Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha, Mandiwana!”

“Jehovha, Mandiwana!”

“Jehovha, Mandiwana!”

Yakataurwa naNelly Lenz

“Muri Zvapupu zvaJehovha here?” Ndakabvunza kudaro kuvarume vaviri vakanga vauya pamba pedu. “Hungu,” vakapindura kudaro. Ndakadanidzira ndichiti, “Neniwo!” Ndakanga ndichingova nemakore 13 uye ndakanga ndisingaendi kumisangano kuImba yoUmambo. Vabereki vangu vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha. Saka nei ndakataura kuti ndaive mumwe wazvo?

DAI zvakanga zvisiri Zvapupu zvaJehovha, pamwe ndingadai ndisina kumboberekwa. Amai vangu vakabata pamuviri pangu vachigara kuMontreal, Quebec, kuCanada. Vakanga vachingova nemakore 17. Mhuri yavo yakavamanikidza kuti vabvise pamuviri. Vakabvuma.

Amai vakakumbira kusava pabasa vachiitira kuti vanobvisa pamuviri pacho. Sezvineiwo mukuru wepabasa pavo uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akaziva kuti nei amai vangu vakanga vachida kusava pabasa. Akaudza Amai vangu muchidimbu kuti chipo choupenyu chinokosha zvakadini. (Pisarema 139:13-16) Pakuenda kuchipatara, Amai vakafungisisa nezvezvakanga zvataurwa nowavaishandira. Vakasarudza kusabvisa pamuviri pacho. Pashure pokunge ndaberekwa muna 1964, amai vangu vakandiendesa kunzvimbo yaichengeterwa nherera.

Kutanga Kwandakaita Kuwana Chokwadi cheBhaibheri

Pandakanga ndava kusvitsa makore maviri, amai vangu nomurume wavakanga vachangobva kuroorwa naye vakanditora kunzvimbo yaichengeterwa nherera. Pavaigara kuSainte-Marguerite-du-Lac-Masson, vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye kupinda misangano yeungano. Zvisinei, nenguva isipi takatamira kuBoisbriand, uye vabereki vangu vakarega kudzidza.

Kwapera makore mashomanana, vakatangazve kudzidza. Ndakateerera kuti ndinzwe zvaitaurwa pamusoro petariro yeBhaibheri yepasi rinenge riri paradhiso. (Ruka 23:43) Ndakazoda Jehovha zvikuru.

Kunyange zvakadaro, rimwe zuva Amai vakandiudza kuti vakanga varega kudzidza neZvapupu uye kuti taisazoendazve kuImba yoUmambo. Pakutanga, ndakafara. Somwana aiva nemakore masere, dzimwe nguva ndaiona sokuti misangano yaitora nguva yakati rebei. Zvisinei, manheru iwayo ndaida kunyengetera kuna Jehovha, uye ndakanetseka kuti pamwe aisazonditeerera.

Masikati akatevera omusi weSvondo, ndakaona vavakidzani vedu avo vaiva Zvapupu zvaJehovha, vachienda kumisangano yavo kuImba yoUmambo. Ndakatanga kuchema uye ndakabvunza Mwari kuti, “Nei vana vavo vachigona kuenda kumisangano uye ini ndisingagoni?” Zvisinei, mashoko ePisarema 33:18 aizova echokwadi anoti: “Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, ivo, vanorindira tsitsi dzake.”

Kuendazve kuImba yoUmambo

Pashure pevhiki nhatu, ndakashanyira vavakidzani vedu ndikaudza amai vacho, Lilianne, kuti ndaida kupinda misangano. Lilianne akatsanangura kuti izvi zvakanga zvisingaiti, sezvo amai vangu vakanga vasingadi chinhu chipi zvacho chine chokuita neZvapupu zvaJehovha. Asi ini ndakaramba ndichiti ndinoda kuenda. Saka vakaenda neni kumba vakakumbira Amai kana ndaigona kuenda navo. Zvakandishamisa kuti Amai vakabvuma. Vakati misangano yaizondidzidzisa tsika dzakanaka. Saka, ndaienda kumisangano musi weSvondo woga-woga.

