Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinonzi Vitiligo?

Chii Chinonzi Vitiligo?

Chii Chinonzi Vitiligo?

Nomunyori weMukai! muSouth Africa

▪ Dzimwe nguva Sibongile anotaura nezveganda rake achiseka. Anonyemwerera achiti, “Ndakaberekwa ndiri mutema, ndikava murungu, uye iye zvino handichazivi zvandiri.” Ane chirwere cheganda chinonzi vitiligo.

Chirwere chevitiligo, kana kuti cheleukoderma, chinokonzerwa nokurasikirwa nemasero anoita kuti ganda rive noruvara. Izvi zvinoita kuti ganda rive nemavara uye madzvanga machena. Vamwe vanhu vanongobuda dzvanga rimwe chete. Zvisinei, kune vamwe anokurumidza kupararira mumuviri wose. Kune vamwewo chirwere ichi chinoramba chichipararira zvishoma nezvishoma kwemakore akawanda. Chirwere chevitiligo hachirwadzi uyewo hachitapuriranwi.

Havasi vose vane chirwere ichi vanonyanya kuoneka sezvakaita chaSibongile, nokuti chinonyanya kuoneka pavanhu vane ganda dema. Asi kune vanhu vakawanda vanacho zvichisiyana-siyana mwero wacho. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari pakati pe1 ne2 muzana vanacho. Chirwere ichi chinobata vanhu vemarudzi ose uye chinobata varume nevakadzi zvakafanana. Hazvisati zvava kuzivikanwa kuti chinokonzerwa nei.

Kunyange zvazvo pasina mushonga chaiwo wokurapa chirwere chevitiligo, kune nzira dzakawanda dzokuita kuti chisanyanya kuoneka. Somuenzaniso, pavanhu vane ganda dzvuku vanacho, chinonyanya kuoneka kana ganda ravo rinenge riine utano hwakanaka rikatsva nezuva. Saka, kudzivisa kupiswa nezuva kungaita kuti chirwere chacho chisanyanya kuoneka. Kune vanhu vane ganda dema, pane mafuta okuzora anogona kubatsira kuti kusiyana kwacho kworuvara rweganda kusaoneka. Vamwe vane dambudziko iri vakabatsirika nokuzora mafuta anovhara mavara mavara anenge ari paganda. Izvi zvinosanganisira kurapwa kwemwedzi yakawanda uye kushandiswa kwemafuta anodzivirira mwaranzi yezuva. Pamwe pacho izvi zvakaita kuti pakanga pava nemavara pavezve noruvara rwuya rwaimbovapo. Vamwe vane dambudziko iri vanosarudza kubviswa zvinokonzera kuti ganda rive noruvara. Chinangwa cheizvi ndechokuita kuti ganda rifanane nokuparadza masero anogadzira ruvara anenge asara pachishandiswa mishonga.

Chirwere chevitiligo chinogona kuita kuti vaya vanenge vanacho vashushikane, zvikurukuru kana chikapararira kuchiso. Sibongile anotsanangura kuti, “nguva ichangopfuura, vana vaviri vakanditarisa ndokutiza vachichema. Vamwe vanozeza kutaura neni, vachifunga kuti ndingangove ndiine chirwere chinotapuriranwa kana kuti ndakashurikidzwa. Kudai pane chandaikwanisa kubatsira vamwe kuti vanzwisise ndechokuti havafaniri havo kutya vanhu vane chirwere ichi. Havagoni kubata chirwere chevitiligo nokugunzva munhu wacho kana kuti nomumhepo.”

Sibongile haaiti kuti chirwere chake chimutadzise kuita basa rake raanoda chaizvo rokudzidzisa Bhaibheri somumwe weZvapupu zvaJehovha. Izvi zvinosanganisira kushanyira vanhu mumisha yavo uye kutaura navo chiso nechiso. Anoti: “Ndakasvika pakubvuma kuti ndizvo zvandiri. Ndinofara nezvandiri, uye ndinotarisira nguva yandichadzorerwa zvakakwana ruvara rwangu rwandakaberekwa narwo mupasi rinenge riri Paradhiso yakapikirwa naJehovha Mwari.”—Zvakazarurwa 21:3-5.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Muna 1967, asati ava nechirwere chacho