa. Akasiya “bhizimisi raibudirira,” Macarena anotsanangura kudaro, “nokuti raitora nguva yakawanda zvikuru uye vaida kupa nguva yakawanda kumhuri yavo.” Zvakaitika zvaishamisa. “Muenzaniso wavo wakandidzidzisa kuti ndingava neziso rakanaka sei nokuisa zvinhu zvokunamata panzvimbo yokutanga,” anodaro Macarena. Iye zvino ari kushumira sapiyona, uye amai vake nevanin’ina vake inhengo dzeungano yechiKristu dziri kushanda nesimba.

Chisarudzo Chomukuru Wepabasa Wokuzvitima

Zviri pachena kuti baba vanodiwa nevana vavo ndevaya vanoita zvisarudzo vachifunga nezvevana vavo. Mwanakomana achiri kuyaruka waTakeshi Tamura, mukuru wepabasa wokuJapan ambotaurwa munyaya yapfuura, akanga amboshamwaridzana nevanhu vane tsika dzakaipa uye anenge airatidza kuti aizoguma apinda mumatambudziko. Muna 1986, Takeshi akasarudza kusiya nzvimbo yake somukuru webasa weJapanese National Railways. Takeshi anonzwa sei pamusoro pechisarudzo chake iye zvino, pashure pemakore anopfuura 18?

“Zvimwe ndicho chisarudzo chakanakisisa chandati ndamboita,” akadaro nguva pfupi yapfuura. “Kuwana nguva yakawanda ndine mwanakomana wangu tichiita zvinhu pamwe chete, kusanganisira kudzidza Bhaibheri naye, kwakabatsira zvikuru. Takasvika pakuva shamwari, uye akasiyana neshamwari dzake dzakaipa nomufambiro usina kunaka.”

Mudzimai waTakeshi akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha makore mashomanana akanga apfuura acho, uye waiva mufambiro wake wakanaka wakakurudzira murume wake kudzidza Bhaibheri uye kuwedzera kutarisira mhuri yake. Pakupedzisira iye, mwanakomana wake, nomwanasikana wake vose vakava Zvapupu. Takeshi nomwanakomana wake zvino vanoshumira sevakuru muungano dzavo, uye mudzimai wake nomwanasikana wake mapiyona.

Vanababa Vanoda Kubatsirwa

Vanababa vakawanda, kunyange zvazvo vakaona kuti vari kuregeredza vana vavo, havazivi zvavanofanira kuvaitira. Pepanhau rokuSpain rinonzi La Vanguardia raiva nomusoro waiti, “Vabereki [VokuSpain] 42 Muzana Vanobvuma Kuti Havazivi Kuti Vangarera Sei Vana Vavo Vari Kuyaruka.” Asi ndizvo zvazvakangoitawo kunyange kuna vanababa vevana vasati vasvitsa makore 13 uye ndumure. Kusiyana nokufunga kwevakawanda, vaduku ava vanodawo baba vakazvipira vanowanika uye vanotamba navo.

Chiizve chingadzidzwa nezvokuva baba vakanaka? Ndivanaani vari mienzaniso yavanababa yakanakisisa, uye chii chingadzidzwa kwavari? Nyaya yedu yokupedzisira ichaongorora mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Tapota ona chitsauko chinoti “Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!” chiri mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vanababa vaigovera vana vavo zvavaida

Franciszek nemhuri yake

Luis nemhuri yake

Takeshi nemhuri yake