Kweanenge makore matatu, ndakakwanisa kupinda misangano yeungano. Asi pandakasvitsa makore 11, vabereki vangu vakarambana, uye ini naamai vangu takatama. Zvakare, handina kuzoonana neZvapupu zvaJehovha.

Kuonana Ndisingatarisiri

Rimwe zuva ndakanga ndakagara pamasitepisi okumberi kwemba yedu apo Zvapupu zviviri—Eddie Besson naDon Fisher—zvakasvika pamba pedu zvikabvunza kana vabereki vangu vakanga varipo. Pandakati havapo, varume vacho vakatendeuka vava kuenda. Asi ndakavamhanyira, uye takakurukurirana zvataurwa pakutanga.

Zvinonzwisisika kuti varume vaviri vacho vakashamiswa kunzwa ndichitaura kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakavatsanangurira mamiriro ezvinhu andaiva uye ndakavateterera kuti vadzoke manheru iwayo. Pandakaudza Amai kuti Zvapupu zvaizotishanyira, vakatsamwa chaizvo vakati vaisazozvipinza mumba medu. Kutaura zvazviri, vakaronga kubva pamba Zvapupu zvacho zvisati zvauya. Ndakateterera ndichichema kuti Amai vasaende. Pavakanga vava kuda kutoenda, bhero repasuo rakarira, uye paiva naEddie Besson. Fungidzira kuti ndakafara sei Amai vangu pavakabvuma kudzidza Bhaibheri!

Pakupedzisira, ndakanga ndava kugona kupinda misangano yeungano zvakare! Zvisinei, gore risati rakwana amai vangu vakaregazve kudzidza. Panguva ino, vakandirambidza kutaura neZvapupu uye vakarasa mabhuku ose eZvapupu zvaJehovha avaigona kuwana. Asi ndakakwanisa kuviga Bhaibheri, bhuku renziyo, mabhaundi vhoriyamu maviri eNharireyomurindi, Mabhuku Egore eZvapupu zvaJehovha maviri, uye bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. * Pandakapedzisira kudzidza, ndakabvunza Eddie Besson zvandaigona kuita, sezvo ndaida Jehovha zvikuru. Akandikurudzira kuti ndidzidze ndiri ndoga uye kuti ndinyengetere kakawanda. Akandivimbisa kuti Jehovha aizonditarisira. Ndaingova nemakore anenge 14 bedzi.

Kuita “Misangano” Yangu Ndoga

Kubvira ipapo, musi weSvondo woga-woga ndaienda mukamuri mangu ndoedzesera kuva pamusangano. Ndaiimba rwiyo runonzi “Chengeta Meso Ako ari paMubairo!” pakutanga nepakupedzisira nokuti ndirwo rwiyo rwoUmambo rwoga rwandaigona kuyeuka. Nanhasi handigoni kuimba rwiyo urwu ndisingachemi. Ndaidzidzawo nyaya yomuNharireyomurindi yaiva mumabhaundi vhoriyamu andaiva nawo. Ndaigumisa “musangano” wangu nomunyengetero. Saka kunyange zvazvo ndakanga ndisingachasonganiri neZvapupu zvaJehovha, ndainzwa kuti Jehovha akanga ari pedyo neni.

Pandakanga ndava namakore 17, ini naAmai takatamira kuMontreal. Makore iwayo akanga akaoma, sezvo mumba medu makanga musina rudo.

Jehovha Akandiwana!

Rimwe zuva Amai vakagamuchira bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano kubva kune Zvapupu zvaJehovha. Pandakadzoka kumba, ndakariona riri patafura uye ndakatanga kuriongorora. Pandakaona kuti rinoshandisa zita raMwari rokuti Jehovha, ndakatanga kuchema ndikanyengetera chinyararire ndichiti, “Jehovha, mandiwana!”

Ndaida kuonana nehama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu. Asi sei? Amai vakandiudza kuti mumwe muvakidzani wedu angangodaro ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Saka pandakanga ndava kuenda kubasa, ndakaenda pamba pomuvakidzani wedu ndikaridza bhero repasuo. Mumwe murume—akanga aine hope—akauya kusuo. Akashamiswa zvikuru pandakati ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti ndaida kubhabhatidzwa! Akaronga kuti imwe hanzvadzi yechiKristu inonzi Josée Miron idzidze neni Bhaibheri. Zvakare, Amai vakatanga kushora kudzidza kwandaiita Bhaibheri. Vakandiudza kuti ndaifanira kumira kuti nditange ndasvitsa makore 18 ndozova Chapupu.

Ndosiya Jehovha Here Nokuda Kwemhuri?

Wandaishandira akacherechedza kuti mamiriro angu ezvinhu kumba akanga achiramba achiipa. Aiwanzondikoka kuti ndipedze nguva ndinaye nomudzimai wake mukupera kwevhiki. Sezvo ndaifarira mabhiza, taiwanzotasva mabhiza tose. Ndaivaona sevabereki vangu.

Rimwe zuva wandaishandira akandiudza kuti iye nomudzimai wake vaindida chaizvo uye vaida kuti ndiuye kuzogara navo. Akanga ari kundipa chimwe chinhu chandakanga ndagara ndichida—mhuri ine rudo. Asi pane chinhu chimwe chete chandaifanira kuita—ndaifanira kurega kusonganirana neZvapupu zvaJehovha. Vakandipa vhiki imwe chete kuti ndifunge nezvezvavakanga vataura, asi ndakanga ndisingadi kunyange zuva rimwe. Ndakavapindura ipapo. Jehovha akanga asati ambondisiya, uye ndaisagona kumusiya.

Basa Randakaitira Mwari

Nemhaka yezvinetso zvandaisangana nazvo kumba, ndakaenda kunogara nababa vangu vokurera. Vakandikurudzira kuti ndirambe ndichidzidza, uye musi waDecember 17, 1983, pandakanga ndava namakore 19, ndakabhabhatidzwa. Ndakafara kwazvo kuona Eddie Besson pazuva randakabhabhatidzwa. Zvino akanga ava nechokwadi chokuti ndakanga ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha!

Zvisinei, unhu hwababa vangu vokurera hwakachinja pashure pokunge ndabhabhatidzwa. Pose pavaindiona ndichinyengetera, vaitaura nenzwi riri pamusoro zvikuru uye vaitonditema nezvinhu! Vakaomererawo kuti ndiwedzere dzidzo yangu izvo zvaizovhiringidza chinangwa changu chokuva piyona, muparidzi wenguva yakazara. Pakupedzisira vakandidzinga pamba. Vakandipa cheki yeUS$100 (Z$404 103) uye vakandiudza kuti pandaizoichinja, ndaizoziva kuti Jehovha akanga asina hanya neni.

Ndakava piyona musi waSeptember 1, 1986, uye nanhasi ndichine cheki iya—isina kuchinjwa! Dzimwe nguva zvaiva zvakaoma kupayona munzvimbo yokumaruwa ndisina motokari. Asi vanhu vomuungano iyoyo vainditsigira kwazvo uye vaindibatsira.

Nokufamba kwenguva, ndakaonana nomumwe murume wechiKristu ane mutsa anonzi Ruben Lenz. Takaroorana muna 1989. Pari zvino Ruben mukuru muungano iri muMilton, Ontario, kuCanada, kwatave tichigara kubvira muna 2002. Kuroorana kwatakaita kwave kuri chimwe chezvikomborero zvikuru zvandakapiwa naJehovha. Ndakaramba ndiri mubasa renguva yakazara kusvikira tava nedangwe redu, Erika, muna 1993. Kwapera makore anoti pfuurei matatu, takava nomwanakoma watakatumidza kuti Mika. Pashure pemakore akawanda ndakasurukirwa, Jehovha Mwari akandikomborera zvikuru nemhuri inomuda sezvandinoita.

Kunyange zvazvo ndaimboparadzana nevanhu vaJehovha pandaikura, handina kumborega kuisa tariro yangu kuna Mwari uye kuramba ndiine tariro youpenyu husingaperi muParadhiso. (Johani 3:36) Ndinoonga zvikuru kuti Jehovha ‘akandiwana’!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndakatasva bhiza rowandaishandira

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nelly Lenz nomurume wake, Ruben, nevana vavo, Erika naMika